RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/96 p. 7
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Chikamu 7—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kunzwisisa Nyaya Yemusoro Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 4/96 p. 7

Bhokisi Remibvunzo

◼ Ndokupi kuri kushandiswa kwakarurama kwemashoko okuti “hama” na“hanzvadzi”?

Apo anoshandiswa mupfungwa chaiyoiyo, mashoko okuti “hama” na“hanzvadzi” anonongedzera kuvanhu vane vabereki vamwe chetevo. Uhwu ukama hwomuzvarirwo hunowanzoparira batano inofadza, uye kuva pedyo uko ava vanhu vanowana kunowedzerwazve nezvisungo zvenzanga, zvemhoteredzo, uye zvemirangariro.

Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kutaura kuna Jehovha mumunyengetero sa“Baba Vedu.” Kushandiswa kwokutaura ikoko kunoreva kuti savaKristu, tose tiri rutivi rweboka remhuri rakabatana umo tinofarikanya ukama hwomudzimu hwakapfuma. Ikoku kwakasimbiswazve naJesu apo akaudza vateveri vake kuti “imi mose muri hama.”—Mat. 6:9; 23:8.

Nemhaka yezvisungo zvedu zvomudzimu zvapedyo mukati memhuri yaMwari, tinokwazisana sa“Hama” na“Hanzvadzi,” zvikurukuru pamisangano yeungano. Mukati meidzi nhambo dzomudzimu, uyo anotungamirira musangano wacho anobvuma vanhu vakabhapatidzwa kupfurikidza nokushandisa kutaura kwokuti “hama” kana kuti “hanzvadzi” kuchiteverwa nezita rokupedzisira romunhu wacho ari kutaurwa kwaari.

Zvakadiniko kana munhu asina kubhapatidzwa achishuva kutora rutivi mumisangano? Apo mumwe munhu anenge ave achisonganirana nevanhu vaJehovha kwenguva yakati uye ari kusvika kukuzvitsaurira, achizvirangarira amene kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, kwaisazova nechirambidzo chokuita kuti zita rake rokupedzisira ritangirwe nokuti “Hama” kana kuti “Hanzvadzi.” Ikoku kwaizova chokwadi zvikurukuru kana munhu wacho akava muparidzi asina kubhapatidzwa.

Kune rumwe rutivi, vanhu vanofarira avo vachangobva kuvamba kupinda misangano yedu vachigere kuita nhano dzaizovazivisa sorutivi rwemhuri yaMwari. Vanhu ivava vaisazodanwa sa“Hama” kana kuti “Hanzvadzi,” sezvo ukama hwomudzimu hwemhuri yaMwari husiko muchinoitika chavo. Naizvozvo mukati memisangano, taizovadana zvine tsika zvikuru, tichishandisa zita rekuremekedza rakadai sa“Va” nezita ravo rokupedzisira.

Kushandisa kutaura kwokuti “hama” na“hanzvadzi” pamisangano yedu yeungano kunoratidzira chisungo chiri pedyo zvikuru nechinokosha zvikuru kupfuura chipi nechipi chinoratidzirwa nokushandiswa kwemazita okutanga. Kunotiyeuchidza nezveukama hwakakomborerwa zvikuru hwatinofarikanya semhuri yomudzimu inodzorwa naBaba mumwe, Jehovha Mwari. Tinoyeuchidzwawo nezverudo rukuru nechidakadaka zvatinazvo nokuda kwomumwe nomumwe.—VaEf. 2:19; 1 Pet. 3:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe