Kuparadzira Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
1 Jehovha ndiye “unodzidzisa vanhu zivo.” (Pis. 94:10) Anoshandisa isu kuparadzira zivo inoponesa upenyu pamusoro pake kuavo vasingazivi nzira yokumubatira nayo nenzira inogamuchirika. Bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi chishandiso chokudzidzisa chakaisvonaka kupfurikidza nacho vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanogona kuwana nzwisiso yakarurama yaMwari kubva muShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri. (1 Tim. 2:3, 4) Kutsanangura zvokwadi kwakajeka nokune mufungo kwebhuku raZivo kuchabetsera vanhu kunzwisisa izvo Jehovha ari kutsvaka kuvadzidzisa. Mwedzi uno tinoda kupinza vanhu mukurukurirano dzichaita kuti vade kurava bhuku racho. Hezvino zvimwe zvikarakadzo. Panzvimbo pokuedza kudzidza izvozvi nomusoro, edza kutaura mifungo mikuru mumashoko ako umene uye nomutoo womuzvarirwo wokukurukura.
2 Sezvo vanhu vakawanda zvikurusa vakafirwa nomudiwa, ungagona kupinza tariro yorumuko mukurukurirano kupfurikidza nokutanga kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Vakawanda zvikurusa vedu takafirwa nomudiwa. Mati mamboshamisika here kana muchazomuona zvakare? [Bvumira mhinduro.] Rufu rwakanga rwusiri rutivi rwechinangwa chaMwari chapakuvamba nokuda kwomunhu. Jesu akabvumikisa kuti vadiwa vedu vanogona kununurwa murufu. [Rava Johane 11:11, 25, 44.] Kunyange zvazvo ikoku kwakaitika mazana amakore apfuura, kunoratidzira izvo Mwari akapikira kutiitira. [Zarura bhuku raZivo pamufananidzo uri papeji 85 uye rava mashoko acho anoutsanangura. Ipapo ratidza mufananidzo uri papeji 86 ndokutsinhira pamusoro pawo.] Kana mungada kurava zvakawanda pamusoro peiyi tariro inonyaradza yorumuko, ndingafara kukugoverai iri bhuku nokuda kwomupiro we$5,00.”
3 Pashure pekurukurirano yokutanga pamusoro petariro yorumuko, ungagona kuvamba kurukurirano inotevera nomunhu mumwe cheteyo neiyi nzira:
◼ “Mungayeuka kutaura kwangu kuti rufu rwakanga rwusiri rutivi rwechinangwa chapakuvamba chaMwari nokuda kwomunhu. Kana ikoko kuri kwechokwadi, neiko tichikwegura ndokufa? Dzimwe kamba dzinorarama makore anopfuura 100, uye kune miti yave iri mipenyu kwezviuru zvamakore. Neiko vanhu vachirarama makore 70 kana kuti 80 bedzi? [Bvumira mhinduro.] Tinofa nemhaka yokuti vanhu vaviri vokutanga havana kuteerera Mwari.” Rava VaRoma 5:12. Tendeukira kupeji 53 mubhuku raZivo ndokurava musoro weganhuro. Rangarira ndima nhatu dzokutanga, uchionesa mhinduro dzemibvunzo yakadhindwa. Ita rangano yokudzokera gare gare kuti ukurukure rutivi rwose rwasara rweganhuro racho. Kurudzira munhu wacho kupedzisa kurirava munguvayi.
