Uchave Uchishanda Ndima Isina Kugoverwa Here?
Sezvakaratidzwa mutsamba yeSosaiti yaFebruary 2, 1996, mapoka evaparidzi akakumbirwa kubetsera mukufukidza ndima isina kugoverwa zvakare gore rino. Kana uri rutivi rweboka rakagoverwa zvakananga neSosaiti kuti rishande mundima yakadaro, mashoko anotevera achava anobetsera kwauri mukuita rongedzero dzako: Panzvimbo pokushandisa mabhukwana nemabhurocha sechinogoverwa chikuru, ungashandisa mabhuku aIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, Munhu Mukurusa Ati Amborarama, kana kuti Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi. Kana usina mugove weaya mabhuku unowanika, isa odha iye zvino kuti ugova nezvaunoda nokuda kwokushanda mundima isina kugoverwa.