Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaJune, July, August uye September: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi MuParadhiso Pasi Pano (chinyorwa chiduku) nokuda kwe$7,50 kana kuti bhurocha ripi neripi (kunze kwebhurocha raSchool) nokuda kwe$1,50. Nhamburiko dzinofanira kuitwa dzokutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. CHERECHEDZAI: Ungano dzisati dzaodha zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita kudaro paFomu radzo romwedzi nomwedzi Reodha Yamabhuku (S-14).
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana June 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Itai chiziviso kuungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Hofisi yeSosaiti muHarare inofarira kunzwa kuhama kana kuti hanzvadzi dzipi nedzipi dzakazvitsaurira idzo dzakakwaniriswa savanachiremba kana kuti vakoti. Pakunyorera hofisi yedu, tapota tizivisei kana muchifarira kana kuti kwete kubatira paBheteri nguva yakazara kana kuti isina kuzara.
◼ Hofisi yeSosaiti iri pa 164 Mbuya Nehanda Street zvino inovhurwa pamazuva omuvhiki na 8.00 a.m. uye inovharwa nokuda kwokudya kwamasikati na 11:35 a.m. Iyo inovhurwazve na 1:00 p.m. uye inovharwa nokuda kwezuva racho na 4:35 p.m.
◼ Kusvikira zvino munofanira kuva makagamuchira mashoko ane chokuita nokugadziridzwa kwamatunhu uye munoziva kuti nderipi dunhu iro ungano yenyu yakagoverwa kwariri. Tapota cherechedzai kuti idzi chinjo hadzitapuri migove yekokorodzano dzoruwa, sezvakaziviswa kare. Ungano yenyu ichapinda kokorodzano yedunhu uko makagoverwa June 1 asati asvika.
◼ Hama dzinoyeuchidzwa kuti apo dzinenge dzichida betsero yokurapwa kuita kwokuchenjera kuzivisa mukuru ari muungano yenyu uyo akagoverwa kutarisira nhau dzokurapwa. Uyu mukuru kana kuti mumwe mutezo womutumbi wavakuru unofanira kuonana neDare Rokubata Nechipatara BEDZI apo murwere anoda chiremba anobatira pamwe kuti avhiye pasina ropa, apo bonderano inomuka, kana kuti apo tyisidziro yokumanikidzira ropa pamurwere inenge isina kupedzwa. Apo betsero yokuwedzera inenge ichidikanwa, ipapo Dare Rokubata Nechipatara ingasvika hofisi yeSosaiti. Uko gadziriro iri pamusoro apa inoteverwa hakuzati kuchizova nedikanwo yokuti vaparidzi vamwe navamwe vaonane neDare Rokubata Nechipatara kana kuti hofisi yeSosaiti zvakananga.
◼ Mishumo yavatariri vanofambira inoratidza kuti vamwe vaparidzi, kunyange zvazvo vachigoverana nguva dzose mubasa romumunda, vanokanganwa kuisa mishumo yavo muBhokisi reMishumo paHoro yoUmambo. Tingada kuyeuchidza vaparidzi vose kuti vave nechokwadi chokuti vanopinza mishumo yavo nokukurumidza apo mwedzi unopera. Pakupera kwomwedzi, mutariri anotungamirira anofanira kuva nechokwadi chokuti chiziviso chinoitwa kuungano, chinoyeuchidza vose nezvedikanwo yokuva vakatendeka mukushuma basa ravo romumunda.
◼ Tingaonga kana mukapfuurira kutumira kuSosaiti zvakaitika zvipi nezvipi zvinofadza zvebasa romumunda izvo mungava nazvo. Tose tinokurudzirwa apo tinonzwa izvo vamwe vari kuita mumunda.
◼ Zvinowanikwa Zvakare muZimbabwe:
The Bible in Union Shona (Bhaibheri)
Mutengo wacho i$27,00 kuvaparidzi uye $24,50 kumapiyona.