Vabereki Vanofara!
1 Kana uri munhu muduku anogara mumusha wechiKristu, pane nzira chaiyo yaunogona nayo kuita kuti vabereki vako vafare. Kana ukaronda nzira yokururama, “baba vako namai vachafara.” (Zvir. 23:22-25, NW) Vabereki vako nenzira yomuzvarirwo vanoda zvakanakisisa nokuda kwako. Hapana chinhu chingagona kuvafadza zvikuru kupfuura kukuona uchiita zvokwadi yako umene uye uchitsaurira upenyu hwako kuna Jehovha.
2 Unogona kuva anoonga kuva nevabereki vari muzvokwadi. Kubva pakuzvarwa kwako, ivo vakakudyisa, vakakupfekedza, uye vakakupa pokugara pamwe chete nokukutarisira munguva dzokurwara. Zvakatokosha zvikuru, ivo vakaedza kukudzidzisa pamusoro paJehovha nenzira dzake dzakarurama; iyi irovedzo iyo inogona kuvimbisa upenyu hwako husingaperi. (VaEf. 6:1-4) Unogona sei kuratidza kuonga kwako?
3 Ita Zvokwadi Yako Umene: Vabereki vako vakaedza kukudzidzisa kurangarira zvokwadi nenzira yakakomba, kuita fambiro mberi yomudzimu, uye kurambira pedyo nesangano raJehovha. Unogona kuratidza kuonga kupfurikidza nokuva nefariro mufundo yemhuri pasina kumanikidzwa. Ratidzira chishuvo chokupinda misangano, uchitanga woga kugadzirira kuti mhuri igogona kusvika panguva. Gara navabereki vako mukati memisangano, uye sanopa ngwariro kupfurikidza nokutevera muzvinyorwa zviri kufundwa. Svasvavirira kugoverana mumisangano kupfurikidza nokutsinhira. Zviratidze umene kuva mudzidzi anodisa muChikoro Choubati Ushe hwaMwari, uchigamuchira migove uye uchiita unani hwako kuiita. Zvipire kubetsera kutarisira mabasa paHoro yoUmambo, uko betsero yako ingava inoshanda. Kubatanidzwa mumibato yakadaro kunogona kuchengeta mwoyo wako wakanangidzirwa pazviri zvakanaka nokuda kwako nenzira yomudzimu.
4 Gadza Zvinangwa Zvinofambira Mberi: Svasvavirira goverano ine revo mubasa romumunda, uchiratidza chishuvo chokukwanirisa somuparidzi. Vambirana nokurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki kana kuti, zvinotova nani zvikuru, rava Bhaibheri rose pachako. Sarudza kuti uchasvitsa zvinodikanwa zvetsauriro norubhapatidzo. Vabereki vako vanogona kukubetsera kuronga rudungwe rwako muchikoro nokungwarira, nomurangariro wokuwana rovedzo iyo ichakushongedzera nokuda kwegoverano yakazara mubasa raJehovha. Isa ngwariro pakukudziridza rudzi rwomukurumbira urwo rwuchasunda vamwe kukurumbidza nokuda kweropafadzo chaidzo dzakadai sokupayona kana kuti basa rapaBheteri. (Mabasa 16:1, 2) Kusvika zvinangwa kunogona kukubetserai “kuti muidze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama. . . muzere nechibereko chokururama.”—VaF. 1:10, 11.
5 Upwere inguva yokudzidza, yokuwana ruzivo rwokuzviwanira, uye yokuwana unyanzvi mukubata nevamwe. Inguva apo unogona kufarikanya upenyu pasina dzvinyiriro dzose nemitoro izvo zvinouya nokukura. Soromoni akati: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva oujaya hwako.” (Mup. 11:9) Kana ukaisa mwoyo wako pakubatira Jehovha muupwere hwako, uchawana zvikomborero zvichagara nokusingaperi.—1 Mako. 28:9.
6 Kana uka“ving[a] kururama” panzvimbo po“kuchiva kwoujaya,” ucharerutsira vabereki vako mutoro unorema wefunganyo nokurwadziwa mwoyo. (2 Tim. 2:22) Uchapa mwoyo wako umene chikonzero chokufara. (Zvir. 12:25) Kupfuura zvose, uchaunza mufaro kuMusiki wako, Jehovha Mwari.—Zvir. 27:11.