RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/95 p. 3
  • Shandisa Zvakanaka Nguva Yako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Zvakanaka Nguva Yako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Nguva Yako Zvinobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Nzira Yokutenga Nayo Nguva Yakafanira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Budirira Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 6/95 p. 3

Shandisa Zvakanaka Nguva Yako

1 Jehovha anongwarira nguva. Iye anoda kuti tingwarirewo nguva. Kupfurikidza nesangano rake iye anotibetsera kuti tingwarire nguva. Tinokurudzirwa nguva dzose kuva ne“zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58, NW) Muiyi nzira, tinogona kuva vanobudirira zvikuru mubasa raJehovha.

2 Mumwe nomumwe wedu ane chitsama chimwe chetecho chenguva vhiki imwe neimwe—maawa 168. Tinoshandisa zvakanaka sei nguva yedu? Tinoratidza kuti tinoziva chaizvoizvo kuti inguvai mumurangariro waJehovha here? Tiri kutsauswa nemibato isingakoshi here?

3 Kunokosha kuti tive vakasanorongeka. Vakawanda vanoedza kuchengeta ndaza yezvokutanga. Chinhu chimwe nechimwe chinoiswa pandaza maererano noukoshi hwacho. Ikoko kunogona sei kusarudzwa? Bhaibheri rinotaura kuti munhu anofanira “kufarira zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.” (Mup. 3:13) Mamwe mabasa anounza migumisiro iri nani kupfuura mamwe. Rangarira migumisiro iyo chimwe nechimwe chichaunza. Kupedza basa kuchabereka betsero dzinokosha here? Ucha“ona zvakanaka” zvebasa rako rakaoma here? Kana kusina kudaro, ringasava basa rinokosha zvikuru.

4 MuUshumiri Hwedu: Tinoonga apo vamwe vanosvika pamisangano yebasa panguva, vanosanoteerera mirayiridzo, uye vanoenda nokukurumidza kundima. Tingasva tabatikana tichiparidza pane kumirira. Pauro sezviri pachena akarangarira zvakasimba pamusoro pedikanwo yenhevedzano yakanaka apo akanyora, kuti: “Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zvine mirayiro yazvo.”—1 VaK. 14:40.

5 Apo tinenge tiri mubasa romumunda, tinogona kurasikirwa nenguva inokosha panguva pfupi yokuzorora. Zvisinei, apo mamiriro okunze anenge akaipa zvikuru, kuzorora kuchatizorodza uye kuchatibetsera kuramba tichipfuurira. Vakawanda, kunyange zvazvo zvakadaro, vanoda kuramba vakabatikana vachipupura kuvanhu ndokurega kusonganirana nehama pazororo mukati menguva yakatsaurirwa ushumiri. Kudzikama kunodikanwa.

6 “Zvirokwazvo [shuramurove], riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa” dzokutama, uye mujuru “unounganidza zvokudya zvawo mukukohwa” kuitira kuti uve wakagadzirira chando, rinodaro Bhaibheri. (Jer. 8:7; Zvir. 6:6-8) Ndimo mune chakavanzika chokushandisa zvakanaka nguva. Isuwo tinofanira ‘kuziva nguva dzedu dzakagadzwa.’ Tisinganyanyova vane rumano, tinofanira kungwarira nguva. Tinofanira kuziva kwete bedzi chatinofanira kuita asiwo apo chinofanira kuitwa. Tinofanira kupinda mumuitiro wokufunga pachine nguva mberi, tichibvumira zvinononotsa zvinobvira. Uye tinofanirawo kuva vanodisa kupfupikisa mimwe mibato kuti tiwanire nguva chimwe chinhu chinokosha zvikuru, zvakadai sokugadzirira misangano yedu, ushumiri hwomumunda, uye mimwe mibato yoUbati Ushe hwaMwari.

7 Tinoda kuva saBaba vedu vokudenga, Jehovha Mwari, avo vanotidzidzisa, kuti “chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho yakagadzwa.” (Mup. 3:1, NW,) Kupfurikidza nokushandisa zvakanaka nguva yedu, tinogona ‘kuita zvizere ushumiri hwedu.’—2 Tim. 4:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe