RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/95 p. 8
  • Dzokera Kuna Avo Vakaratidza Fariro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzokera Kuna Avo Vakaratidza Fariro
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Zivo Inobva Kuna Mwari Inopindura Mibvunzo Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Kuparadzira Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • “Ikoku Kunoreva Upenyu Husingaperi”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • “Kutenda Kunouya Nokunzwa”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 12/95 p. 8

Dzokera Kuna Avo Vakaratidza Fariro

1 Pakubudisa bhuku idzva, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, mukurukuri wepakokorodzano akatsanangura kuti “vadzidzi vane mwoyo yakatendeseka vanofanira kukwanisa kudzidza zvakakwana kupfurikidza nokurifunda kuti vatsigire Jehovha ndokubhapatidzwa.” Bhuku racho rakarongedzerwa kudzidzisa zvokwadi nokukurumidza. Iro rinogovera nokupfupikisa mashoko chaiwoiwo ayo anogona kusunda vadzidzi kuita fambiro mberi yomudzimu. Rinogovera zvokwadi munzira yakananga pasina kurambira padzidziso dzenhema. Kuti tibudirire mukushandisa ichi chishandiso chitsva, tinofanira kuita shanyo dzedzokerero pane avo vakaratidza fariro.

2 Kana wakataura kumunhu asingatendi Mwari nepo akaratidzira fariro, ungavamba nokuvhura bhuku racho pamufananidzo uri pamapeji 4 ne5 uye kuti:

◼ “Pandakanga ndiri pano nguva yakapfuura, takatarira pauyu mufananidzo wakaisvonaka wemhoteredzo yakanaka. Mashoko anotsanangura mufananidzo wacho anobvunza, kuti: ‘Chii chaunofanira kuita kuti uifarikanye?’ Maizopindura sei? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinozivisa nenzira yakajeka chimwe chezvinodikanwa zvinokosha. [Rava Johane 17:3] Zivo inokosha kukutenda kwedu Mwari. Nzira yakaisvonaka yatinogona nayo kudzidza zvatinofanira kuziva iri kupfurikidza nokufunda Bhaibheri nenhevedzano.” Tendeukira kuganhuro 1 uye ratidzira mimwe yemifungo inokurudzira iri mundima 1 kusvikira ku5. Tsanangura kuti fundo yeBhaibheri inoitiswa sei, uye karakadza kudzoka nokuda kweimwe kurukurirano.

3 Kana ukadzokera kunopfuudzira kurukurirano yenyu pamusoro pokuti nei Mwari achibvumidza kutambura, ungati:

◼ “Nguva yakapfuura yandakanga ndiri pano, takataura pamusoro [chipi kana chipi chingava chaiva chiitiko chacho]. Mubvunzo wakamuka pamusoro pokuti nei Mwari achibvumidza kutambura kwakadai munyika. Imhedzisoi yamakasvika? [Bvumira mhinduro.] Kunokurudzira kuziva kuti Mwari haasi kuparira mamiriro ezvinhu anorwadza akadaro.” Tendeukira kumapeji 71-2 mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, uye kurukurai mimwe yemifungo yapaMagwaro inofukidzwa mundima 3 kusvikira ku5. Karakadza kudzokazve kuzotsanangura nei tichigona kuva nechokwadi chokuti kubvumidza kwaMwari kutambura kuchakurumidza kupera.

4 Kana uri kudzokera kunoshanyira mubereki uyo anoitira hanya pamusoro pezvinetso zvemhuri, ungagona kuti:

◼ “Ndinoziva kuti imi, somubereki, munoda zvakanakisisa nokuda kwavana venyu. Sezvo kusingabviri kuvadzivirira pachinhu chiri chose chakaipa, munofanira kuvadzidzisa kugonana nezvinetso zvoupenyu. Munofunga kuti ikoko kunogona kuitwa sei? [Bvumira mhinduro.] Chimwe chezvimwe zvinhu zvinokosha zvikurusa icho mubereki anogona kugovera irovedzo.” Tendeukira kumapeji 145-6 mubhuku raZivo, uye danira ngwariro kuzano rinoshanda reBhaibheri, uchisimbisa ukoshi hwaro uye kuti kuritevera kunogona sei kuva chikomborero. Karakadza kudzokazve kuzoratidzira nzira yokushandisa nayo iri bhuku kudzidza zvakawanda pamusoro pokuwana upenyu hwemhuri hunofadza.

5 Kana uri kuita shanyo uko wakashandisa mharidzo pfupi, ungagona kuti:

◼ “Hachina kutongova chinangwa chaMwari kuti tikwegure ndokufa. Iye akanga achida kuti tirarame nokusingaperi muparadhiso yapasi.” Ratidzira mufananidzo uri pamapeji 188-9. Rava ndima 11 iri papeji 184. Ita rongedzero dzeimwe shanyo yedzokerero.

6 Zvirokwazvo iri bhuku idzva ndeimwe gadziriro inobva kuna Jehovha yoku‘kurumidzisa’ basa rokuunganidza muano mazuva okupedzisira.—Isa. 60:22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe