RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/95 p. 6
  • Tsvaka Vanhu Vanodzidzisika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsvaka Vanhu Vanodzidzisika
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Shanyo Dzedzokerero Dzine Chinangwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Kudzokerazve Kunoita Kuti Tive Nevadzidzi veBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kudzokera Kundovaka Nzwisiso
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 4/95 p. 6

Tsvaka Vanhu Vanodzidzisika

1 “Hakuna munhu angauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi.” (Joh. 6:44) Jehovha, uyo anonzvera mwoyo, achatusa avo vanodzidzisika ndokuita zvavanodzidza. (Jer. 17:10; Joh. 6:45) Tine ropafadzo yokuva vashandi biyake mukutsvaka vanhu vanyoro vanoshuva nyika itsva.—Pis. 37:11; 1 VaK. 3:9.

2 Jesu akarondedzera vadzidzi vake se“varedzi vevanhu.” (Mat. 4:19) Nepo rudzi irworwo rwebasa ruchigona pane dzimwe nguva kuva rwakaoma, kune gutsikano yakawanda mukuwana migumisiro yakanaka. Panzvimbo pekushandira chimuko chedu chomunhu oga, tiri chaizvoizvo kununura “hove” muruparadziko rune chokwadi. Muredzi anobudirira anofanira kuziva zvokuita kuti akwezve hove. Nenzira yakafanana, tinofanira kupa shoko roUmambo nomutoo unofadza uchamutsa fariro yavanzwi vedu. Izvi ndezvechokwadi zvikurukuru apo tinoita shanyo dzedzokerero. Chii chatinogona kutaura?

3 Kana fariro yakaratidzwa munyaya dze“Nharireyomurindi” dzinobata norudzidziso, ungati:

◼ “Nguva yakapfuura takataura pamusoro pokuti nei vanhu vazhinji vasingadi kukurukura rudzidziso. Hamurangariri kuti kwakati ivei kwechienzi here, sezvo vazhinjisa vevavakidzani vedu vachiti ndevechiKristu? Zvichida munoshamisika here chikonzero nei rudzidziso rwuri nhau inokamuranisa neinokakavadzanwa pamusoro payo.” Bvumira mhinduro. Tendeukira kupeji 309 mubhuku raKurangarira, uye govera mifungo mishomanene iri pasi pomusoro unoti “Nei Kune Marudzidziso Akawanda?”

4 Ungashandisa uku kusvika kwakafanana kutanga kurukurirano panhau yorudzidziso:

◼ “Kune nzira yakati here yatinogona kuva nechokwadi nayo kuti tine rudzidziso rwechokwadi? [Bvumira mhinduro.] Nemhaka yokuti kune marudzidziso akawanda kwazvo akasiyana-siyana, vanhu vazhinji vanonzwa vavhiringidzika uye vasina chokwadi.” Tendeukira kubhuku raKurangarira, mapeji 316-7, apo rinokurukura mubvunzo unoti “Munhu angaziva sei rwuri rudzidziso rwakarurama?” Tsinhira nokupfupikisa pamubvunzo wenhamba 5, “Ko mitezo yarwo inodanana zvomenemene here?” Tsanangura madzidzirwe anogona kuitwa zvakawanda kupfurikidza nefundo yeBhaibheri yomunhu oga.

5 Kana saimba airatidzika kuva anonetseka pamusoro pamamirire ezvinhu zvenyika, ungada kuedza uku:

◼ “Sezviri pachena munonzwa muchinetseka pamusoro pemagariro ezvinhu akaipa atinofanira kugonana nawo mukurarama nomukurera mhuri dzedu. Bhaibheri rinozivisa vimbiso inoshamisa iyo Mwari achazadzika muremangwana riri pedyo.” Ravai Zvirevo 2:21, 22, uye tsanangurai kuti Jehovha akavimbisa sei nyika yorugare rusingagumi.

6 Pakuita shanyo dzedzokerero pashure pokunge nhimbe chaiyo yeMashoko oUmambo yatanga, tapota ivai nechokwadi chokusiyira vanasaimba vasina kopi yeMashoko oUmambo. Zvamungataura pashanyo dzedzokerero pakutevera Mashoko oUmambo akagoverwa zvichakurukurwa muchinyorwa chaMay choUshumiri Hwedu hwoUmambo.

7 Sezvo Shoko raMwari “rine simba,” tinofanira kuedza kurishandisa mumharidzo dzedu. (VaH. 4:12) Iva nechokwadi chokukurudzira saimba kuzviravira amene Bhaibheri. (Enzanisa naMabasa 17:11.) Kana tikaita rutivi rwedu nokushingaira, Jehovha achakomborera nhamburiko dzedu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe