Ita Shanyo Dzedzokerero Kwose Kwakagoverwa Mabhurocha
1 Muapostora Pauro akarumbidza vaFiripi nemhaka yokuti ivo ‘vakamutsidzira kumufunga kwavo.’ (VaF. 4:10) Kana tikashandisa muenzaniso wavo somuenzaniso woushumiri hwomumunda, ticha ‘mutsidzira kufunga kwedu’ nokuda kwaavo vatinopupurira uye kuita shanyo dzedzokerero.
2 Kana wakagovera bhurocha ra“Hurumende Ichaunza Paradhiso,” ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Ndanga ndichifunga nezvekurukurirano yatakava nayo rimwe zuva, uye magwaro maviri akauya kundangariro yangu ayo ndingada kugoverana nemi. Mungayeuka kuti takataura pamusoro paMwari achitonga papasi. MuBhaibheri, Jehovha Mwari akapikira kuti ikoku kuchaitika. [Rava Dhanieri 2:44.] Munodavira kuti ikoko kungagona kuitika chaizvoizvo here? [Bvumira mhinduro.] Teererai izvo Mwari anotaura pamusoro pesimba rake rokuzadzika zvipikirwa zvake. [Rava Isaya 55:11.] Ikoko hakusati kuchifanira kutikurudzira kuisa chivimbo chedu muUmambo hwaMwari here? Asi ndirini apo Mwari achazadzika zvipikirwa zvake?” Tsanangura kuti uchapindura mubvunzo iwoyo pashanyo yako inotevera.
3 Ungaita uku kusvika apo unenge uchiita shanyo yedzokerero pamunhu akatora bhurocha ra“Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa”:
◼ “Ndaita nhamburiko chaiyo kuti ndidzoke, ndichirangarira kurukurirano yedu pamusoro pokurasikirwa nomumwe munhu murufu.” Ratidza mufananidzo uri papeji 30 sezvaunoti: “Munoyeuka ichi chiitiko chinofadza chavanhu vachiva vanomutswa uye vachibatanidzwazve navadiwa vavo? Ndakakusiyai mune mubvunzo pamusoro pokuti ikoku kuchaitika kupi, mudenga kana kuti papasi. Zvichida makawana mhinduro yeBhaibheri papeji 26 yeiri bhurocha.” Kurukurai mapfundo makuru ari mundima yechitatu kusvika kundima yechishanu, uye ravai Johane 5:21, 28, 29. Kana nguva ichibvumidza, ravai magwaro api naapi asara ari papeji yacho.
4 Makatanga fundo muna “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva” here? Pashanyo yedzokerero, ungagona kuita izvi:
◼ Nongedzera kupeji 30, uye nongedzera kumubvunzo, unoti: Bhaibheri rakatanhamara munzirai? Tendeukira kumapeji 3 ne 4, uye hwirudzurai ndima 1-4 pamwe chete nomufananidzo uri pabutiro rebhurocha racho. Rava rugwaro rumwe kana kuti maviri akarongwa ari mumashoko omuzasi pandima 4. Tsanangura kuti Bhaibheri ndiro bedzi bhuku rinogovera tariro inoshamisa yakadaro. Ita gadziriro dzeshanyo yako inotevera. Pashure peshanyo yechitatu, kana kuchiratidzika kuti fundo ichapfuurira, unogona kutanga kushuma fundo itsva!
5 Ungatanga Kurukurirano nebhurocha ra“Zita raMwari Richagara Nokusingaperi” neiyi nzira:
◼ “Nguva yakapfuura, ndakakwanisa kukuratidzai zita raMwari muBhaibheri. Kuziva nokushandisa zita rokuti Jehovha rutivi rwunokosha rwokunamata kwedu.” Tendeukira kupeji 31, hwirudzura mapfundo makuru ari mundima ina dzokupedzisira, uye rava Johane 17:3 naMika 4:5. Tsanangura kuti tinogovera gadziriro fundo yeBhaibheri iyo inogona kuratidza kuti zita raMwari richatsveneswa sei munzira yakafanira uye kuti tinogona sei kufarikanya zvikomborero zveparadhiso yapasi.
6 Naizvozvo, mutsiridza kufunga kwako nokuda kwaavo vawakataura navo. Iva anopfuurira mukudzokera, uye gadzirira chimwe chinhu chinobetsera chokugoverana. Unogona kuva mumwe “anobereka zvibereko” mukuita vadzidzi vatsva.—Mat. 13:23.