Kutevera Muenzaniso Wedu Savatakuri Vechiedza
1 Jesu akazivisa nezvake amene, kuti: “Ndini chiedza chenyika.” Kupfurikidza nokutevera muenzaniso wake, vadzidzi vaJesu vakanga variwo “chiedza chenyika.” (Mat. 5:14) Se“chiedza chenyika,” Jesu aigona kutaura kuti vose avo vanomutevera vachava ne“chiedza choupenyu.” (Joh. 8:12) Ikoko kunotiita vatakuri vechiedza vomudzimu, avo vasingatongofaniri kubvumira chinhu chipi nechipi kuvanza kana kuti kudzikatidza chiedza ichocho.
2 Sangano raJehovha rinogovera rovedzo kutiratidza kuti tinova sei vatakuri vechiedza vanobudirira. Kana tikasanotevera zano uye nhungamiro zvatinogamuchira, tichakwanisa kuvhenekera vanhu vamarudzi ose nezvokwadi yoUmambo. (1 Tim. 4:6) Kubatira savatakuri vechiedza kunobatanidza kwete bedzi kutaura zvokwadi pamukana uri wose asiwo kuchengeta mufambiro wakaisvonaka savaKristu. Mufambiro woMuenzaniso wedu wakanga usina chaungapomerwa. Savateveri vake, tinofanira kuratidzira kuti chiKristu ndiwo mararamire edu ezuva riri rose. (VaEf. 5:9; Tito 2:7, 8, 10) Tinofanira kubereka mabasa akaisvonaka ayo vamwe vanogona kuona, achivasunda kurumbidza Mwari.—Mat.5:16.
3 Chimwe Chapupu chakasangana nechikumbiro chechienzi pachaienda paimba neimba. Murume wemba nomudzimai wake vakanga vachirwara zvikuru, asi vakanga vachida kuisa mari mubhangi. Ivo vakakumbira kana chapupu chacho chaizokuita. Icho chakabvuma uye chakapiwa $16 000 kuti chiiendese kubhangi! Apo chakadzoka, icho chakabvunza, kuti: “Maigona sei kundivimba musingatombondizivi?” Mhinduro yacho: “Tinoziva, uye munhu ari wose zvake anoziva, kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo bedzi vanhu vokuvimba.” Tinogona kuonga sei kuti kusanobatirira kwedu kunheyo dzetsika dzeBhaibheri kunobereka mbiri yakadaro inokudza Mwari!
4 Mudzidzisi wegiredhi rokutanga akatsanangura kukirasi yake nei mudzidzi Chapupu mumwe ane makore matanhatu okukura akanga asingatori rutivi mukukara mifananidzo yeHalloween. Mudzidzisi wacho akati akanga achidada zvikuru naye nokuda kwokuva noushingi hwokuva akasiyana nemhaka yeizvo anodavira. Kana tichidavira zvakasimba chimwe chinhu, akatsinhira kudaro mudzidzisi, tinofanira kuva noushingi hwokuchidzivirira. Usiku ihwohwo mudzidzisi wacho akanzvera zvitendero zvake uye aitofanira kubvuma kuti akanga asina kuratidza ushingi humwe chetehwo kuti adzivirire zvitendero zvake. Zuva rakatevera iye akazivisa kuti akanga asati achizobatanidza kirasi yake mukuchengetwa kupi nokupi kwamazororo munguva yemberi, kumwe uko iye amene akanga asingadaviri!
5 Vanhu vaJehovha vanodisa kuita kuti chiedza chavo chipenye, pasinei hapo nokwavanenge vari. Mufambiro womuenzaniso wavaduku kuchikoro wakaorora zvakanaka vokuchikoro biyavo uye vadzidzisi. Zvapupu zvakura izvo zvinoratidza mufambiro wakaisvonaka munharaunda zvinosakisa kuti vamwe vataure zvakanaka nezveshoko roUmambo. Kupupura kwamasanga mumamiriro ezvinhu akawanda kunokwezva vanhu vapachokwadi kudzidza zvakawanda. Kunyange shingairo yedu nokutendeseka mubasa rokunyika zvinopa uchapupu. Hungu, pasinei hapo nokwatiri kana kuti chatiri kuita, tinogona kunyandura fariro muzvokwadi.
6 Kupfurikidza nokuchengeta maziso edu pamararamiro asina mhaka oMuenzaniso wedu mukuru, tinogona kupfuurira kukwanisa unyanzvi hwedu savadzidzi vake. Kutevera muenzaniso wake kuchaita kuti chiedza chedu “chipenye pana vose.”—Mat. 5:15; 1 Pet. 2:21.