Misangano Yebasa yaAugust
CHEREKEDZAI: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe mukati mevhiki dzekokorodzano yoruwa. Ungano dzingaita gadziridzo sezvinodikanwa dzokubvumira kupinda Kokorodzano Yoruwa ya“Varumbidzi Vanofara” uye ipapo hwirudzuro yamaminiti 30 yemapfundo makuru epurogiramu paMusangano Webasa vhiki inotevera. Hwirudzuro yezuva nezuva yepurogiramu yekokorodzano inofanira kugoverwa pachine nguva mberi kuhama mbiri kana kuti nhatu dzakakwaniriswa idzo dzichakwanisa kunangidzira ngwariro pamapfundo akatanhamara. Iyi hwirudzuro yakasanogadzirirwa ichabetsera ungano kuyeuka mapfundo makuru okushandisa somunhu oga uye okushandisa mumunda. Tsinhiro dzinobva muvateereri uye zvakaitika zvinorondedzerwa zvinofanira kuva zvipfupi uye zvakananga.
Vhiki Inotanga naAugust 7
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Ratidzirai nyaya dziri muzvinyorwa zvazvino zvamagazini idzo dzingaratidzirwa mumharidzo.
15 min: “Munofanira Kuva Rudzii Rwavanhu?” Mibvunzo nemhinduro.
20 min: “Ivai Vadzidzisi veShoko raMwari—Muchishandisa Bhuku raKurarama Nokusingaperi.” Hama yakagoverwa urwu rutivi ichakurukura nevamwe vaparidzi vaviri kana kuti vatatu mativi akasiyana-siyana ebhuku racho. Ipapo ivo vacharovedza mharidzo dzavo nomumwe nomumwe.
Rwiyo 137 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 14
5 min: Zviziviso Zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.
10 min: Shandisa Chikoro Zvakanakisisa. Mukuru anoenzanisira nzira iyo mubereki angataura nayo kumwanakomana kana kuti mwanasikana wechiduku pamusoro pokusarudza kosi dzokufunda muchikoro. Kurukurai dikanwo yokusarudza zvidzidzo izvo zvichabetsera mukuronda basa muushumiri.—Ona Nharireyomurindi yaNovember 1, 1992, mapeji 16-18, ndima 3-11.
15 min: “Vabereki Vanofara!” Hurukuro inopiwa nomukuru. Batanidzai tsinhiro dzinobva muNharireyomurindi yaAugust 15, 1987, mapeji 13-15, ndima 14-23.
15 min: “Mufambiro wechiKristu Muchikoro.” Mibvunzo nemhinduro. Kurudzirai vabereki kuhwirudzura Nharireyomurindi yaJuly 15, 1991, mapeji 23-6, nevana vavo, zvikurukuru zvikamu zvinobata nenhau idzo vana sezvingabvira vanganangana nadzo.
Rwiyo 157 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 21
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. “Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo.” Kana uchizivikanwa, zivisai musi weGungano rinotevera. Kurudzirai vose kupinda.
15 min: “Kuzvipa Timene Nokudisa Nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka.” Hurukuro ine mbavarira inopiwa nomukuru pandima 1-9.
20 min: “Kuzvipa Timene Nokudisa Nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka.” Kufukidzwa nemibvunzo nemhinduro kwendima 10-15. Ratidzirai zvinodikanwa zvomunzvimbomo uye nzira idzo vose vanogona kugovera nadzo betsero.
Rwiyo 156 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 28
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zivisai gadziriro dzebasa romumunda dzokupera kwevhiki.
15 min: “Shanyo Dzedzokerero Dzinobudirira Dzinoda Kudzidzisa Kunobudirira.” Hwirudzurai mapfundo makuru uye ivai nomuenzaniso mumwe kana kuti miviri mipfupi.
20 min: Govera Bhuku raKurarama Nokusingaperi Mukati maSeptember. Tsanangura kuti iri bhuku rinoita ruviti rwakakosha sei mukupa shoko raJehovha rorutongeso. (Ona Nharireyomurindi yaApril 1, 1988, mapeji 25-6, ndima 17-18.) Rondedzerai chinoitika chiri mundima 3-4 papeji 15 yeNharireyomurindi yaApril 1, 1992. Isa ngwariro kumifananidzo inonyandura inooneka pamapeji 3, 11-13, uye 156-8 ebhuku racho. Kurukurai nzira idzo iyi mifananidzo inogona kushandiswa nadzo kutanga kurukurirano. Itai kuti muparidzi anokwanisa aratidzire mharidzo pfupi achishandisa rumwe rwaMagwaro anoratidzirwa pamapeji 156-8. Simbisai chinangwa chokuedza kutanga fundo dzeBhaibheri. Yeuchidzai vose kutora makopi okushandisa kupera kuno kwevhiki.
Rwiyo 178 nomunyengetero wokugumisa.