Kufanogadzirira Kunounza Mufaro
1 Kuva muushumiri hwomumunda kunotiunzira mufaro mukuru. (Pis. 89:15, 16) Chokwadika, kugadzirira ndicho chinhu chinokosha kuti tiwane mufaro iwoyu zvakazara. Tikagadzirira zviri nani, tinoita zvakawanda, uye tikaita zvakawanda, tinova nemufaro mukuru zvikuru.
2 Shandisa Zvishandiso Zvakagoverwa: Tanga kugadzirira kwako nokurava uye kuongorora mashoko ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Hunowanzogovera mharidzo dzakanyatsofungwa dzakagadzirirwa kukubetsera kupa mashoko eUmambo zviri nyore uye zvinobudirira. Uchawana mienzaniso yokuti ungakurira sei zvirambidzo zvinozivikanwa. Pfungwa dzakananga dzinopiwa dzokuti ungaita sei shanyo yedzokerero inobudira, uchivavarira kutanga fundo yeBhaibheri. Wakasununguka kuchinjira idzi pfungwa kumashandisire aunonzwa wakasununguka. Kuwedzera kune izvi, une bhuku raKurangarira, rinogovera sumo dzakawanda pamwe chete nemhinduro kune vadzivisi vekurukurirano, saka richakubetsera kuva anobudirira zvikuru muzvinhu zvakawanda zvaunosangana nazvo.
3 Tarira bhuku rauchagovera, uye sarudza chinhu chimwe kana zviviri zvaunofarira izvo ungaratidza saimba. Nyaya yakakodzera yawakanzwa kana kuti yawakarava ingakupa mukana wekutanga kurukurirano. Tarisira zvirambidzo zvinozivikanwa zvaungangosangana nazvo, uye funga kuti ungapindura sei. Ipapo zvipe maminiti mashomanana ekudzidza zvauchazotaura pasuo.
4 Pinda Misangano Yebasa Yose: Nyatsoteerera nguva yeMusangano Webasa apo zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo zvinenge zvichikurukurwa, kuhwirudzurwa, uye zvichienzanisirwa. Cherekedza pfungwa idzo dzaunofunga kuti dzingabatanidzwa mumharidzo yako. Yeuka zvimwe zvezvinhu zvinozivikanwa zvawakasangana nazvo muushumiri, uye funga nezvenzira dzaungapupurira nadzo zvinobudirira zvikuru. Kurukura zvinhu izvozvo nevamwe vaparidzi misangano isati yatanga uye yapera.
5 Unogona kuva nechokwadi chokuti kana “wakagadzirira mabasa ose akanaka,” uchava nemufaro mukuru kwazvo uye uchabudirira kubetsera vamwe kuwana nzira inoenda kuupenyu.—2 Tim. 2:21.