RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/95 p. 2
  • Misangano Yebasa yaJune

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaJune
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJune 5
  • Vhiki Inotanga naJune 12
  • Vhiki Inotanga naJune 19
  • Vhiki Inotanga naJune 26
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 6/95 p. 2

Misangano Yebasa yaJune

Vhiki Inotanga naJune 5

Rwiyo 7

12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Hwirudzurai mibato iri kuuya; yeuchidzai vose kuramba vachishingaira mubasa, kusvika kumisangano, uye kupinza mishumo.

15 min: “Jehovha Anopa Simba.” Mibvunzo nemhinduro. Rondedzerai chakaitika chiri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1992, peji 32.

18 min: Zvikarakadzo Zvinoshanda Zvokugovera Magazini. Kurukurai zvikarakadzo zvinotevera uye itai kuti vaparidzi vatsinhire pamusoro pebudiriro yavakafarikanya mukuzvishandisa: (1) Rava Magazini uye ziva nyaya dzacho zvakanaka. (2) Sarudza nyaya dzichava dzefariro chaiyo munzanga. (3) Edza kupupura kwamanheru nemagazini. (4) Taura pamusoro penyaya imwe chete, uye simbisa magazini imwe chete, uchigovera imwe somuperekedzi. (5) Taura zvishoma nezvishoma uye zvakajeka nechimiro chenzwi choushamwari. Kurudzira vose kuedza izvi zvikarakadzo zvinoshanda sezvo vanotsvaka kugovera magazini mundima yomunzvimbomo.

Rwiyo 17 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJune 12

Rwiyo 221

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

17 min: “Kristu soMuenzaniso Wepwere.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro dzinobva muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1986, mapeji 4-6.

18 min: “Kushandisa Bhuku raKurarama Nokusingaperi Pashanyo Dzedzokerero.” Muitisi weFundo yeBhuku yeUngano anohwirudzura nyaya yacho navaparidzi vaviri kana kuti vatatu uye ipapo anokurukura nzira yokushandisa nayo mashoko acho. Ivo vanorovedza kupfurikidza nokuenzanisira mharidzo dzavo kuno mumwe nomumwe.

Rwiyo 122 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJune 19

Rwiyo 80

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Enzanisirai mharidzo pfupi dzamagazini mbiri kana kuti nhatu idzo dzingashandiswa mubasa romumunda vhiki ino.

18 min: “Nzira Iyo VaKristu Vanogonana Nayo Noruzvidzo Rwavose.” Hurukuro inopiwa nomukuru, yakavakirwa paNharireyomurindi yaApril 1, 1995, mapeji 26-9. Vaparidzi vanofanira kurayirwa kurega kuita chimwe chinhu kudenho dzavose. Vanofanira kutanga kuonana nevakuru veungano pamusoro penhau yacho.

17 min: “Shandisa Zvakanaka Nguva Yako.” Mibvunzo nemhinduro. Nezvenguva inopedzwa muchitarira TV, hwirudzurai zvikarakadzo zviri pasi pomusoro muduku unoti “Taking Control,” uri papeji 11 yeMukai! yechiNgezi yaMay 22, 1991.

Rwiyo 208 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJune 26

Rwiyo 75

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurukurai nokupfupikisa ukoshi hwokuita shanyo dzedzokerero. Rutivi rukuru rwebasa redu rokudzidzisa rwunoitwa apo tinodzoka kuzosakurira fariro. Vanhu vashoma vanogona kuita fambiro mberi yomudzimu vane mabhuku oga. Apo tinokundikana kudzoka, tinorasikirwa nomukana wedu wakanakisisa wokuvabetsera. Shanyo dzedzokerero dzinobereka fundo dzeBhaibheri. Vaparidzi vakawanda vakawana migumisiro yakanakisisa kupfurikidza nokudzoka mukati mezuva rimwe kana kuti maviri panzvimbo pokumira kwevhiki imwe.—Ona bhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 88-9.

12 min: Bhokisi Remibvunzo. Mibvunzo nemhinduro inofanira kuitiswa nomuitisi weFundo yeNharireyomurindi. Ita dzimwe tsinhiro dzakavakirwa paBhuku rinoTungamirira reChikoro, mapeji 91-2.

18 min: “Rucheno Rwunounza Rukudzo Kuna Mwari.” Kurukurai nyaya yacho nokutora rutivi kwavateereri. Shandisirai munzvimbomo uyewo yeuchidzai vaparidzi kuti vayeuke kushandisa aya mashoko pakokorodzano dzedu.

Rwiyo 225 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe