Shandisa Mhatsa yamaBhurocha muUshumiri Hwako
1 Vanhu nhasi vanofarira mhatsa yenhau. Sezvaunopinda mubasa romumunda mukati maJuly, ungagona kuva nemabhurocha anoverengeka akasiyana-siyana, uchishandisa rakananga iro ringafadza vanhu mundima. Zvichida ungada kuedza imwe yeidzi mharidzo:
2 Mukugovera bhurocha ra“Hurumende Ichaunza Paradhiso,” ungagona kubvunza, kuti:
◼ “Chii chamunofunga kuti nyika yaizova yakaita kudai Mwari aiva mutongi bedzi? [Bvumira mhinduro.] Kuita kuti Mwari atonge pasi ndizvo chaizvoizvo zvatiri kukumbira apo tinonyengetera munyengetero uyo Jesu Kristu akatidzidzisa. [Tendeukira kupeji 3, uye rava ndima yokutanga, iyo inonokora mashoko Mateo 6:10.] Kana mungada kurarama munyika yakadaro, munofanira kurava iri bhurocha.” Rigovere nokuda kwe$1,50.
3 “Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa” ringagona kugoverwa neiyi nzira:
◼ “Munofunga kuti zuva richazosvika apo pasina nomumwe wedu achafanira kurasikirwa nomudiwa murufu here? [Bvumira mhinduro.] Iri bhurocha rakanyorwa zvakaisvonaka rakanyaradza mamiriyoni nechipikirwa chechokwadi cheBhaibheri chokuti zuva rakadaro riri kusvika munguva yemberi iri pedyo. [Tendeukira kupeji 5, uye rava ndima yechishanu, kubatanidza 1 VaKorinte 15:21, 22. Ipapo tendeukira kumufananidzo uri papeji 30.] Pano nyanzvi yokunyora mifananidzo yakasimbisa mufaro watingawana mukugamuchira vadikani vedu vakafa murumuko. Asi ndokupi uko ichi chinoitika chinofadza chichaitika? Iri bhurocha richakuratidzai mhinduro yeBhaibheri kumubvunzo iwoyo.” Kana bhurocha rikagamuchirwa, ungawedzera, kuti: “Ndaizofara kudzoka gare gare ndokukurukurazve iyi nhau.”
4 Ungagovera bhurocha ra“Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” uchishandisa uku kusvika kwakananga kuti utange fundo yeBhaibheri:
◼ “Vanhu vakawanda vane mibvunzo pamusoro peBhaibheri. Mungave makashayiwa mhinduro kuno mumwe waiyoyi. [Zarura peji 30.] Uyu mubvunzo wokupedzisira wakanyandura fariro yavakawanda: ‘Mungagadzirira sei nokuda kwoupenyu husingaperi muParadhiso?’” Kana mukakurukura ndima 57-8 pamapeji 29-30 ndokurava Zvakazarurwa 21:3, 4, muchave mavanzarika hwaro hwokutanga fundo yeBhaibheri. Pedzisa kupfurikidza nokugovera bhurocha uye kuronga shanyo yedzokerero apo munogona kukurukura mimwe yemibvunzo.
5 Ungada kuedza iyi mharidzo yakapfava nebhurocha ra“Zita raMwari Richagara Nokusingaperi”:
◼ “Chimwe chezvinhu zvokutanga zvandakadzidza muBhaibheri rakanga riri zita raMwari. Munoriziva here? [Bvumira mhinduro.] Regai ndikuratidzei. Riri pano muBhaibheri paMapisarema 83:18. [Rava.] Iri bhurocha rinoratidza nzira iyo zita raMwari, Jehovha, rinooneka mumitauro yakasiyana-siyana yakawanda. [Ratidza bhokisi riri papeji 8.] Kana mungada kudzidza zvakawanda pamusoro paJehovha nezvinangwa zvake, munofanira kurava iri bhurocha.” Gamuchidza bhurocha racho kuna saimba uye dudza kuti rinowanika nokuda kwe$1,50.
6 Nemhatsa yakadaro yamabhurocha akaisvonaka okushandisa, takasanoshongedzerwa zvirokwazvo ku“paridzira vanyoro mashoko akanaka.”—Isa. 61:1.