RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/95 p. 1
  • Mashoko oUmambo Chaiwo Omunhu Ari Wose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko oUmambo Chaiwo Omunhu Ari Wose
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvizhinji Zvokuita Mubasa raShe”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • “Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Paradzira Zvakafara Mashoko oUmambo Turakiti Nha. 35
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Tevera Fariro yeMashoko oUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 5/95 p. 1

Mashoko oUmambo Chaiwo Omunhu Ari Wose

1 Kutangira pana April 24, takavamba kugoverwa kukuru kwaMashoko oUmambo chaiwo ayo akanyandura fariro yavanhu vanoitira hanya kuri kwose! Shoko rawo harisati riri bedzi rakakodzera nguva asiwo nderekukurumidzira. Muungano iri yose vaparidzi vakaratidza tsigiro yomwoyo wose, vachida kuisa shoko irori mumaoko ezviuru zvavanhu. Uri kusvasvavirira kuti uve negoverano yakazara here?

2 Mugove weMashoko oUmambo wakatumirwa kuungano imwe neimwe, kugovera anenge 25 nokuda kwomuparidzi mumwe nomumwe uye 125 nokuda kwapiyona mumwe nomumwe. Wakakwanisa kugovera mangani? Kana usina kukwanisa kuita zvakawanda sezvawaikarira, wakarangarira nzira dzokuita nadzo zvakawanda kugovera kwacho kusati kwaguma pana May 14 here? Zvakadini nokunyoresa sapiyona webetsero? Unogona here kushandisa misangano yebasa yomuraudzo mukati mevhiki, zvakadai seiyo yokupupura kwamanheru?

3 Vakuru vachave vachisanohwirudzura kufukidzwa kwendima. Kana kuchizova kusingabviriri ungano yakagoverwa kushanda zvimwe zvikamu, vakuru vanofanira kuonana neungano dziri pedyo kuti vakumbire betsero. Nhamburiko dzedu dzomwoyo wose, pamwe chete nebatira pamwe yakanaka pakati peungano, zvinofanira kuita kuti basa racho riitwe.

4 Pasina kupokana wakawana mufaro womuraudzo mubasa irori nemhaka yokuti vakawanda kwazvo vakakwanisa kutora rutivi, kubatanidza vaparidzi vatsva uye vaduku. Tinovimba kuti, mudzimu womufaro iwoyu uchachengetwa, uchikurudzira vose kupfuurira kupfurikidza nokudzokera kundoshanyira avo vakagamuchira zvakanaka. Takakurudzirwa kuti tichengete zvinyorwa zvapaimba neimba zvakanaka, tichinyora avo vakaratidza fariro. Rutivi rwapashure rwaMay rwungava nguva yakaisvonaka yokunangidzira ngwariro pakuita shanyo dzedzokerero nomurangariro wokutanga fundo itsva.

5 Chii chatinogona kutaura apo tinodzokera? Ungakuwana kuva kunobudirira kuti: “Mungayeuka mashoko akatsikirirwa andakakusiirai misi ichangobva kupfuura; ndinovimba kuti makava nemukana wokuarava uye wokurangarira nhau yacho. Chokwadika shoko racho rakanyandura kurukurirano yakawanda munzanga yedu, sezvo richibata nenhau dzinokosha dzinonangana norudzi rwose rwomunhu.” Nongedzera kukumwe kwokutaura kunonyandura mufungo kuri papeji yechipiri, uye ipapo bvunza, kuti: “Munofunga kuti tinofanira kuitei kuva nechokwadi chokuti takagadzirira icho ramangwana richaunza?” Bvumira mhinduro. Kana fariro ikaratidzwa, kurukura mamwe mapfundo ari pamapeji 2-4 eMashoko oUmambo, uye karakadza fundo yeBhaibheri kana kuti, kana ikoko kusingabviri, govera magazini azvino uno.

6 Kana uchishanda mundima yeimwe ungano, iva nechokwadi chokuendesa mazita avanofarira vapi navapi vaunowana kuitira kuti shanyo dzedzokerero dzigone kuitwa navaparidzi veungano iyoyo. Nenzira yakafanana, kana ukapiwa shanyo dzokudzokerera, usakundikana kudzokera nokukurumidza.

7 Kugoverwa chaiko kwaaya Mashoko oUmambo kwakaparira mufaro uye kwakasunda tose zvedu kuwedzera nhamburiko dzedu mubasa rokuparidza Umambo. Tinogona kuva nechivimbo kuti kuchabudirira zvikuru, kuchiwedzera kuziva kwavanhu kuri kwose nezvezita guru raJehovha nechinangwa. (Isa. 12:4, 5) Kana tikakwanisa kuita zvakawanda, mufaro wedu uchavawo mukuru zvikuru.—Pis. 126:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe