RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/99 pp. 2-7
  • Misangano Yebasa yaJuly

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaJuly
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga na5 July
  • Vhiki Inotanga na12 July
  • Vhiki Inotanga na19 July
  • Vhiki Inotanga na26 July
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 7/99 pp. 2-7

Misangano Yebasa yaJuly

CHERECHEDZAI:Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe mumwedzi iri kutevera. Ungano dzingagadziridza sezvinodikanwa nokuda kwekupinda kokorodzano yeruwa uye ipapo nokuda kwemaminiti 30 ekuhwirudzura paMusangano Webasa vhiki inotevera yacho. Kuhwirudzura kwezuva nezuva kunofanira kufanogoverwa kuhama nhatu dzinokwanisa, idzo dzichakurukura mashoko anokosha. Uku kuhwirudzura kuchabetsera ungano kuyeuka mashoko anokosha ekushandisa pachavo. Mhinduro dzipi nedzipi dzinobva muvateereri uye zviitiko zvinobatanidzwa zvinofanira kuva zvipfupi.

Vhiki Inotanga na5 July

Rwiyo 6

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Tsinhirai mushumo waMarch webasa romumunda wenyika uye weungano. Mashoko Oushe.

20 min: “Nyengetererai Betsero yaJehovha.” Itai kuti mashoko ekusuma asapfuura miniti imwe, uye kurukuriranai nemibvunzo nemhinduro. Tsanangurai kuti minyengetero yemwoyo wose yemhando dzakasiyana-siyana inokosha sei muushumiri hunobudirira. Kumbirai vateereri kuti varondedzere zviitiko zvinoratidza kuti minyengetero yakakodzera nguva yakavabetsera sei muushumiri hwavo.—Ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1996, peji 32.

15 min: Shandisai Mabhurocha Zvakanaka. Hurukuro nemienzaniso. Tsanangurai chikonzero nei mabhurocha ari zvishandiso zvinokosha muushumiri hwedu. Anobata nenzira inobudirira nenhau dzinofadza dzakati wandei, anotaura musoro unokosha nokupfupikisa, uye anotsanangura dzidziso dzeMagwaro nenzira yakapfava. Dudzai mabhurocha anogoverwa mwedzi uno, uye ratidzai ayo arimo muungano yenyu. Enzanisirai mharidzo pfupi mbiri kana nhatu dzakavakirwa pane zvinotaurwa pasi pemusoro unoti “Presentations” muWatch Tower Publications Index.

Rwiyo 181 nemunyengetero wekugumisa.

Vhiki Inotanga na12 July

Rwiyo 103

10 min: Zviziviso Zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: “Kufanogadzirira Kunounza Mufaro.” Hurukuro nekubvunzurudza. Tsanangurai nei kugadzirira kuchikosha nokuda kwebasa romumunda uye kuti kunotigonesa sei kuwana mufaro mukuru mune zvatinoita. (Ona Bhuku Rinotungamirira reChikoro, peji 39, ndima 1-3.) Bvunzurudzai vaparidzi vanokwanisa vaviri kana kuti vatatu avo vanotaura kuti vanogadzirira sei vasati vaenda mubasa uye kuti izvozvo zvinovabetsera sei. Rondedzerai chakaitika chiri muNharireyomurindi yaApril 15, 1993, peji 30, chinoratidza kushandisa kunobudirira bhuku rinonzi Kurangarira pakugadzirira ushumiri.

20 min: “Ngatitaurei Zvatafambira!” Vateereri vanotsinhirawo uye ivai nemienzaniso. Hwirudzurai chimwe nechimwe chezvekutaura pasuo kuti titeererwe. Itai kuti vaparidzi vane unyanzvi vaenzanisire sumo dzakasiyana-siyana dzinobudirira. Kumbirai vateereri kutaura zvimwe zvokuwedzera uye rondedzerai zviitiko zvinokurudzira izvo zvinoratidza zvinonyatsoshanda mundima yenyu.

Rwiyo 183 nemunyengetero wekugumisa.

Vhiki Inotanga na19 July

Rwiyo 31

5 min: Zviziviso zveungano.

20 min: Tiri Kuita Vadzidzi Here? Mutariri webasa anokurukurirana nemubatiri anoshumira mumwe kana vaviri mashoko anobva muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1996, mapeji 19-22. Simbisai zvikonzero zveMagwaro nei tichifanira kutsvaka avo vakafanira vari mundima medu ndokuvaita vadzidzi. (Mat. 10:11) Ava ndivo vaya vanogomera nokuda kweuipi hwose uye migariro yavanoona isingadiwi naMwari yakavapoteredza uye avo vangada kutsvaka Jehovha zuva rokutsamwa kwake risati rasvika. (Ezek. 9:4; Zef. 2:2, 3) Pakati pavo pane ‘vaya vanoda upenyu husingaperi.’ (Mabasa 13:48) Basa redu nderokuita vadzidzi, tichidzidzisa vanhu zvinhu zvose izvo Jesu akarayira. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Kunyange tingaita kuti vatinosangana navo mubasa rapaimba neimba vatange kufarira, patinenge tichipupurira zvisina kurongwa, uye mubasa romumugwagwa, tinoita vadzidzi muushumiri hwokutevera—pashanyo dzedzokerero nefundo dzeBhaibheri. Dudzai zvamunofunga kuti zvinoshanda kuti izvi zvingaitwa sei.

20 min: “Kokorodzano Dzeruwa dze‘Shoko raMwari Rouprofita’ dza1999.” (Ndima 1-15) Mibvunzo nemhinduro. Ravai ndima 6, 8, 11, ne15. Simbisai zvikonzero nei tichifanira kupinda kokorodzano yose, kusanganisira purogiramu yeChishanu. Simbisai kukosha kwekutevedzera nhungamiro yeSociety yokuuya nezvokudya zvedu zvamasikati kukokorodzano zuva nezuva.

Rwiyo 189 nemunyengetero wekugumisa.

Vhiki Inotanga na26 July

Rwiyo 184

15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vose kusiya mishumo yebasa romumunda yaJuly. Bhokisi Remibvunzo.

10 min: “Purogiramu Itsva yeGungano reDunhu.” Hurukuro. Zivisai zuva regungano redunhu rinotevera. Kurudzirai vatsva kuti vafunge nezvokubhabhatidzwa. Kurudzirai vose kupinda purogiramu yose.

20 min: “Kokorodzano Dzeruwa dze‘Shoko raMwari Rouprofita’ dza1999.” (Ndima 17-24) Mibvunzo nemhinduro. Ravai ndima 19-21. Shandisai magwaro ane mashoko akatoiswa kusimbisira chikonzero nei kupfeka, kutsvinda nemufambiro dziri nhau dzinoda kuti tinyatsongwarira.

Rwiyo 14 nemunyengetero wekugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe