Kristu soMuenzaniso Wepwere
1 Pashure pekurukurirano refu yeBhaibheri, imwe pwere yakati: “Ndakaororwa nounhu hune simba hwaJesu Kristu. Heuno mutungamiriri andaigona kudavira.” Zvimwe chetezvo hazvigoni kutaurwa nezvevematongerwe enyika vapi navapi kana kuti vezvemitambo uye magamba evaraidzo. VaKristu vechokwadi havasati vachirangarira semienzaniso avo vanogamuchira pachena mipimo yenyika uye mararamire asati ari echiKristu.—Pis. 146:3, 4.
2 Vanhu vaduku vanogona kuva nechokwadi chokuti apo vanoshandisa kutenda muna Jesu Kristu, ivo vanozviratidzira vamene samakwai aMwari uye vanozivikanwa naJesu. Mufudzi Akaisvonaka anovaitira hanya. (Joh. 10:14, 15, 27) Pwere dzinotevera Kristu soMuenzaniso wadzo dzakakomborerwa.
3 Imwe hama iyo zvino iri kubatira paBheteri yakava neiyi ropafadzo yebasa senharidzano kubvira panguva yayaiva namakore masere okukura. Iyo yakakurudzirwa kurangarira basa reBheteri senzira inoshanda yokutevera nayo muenzaniso waKristu apo yaizenge yakura. Vabereki vayo, pamwe chete navatariri vanofambira, vakachengeta iyoyi pamberi payo. Kumubetsera kugadzirira, ivo vakamukurudzira kuzvishandisa amene nokushingaira kungofanana nomutezo wemhuri yeBheteri, achiita mabasa pamusha, kubetsera kuchengeta Horo yoUmambo, uye kukudziridza unyanzvi muushumiri. Pashure pokufarikanya basa rapaBheteri kwamakore zvino, iye anoonga kuti sezvo iye aikura, akaita nhamburiko yokutevedzera muenzaniso waKristu.
4 Jesu haana kuronda basa rokunyika; iye akasarudza ushumiri. Imwe hanzvadzi duku yakanga ichida kupayona apo iyo yakapedza chikoro asi yakazengurira nemhaka yokusava nebasa renguva isina kuzara rakakodzera. Iye akaramba achifunga, kuti: ‘Kutanga ndichawana basa, ipapo ndichapinza kumbiriso yangu youpiyona.’ Mumwe mukuru akaratidza kuti kana amira kwenguva refu, basa renguva yakazara raizotarisika kuva riri nani, sezvo aisazova nechinhu chipi nechipi chinomudzivisa kurigamuchira. Iye akarondedzera, kuti: “Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti mudzimu wake unditungamirire.” Nokukurumidza akanyoresa sapiyona webetsero uye gare gare akava piyona wenguva dzose. Chinguvana pashure paikoko, iye akawana basa rakanaka iro rakakodzera rudungwe rwake rwoupiyona.
5 Jesu akazivisa noushingi shoko roUmambo kumunhu ari wose. (Mat. 4:23) VaKristu vaduku vanogonawo kudzidza kuva noushingi mukuparidza, vasingatyiswi nevamwe. Chimwe chapupu chine makore 14 okukura chakashuma, kuti: “Munhu ari wose kuchikoro anoziva chimiro changu somuKristu. . . . Vanondiziva zvikuru kwazvo zvokuti kana ndikasangana newomukirasi biyangu apo ndinenge ndiri muushumiri, handisati ndichinyara. Vadzidzi biyangu vanogaroteerera, uye kakawanda ivo vanogamuchira mabhuku.”
6 Kurangarira muenzaniso waKristu kunogona kubetsera vanhu vaduku kuita zvisarudzo zvokuchenjera zveramangwana ravo. Panzvimbo pokuva vanobatikana nezvirondwa zvenyika, ivo ‘vanoyeuka Musiki wavo Mukuru’ kupfurikidza nokuratidza shingairo mubasa raJehovha. (Mup. 12:1, NW) SaKristu Jesu, ivo vanosakurira “rudo rwaBaba,” urwo rwunounza zvikomborero zvinoshuviwa zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi chinopiwa nenyika. Panzvimbo po“kupfuura” nenyika yekare, ivo vanogona kutarira mberi ku‘kugara nokusingaperi.’—1 Joh. 2:15-17.