RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/98 p. 1
  • Tinogona Kuita Mabasa Makuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinogona Kuita Mabasa Makuru
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • “Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Wakabatikana Mumabasa Akafa Here Kana Kuti Mubasa raJehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kushanda Nokuvimbika naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 9/98 p. 1

Tinogona Kuita Mabasa Makuru

1 Ushumiri hwaJesu Kristu hwaizivikanwa nemabasa anoshamisa. Akadyisa zviuru nenzira yenenji, akarapa vakawanda, uye akamutsa vamwe kubva kuvakafa. (Mat. 8:1-17; 14:14-21; Joh. 11:38-44) Mabasa ake akazivikanwa norudzi rwose. Asi, usiku hwokupedzisira asati afa, akaudza vateveri vake vakatendeka kuti: “Unotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye uchaaitawo, uchaita makuru kune aya.” (Joh. 14:12) Tinogona sei kuita mabasa “makuru”?

2 Kupfurikidza Nokufukidza Ndima Huru: Basa raJesu rakanga rakaganhurirwa muParestina, nepo vadzidzi vake vokutanga vakaudzwa kupupura “kusvikira kumugumo wenyika,” kure zvikuru nekwakaparidzwa naJesu pachake. (Mabasa 1:8) Basa rokuparidza raakatanga zvino rava kuitwa pasi pose, richifukidza nyika 232. (Mat. 24:14) Uri kushanda zvakazara ndima yakagoverwa ungano yako here?

3 Kupfurikidza Nokutaura Nevanhu Vakawanda: Jesu akasiya vadzidzi vashomanene kuti vapfuudzire basa rokuparidza. (Mabasa 1:15) Zvisinei, somugumisiro wokupupura kwavo nokushingaira paPendekosti ya33 C.E., vanhu vakagamuchira chokwadi vakabhabhatidzwa zuva iroro vakasvika zviuru zvitatu. (Mabasa 2:1-11, 37-41) Kuunganidzwa kwe“va[ka]tarirwa upenyu husingaperi” ivavo kwakapfuurira kusvikira munguva yedu, patava kubhabhatidza avhareji yevanopfuura 1 000 pazuva. (Mabasa 13:48) Uri kuita zvose zvaunogona kuti utaure nevanhu vane mwoyo yakatendeka kwose kwose kwavangawanika nokutevera vanhu vanofarira nokukurumidza sezvinobvira here?

4 Kupfurikidza Nokuparidza Kwenguva Yakareba Zvikuru: Ushumiri hwaJesu hwakanga hwakaganhurirwa kumakore matatu nehafu. Vakawanda vedu tave tichiparidza kwenguva yakareba kupfuura iyoyo. Pasinei zvapo nokuti tichabvumirwa kupfuudzira basa iri kwenguva yakareba sei, tinofara kubetsera mudzidzi mutsva mumwe nomumwe kupinda mumugwagwa unoenda kuupenyu. (Mat. 7:14) Uri kuva nezvakawanda zvokuita mwedzi uri wose mubasa raShe here?—1 VaK. 15:58.

5 Tinogona kuramba tichivimba kuti tichitsigirwa naJesu, tichangoita mabasa makuru sevadzidzi vake vechokwadi.—Mat. 28:19, 20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe