Misangano Yebasa yaSeptember
Vhiki Inotanga na7 September
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Hwirudzurai bhokisi rinoti “Zano.”
15 min: “Tinogona Kuita Mabasa Makuru.” Mibvunzo nemhinduro. Kurudzirai vose kuva nezvinangwa zvine mufungo zvegore idzva rebasa nokushanda zvakasimba kuti vazvisvitse.—Onai Ushumiri Hwedu, mapeji 116-18.
20 min: “Mapiyona Anobetsera Vamwe.” Mukuru anotsanangura kuti kuwedzera kukurovedza kunopiwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, kwakaitwa gadziriro dzokuti mapiyona abetsere vamwe somunhu oga muushumiri. Anobvunza mibvunzo yakavakirwa panyaya yacho ndokukumbira kuti vateereri vatsinhire, kunyanya mapiyona nevaparidzi vave vachibatanidzwa muchirongwa chacho. Fungai kuti mungawana sei migumisiro yakanakisisa machiri. Mapiyona angarondedzera kuti vakafara nokubetserwa sei nokubatanidzwa mukubetsera vamwe. Vaparidzi vakabetserwa vangataura kuti vanoonga sei gadziriro iyi yorudo ndokududza zvimwe zvinhu zvakavabetsera kubudirira zvikuru nokufara muushumiri.
Rwiyo 172 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na14 September
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.
15 min: Mwari Anodei Kwatiri? Hurukuro. Tinovamba kufunda bhurocha iri vhiki inouya pafundo yebhuku. Kurudzirai vose kufanogadzirira ndokupinda fundo dzose kuitira kuti varovedzane nebhurocha racho ndokudzidza nzira yokurifunda nayo nevamwe. Ravai ndima iri pasi pemusoro unoti “Nzira Yokushandisa Nayo Bhurocha Rino.” Shandisai mashoko ari muNharireyomurindi yaJanuary 15, 1997, mapeji 16-17, kuti musimbise kukosha kwokudzidzisa nemibvunzo, magwaro, uye mifananidzo iri mubhurocha racho. Vaitisi vefundo dzebhuku vanofanira kuva muenzaniso wakanaka kuvanoitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha, kupfurikidza nokusanyanyotaura nokusapinza mashoko okuwedzera.—Onai Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, peji 3, ndima 5.
20 min: Takaita Sei Gore Rapera? Munyori nomutariri webasa vanohwirudzura mushumo webasa weungano nenhamba dzevaipinda misangano yegore rapfuura. Vanodudza zvinhu zvinokurudzira zviri mumushumo wacho ndokusimbisa mativi anogona kuvandudzwa. Vaparidzi vose vakagoverana here mubasa muna August? Taurai mifungo yakakodzera inobva mumushumo wokupedzisira wakaitwa nomutariri wedunhu.
Rwiyo 144 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na21 September
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mashoko Oushe.
15 min: Zvinodikanwa zvomunzvombomo.
20 min: “Ziva Hama Dzako.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro dziri muNharireyomurindi yaOctober 1, 1998, mapeji 10-11. Kurudzirai vose kutanga kuita chiito chokuzivana zviri nane.
Rwiyo 34 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na28 September
12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Yeuchidzai vaparidzi kuunza mishumo yebasa yaSeptember. Kurudzirai vose kuronga kuita basa rakawanda rapaimba neimba muna October nokugovera kuzvinyoresa kune vose vavanosangana navo. Nongedzerai kuUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996, peji 8, nokuda kwezvikarakadzo zvenzira yokugadzirira nayo mharidzo. Enzanisirai kugoverwa kwekuzvinyoresa kweNharireyomurindi. Torai magazini okushandisa kupera kwevhiki.
20 min: “Vatariri Vanopa Nhungamiro–Mutariri Webasa.” Hurukuro inopiwa nomutariri webasa. Pashure pokuhwirudzura mabasa ake, anotsanangura nzira dzakananga idzo ungano inogona kuratidza kubatira pamwe kuti iwedzere kukura nokubudirira kwoushumiri munzvimbomo.
13 min: Chii Chinoita Kuti Munhu Ave Muparidzi Weungano Akanaka? Hurukuro, nokutora rutivi kwavateereri. Kuva nemano akanaka nounyanzvi hakukoshi; panzvimbo pezvo, zvinoshuviwa zvikuru kuti tose zvedu tive nomurangariro wokudisa unoratidza rudo, kuzvininipisa, kushingaira, uye kuonga. Kumbirai vateereri kupa zvikonzero nei zvinotevera zvichishuviwa: (1) kugara uchifara, (2) kupinda misangano nguva dzose nokutora rutivi, (3) kudisa kugamuchira nokuita mabasa, (4) kubatira pamwe nevakuru negadziriro dzinoitirwa ungano, (5) kufarira zvechokwadi kubetsera vamwe, uye (6) kutora rutivi mubasa romumunda nguva dzose nokukurumidza kushuma mwedzi mumwe nomumwe.
Rwiyo 25 nomunyengetero wokugumisa.