RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/96 p. 8
  • “Kutenda Kunouya Nokunzwa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kutenda Kunouya Nokunzwa”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • “Ikoku Kunoreva Upenyu Husingaperi”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kuparadzira Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Zivo Inobva Kuna Mwari Inopindura Mibvunzo Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Betsera Vamwe Kuwana Zivo Inotungamirira Kuupenyu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 4/96 p. 8

“Kutenda Kunouya Nokunzwa”

1 Apo tinowana mumwe munhu a“ne ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi,” kuri madikanwa kusimbisa kutenda zvaakanzwa kwomunhu iyeyo. (Mabasa 13:48; VaR. 10:17) Nechinangwa ichocho, tinofanira kutevera kwakagoverwa kuzvinyoresa nemagazini. Rangarira nharidzano yokutanga fundo mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Hezvino zvimwe zvikarakadzo zvingava zvinobetsera:

2 Pakuita shanyo yedzokerero uko wakakurukura nyaya inoti “Rumbidzai Mambo Asingagumi!,” ungagona kuvamba neiyi nzira:

◼ “Apo takapedzisira kutaura, takahwirudzura humwe hwoufakazi hukuru hunobvumikisa kuti kuna Mwari wamasimba ose. Zvisinei, kuziva chete kuvako kwake hakuna kukwana. Tinofanira kuziva zita rake. Munodana Mwari nezita ripi? [Bvumira mhinduro.] Mamiriyoni avanhu nhasi anongomudana kuti ‘Ishe’ kana kuti ‘Mwari.’ Zvisinei, iye anoda kuti timuzive nezita rake. [Rava Pisarema 83:18.] Bhaibheri rinotiudza zvakawanda zvikuru pamusoro paJehovha Mwari, sezvinotsanangurwa muiri bhuku.” Ratidza mufananidzo uri papeji 29 yebhuku raZivo, uye rava mashoko anotsanangura mufananidzo wacho. Pashure pokukurukura ndima nhatu dzokutanga muganhuro 3, uchave watanga fundo!

3 Nokuda kwaavo vawakarangarira navo nyaya inoti “Chikonzero Nei Rudzidziso Rwenhema Ruchaguma,” ungada kutevera fariro yacho kupfurikidza nokuti:

◼ “Pashure pokurava nyaya yacho, mungave makaororwa neidi rokuti hatigoni kurangarira marudzidziso ose nenzira imwe cheteyo. Ose ari maviri rudzidziso rwechokwadi nemarudzidziso enhema ariko. Ikoku kunomutsa mubvunzo wokuti, Mwari anogamuchira kunamata kwaani? Mhinduro yacho yakagoverwa naJesu, uye inosimbiswa muiri bhuku.” Tendeukira kuganhuro 5 mubhuku raZivo, uye rava ndima 4, kubatanidza Johane 4:23, 24. Ipapo bvunza kuti, “Mungadisa here kugamuchira fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena?” Kana mhinduro yacho iri hungu, tendeukira kuganhuro 1 ndokutanga fundo yacho.

4 Kana fariro yakaratidzwa mu“Mukai!” yaMay 8, apo unodzoka ungaedza uku kusvika kuti utange fundo mubhuku ra“Zivo”:

◼ “Mungayeuka kuti takava nekurukurirano pamusoro pekariro dzedu dzokuona pakupedzisira nyika isina hondo. Kwakaoma kufungidzira kuti kwaizova kwakadini chaizvoizvo. Heuno mufananidzo wako womumwe munyori wemifananidzo. [Ratidza mufananidzo uri papeji 188-9 mubhuku raZivo.] Waisazova mufaro here kukwanisa kufarikanya iyi mhoteredzo? Kana ndingadaro, ndingada kuratidzira kuti iri bhuku rinogona sei kushandiswa neBhaibheri renyu kuwana zivo iyoyo inoponesa upenyu.” Kana saimba achidisa, tanga fundo muganhuro rokutanga.

5 Kana wakaonana nomunhu uyo akanga akabatikana apo wakashanya pakutanga, ungataura izvi apo unodzokera:

◼ “Ndakakushanyirai nguva pfupi yapfuura ndokusiya makopi emagazini eNharireyomurindi neMukai! Magazini iwaya anovaka kuremekedza Bhaibheri. Nemhaka yokuti ndinonzwa kuti kunokosha kuti munhu ari wose anzwisise Shoko raMwari, ndadzoka kuti ndikuratidzei chimwe chinhu chichakubetserai kuita izvozvo.” Ratidza bhuku raZivo, uye nongedzera kuzviri mukati papeji 3. Bvunza kuti iganhuro ripi rinoratidzika kuva rinofadza zvikurusa, tendeukira kwariri, uye tanga fundo.

6 Mufaro wedu uchava mukuru kana tichikwanisa ku‘zarurira vamwe suo rokuenda kukutenda’ kunotungamirira kuupenyu husingaperi.—Mabasa 14:27; Joh. 17:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe