Shanyo Dzedzokerero Dzinobudirira Dzinoda Kudzidzisa Kunobudirira
1 Shanyo dzedzokerero rutivi rwunokosha uye rwunofadza rwoushumiri hwedu hwomumunda. Nei tichifanira kuva vanoshingaira kudzokera kune vanofarira? Zita raJehovha rinoziviswa uye rinokudzwa kupfurikidza neiri basa rokuita vadzidzi, uye vanhu vanotya Mwari vanobetserwa kuwana nzira yokuupenyu. (2 VaK. 2:17–3:3) Kuziva kuti zvose zviri zviviri kutsveneswa kwezita raJehovha uye upenyu hwavamwe zvinobatanidzwa kunofanira kutisunda kugadzirira zvakanaka tisati tadzokera.
2 Mudzidzisi akanaka achabetsera mudzidzi kuvakira pahwaro hwakatoiswa. Kungofanana nomudzidzisi wechikoro anovakira pazivo inowanwa navadzidzi zuva nezuva, tinofanira kugarotevera shanyo yedu yokutanga tine dzimwe tsinhiro panyaya imwe cheteyo. Ikoku kunogadzirira murangariro unopfuurira uye kufunga kunofambira mberi.
3 Apo unodzokera pashure pokugovera bhuku duku ra“Kurarama Nokusingaperi” ungawana uku kuva kunobudirira:
◼ “Pashanyo yangu yakapfuura, takanga tichikurukura ‘mazuva okupedzisira’ anodudzwa muBhaibheri uye icho iwo anoreva nokuda kwedu. Mungashamiswa kuti tinoziva sei kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira. (2 Tim. 3:1) Vadzidzi vaJesu vaidisa kuwana mhinduro kumubvunzo iwoyo. [Rava Mateo 24:3.] Mumhinduro yake, Jesu akarondedzera mamirire ezvinhu atinoona makatipoteredza nhasi. Izvozvi zvinobatanidza nhamo namasimba masimba asina kutongoonekwa nakare kose.” Ratidza rutivi rwechiratidzo rwunoratidzirwa pamapeji 150-152. Kana davidzo yakanaka, ratidza mamwe mativi echiratidzo pamapeji 153-4. Karakadza kudzoka ndokupindura mibvunzo inomutswa muGanhuro 11 pasi pomusoro unoti: “Neiko Mwari Akabvumidza Uipi?”
4 Sokumwe kutaura, ungati:
◼ “Ndave ndichidisa kutangazve kurukurirano yedu pamusoro pechinangwa chedu mukurarama. Ndinofunga kuti tose tiri vaviri tinobvuma kuti Mwari aida kuti tirarame papasi rino mumamirire ezvinhu anofadza neorugare panzvimbo pomunhamo yatinoona nhasi. Munofunga kuti achazadzika chipikirwa chake here?” Bvumira mhinduro. Rava Isaya 55:11, uye ipapo kurukurai mifungo iri mundima 7 ne 8 pamapeji 8 ne 9. Karakadza fundo yeBhaibheri yomunhu oga senzira yakanakisisa yokuwana nayo chinangwa chakafanira muupenyu.
5 Kuti utevere fariro yakapfuura yakaratidzwa mubhuku ra“Kurarama Nokusingaperi” ungagona kuratidzira mufananidzo uri papeji 3 zvakare ndokuti:
◼ “Takataura nezvenyika yakaisvonaka inoratidzirwa papeji ino. Ndinoda kukuudzai kuti nei kutenda Jesu Kristu kwakakosha kwazvo kuvanhu vanoda kugaramo.” Tendeukira kupeji 65, ndima 19, uye rava Johane 3:16, uchisimbisa dikanwo yokuteerera. Tsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kubetsera vanhu kudzidza nzira yokushandisa nayo kutenda kupfurikidza nokufunda Bhaibheri uye kuedza kurarama mukuwirirana nezano raro.
6 Pashure peshanyo yedzokerero imwe neimwe, inzvere nomurangariro wokuvandudza kubudirira kwako. Zvibvunze umene, kuti: Ndange ndine chimwe chinhu chaichoicho chokutaura here? Ndachengeta ngwariro yakanangidzirwa paBhaibheri here? Ndavakira pahwaro hwakaiswa pashanyo yokutanga here? Mharidzo yangu yanga yakashongedzerwa kutungamirira kufundo yeBhaibheri here? Mhinduro dzakanaka dzinopa vimbiso yokuti uri kuvavarira kuva mudzidzisi akanaka weShoko raMwari.