4 Kana ukataura kumunhu anoratidzika kuva ari worudzidziso, ungati:
◼ “Kune chaizvoizvo mazana emarudzidziso akasiyana-siyana nhasi. Anodzidzisa marudzi ose ezvitendero zvinorwisana. Vamwe vanhu vanotaura kuti marudzidziso ose akanaka uye zvatinodavira hazviiti musiyano. Ndoupi uri murangariro wenyu? [Bvumira mhinduro.] Jesu akadzidzisa rudzidziso rwechokwadi uye akaratidza kuti zvimwe zvimiro zvokunamata hazvigamuchiriki kuna Mwari. [Rava Mateo 7:21-23.] Kana tichida kufadza Mwari, tinofanira kumunamata mutsinhirano nokuda kwake.” Zarura bhuku raZivo paganhuro 5, rava musoro wacho, uye onesa mimwe yemisoro miduku yacho. Tsanangura kuti aya mashoko achabetsera munhu kudzidza nzira yokufadza nayo Mwari. Govera bhuku racho nokuda kwemupiro wenguva dzose.
5 Vanhu vakavhiringidzika nemhaka yokuti kune marudzidziso akawanda kwazvo vangaonga mhinduro youyu mubvunzo pashanyo yako yedzokerero:
◼ “Namarudzidziso akawanda kwazvo akasiyana-siyana ariko nhasi, tinogona sei kuziva kuti rwakarurama nderwupi? Maizotsvakei? [Bvumira mhinduro.] Jesu akatiudza nzira yokuziva nayo vateveri vake vechokwadi.” Rava Johane 13:35. Rangarira ndima 18 ne19 dziri muganhuro 5 rebhuku raZivo. Onesa kuti kupfurikidza nokushandisa idzi nhungamiro dzapaMagwaro uye muitiro wokutsauranisa, munhu anogona kuziva rudzidziso rwechokwadi. Rondedzera kuti Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa sei munyika yose nokuda kwerudo rwazvo rwechokwadi nemipimo yetsika yakakwirira. Tsanangura kuti kufunda Bhaibheri, uchishandisa bhuku raZivo, kuchazivisa sei nenzira yakajeka chimiro chokunamata icho Mwari anotendera.
6 Kana ukasangana nomubereki, uku kusvika kungabudirira:
◼ “Zuva riri rose, tinonzwa mishumo pamusoro pomufambiro usingadzorwi wepwere idzo dzinoratidzika kuva dzisina mipimo yetsika kana zvodini. Vamwe vanhu vakura vanoda kupa mhaka zvikoro nokuda kwokusadzidzisa vana musiyano uri pakati pechakarurama nechisina kururama. Ndiani wamunofunga kuti anofanira kugovera iyi rovedzo? [Bvumira mhinduro.] Teererai izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro peuyu mubvunzo. [Rava VaEfeso 6:4.] Ikoko kunotiudza kuti kuroverera mipimo yetsika muvana ibasa ravabereki.” Zarura bhuku raZivo papeji 145, rava ndima 16, uye tsinhira pamusoro pemifananidzo iri papeji 147. Tsanangura kuti bhuku racho rakagadzirirwa mhuri yose kuti ifunde. Uchishandisa ndima 17 ne18 dziri papeji 146, karakadza kuratidzira nzira yatinoitisa nayo mhuri fundo yakadaro.
7 Kana wakatanga fundo nemubereki ainetseka pashanyo yokutanga, ungaipfuuridzira pashanyo yedzokerero kupfurikidza nokuti:
◼ “Nyika yanhasi inoisa miedzo yakawanda pamberi pevaduku vedu. Ikoku kunoita kuti kuvaomere kwazvo kuva vanotya Mwari sezvo vanokura. Zvichida munoyeuka kuti mukurukurirano yedu yakapfuura, takasimbisa nheyo mbiri. Savabereki voumwari, tinofanira kugadzira vana vedu mienzaniso yakaisvonaka, uye tinofanira kugovera kuratidzirwa kwenguva dzose kwekuvada kwedu. Kune chimwe chinhu icho Bhaibheri rinotaura kuti vana vanoda kubva kuvabereki vavo.” Rava Zvirevo 1:8. Tendeukira kupeji 148 mubhuku raZivo ndokupfuuridzira fundo yacho, uchifukidza ndima 19-23. Karakadza kuti udzoke kuzofunda nemhuri yose, muchitanga neganhuro 1.