Vachanzwa Seiko Kutoti Tikadzoka?
1 “Vachanzwa seiko kana kusinomuparidzi?” (VaR. 10:14) Zvamazvirokwazvo, vachanzwisisa seiko revo yezvokwadi kutoti tikaita shanyo dzedzokerero dzinobudirira? Shanyo ipi kana ipi kwatakakwanisa kukurukura nasaimba pamusoro peshoko roUmambo yakafanirwa neshanyo yedzokerero. Mwedzi uno tingakwanisa kutevera kurukurirano yedu yokutanga tine mifungo yokuwedzera yapaMagwaro inobva mune ripi neripi rebhukwana ratakagovera, uye ikoko kungatungamirira nenzira inobudirira mufundo yeBhaibheri.
2 Kana wakagovera bhukwana ra“Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita,” ungakwanisa kutanga kurukurirano ingatungamirira mufundo yeBhaibheri neiyi nzira. Uchinongedzera kubutiro rokutanga, ungagona kubvunza kuti:
◼ “Mungada kugara munyika umo nguva yemberi yakachengeteka inokuvimbiswai imi nemhuri yenyu here? [Bvumira mhinduro. Ipapo tendeukira kundima 2.] Isu tose tinogoverana chishuvo ichochi, kunyange zvazvo vazhinji vachipanikira kuti chichazombova chinobvira. Nokuda kwaMwari, uyo anopikira kuti ichochi chive chechokwadi, hachisati chiri chisingabviri.” Rava Isaya 32:17, 18 sokunokorwa mashoko kwaakaitwa mundima 2, kana kuti irave muBhaibheri rako. Pfuurira, kutsanangura kuti kune vanhu kupota nyika yose vava kutowana mufaro norugare rwendangariro zvinouya nemhaka yetariro yechokwadi yenguva yemberi. Kurukurai mifungo yapaMagwaro iri mundima 3, uye ipapo tsanangura nzira iyo fundo yebhukwana inogona kubetsera nayo saimba kudzidza zvizhinji. Kana munhu wacho achifarira, ita gadziriro dzeshanyo yedzokerero yokukurumidza kuzopfuudzira kurukurirano yacho.
3 Apo unodzokera pashure pokugovera bhukwana ra“Aya Mashoko Akanaka oUmambo,” zvichida chimwe chinhu chakafanana neichi chichava chinobudirira:
◼ “Pashanyo yangu yakapfuura, takakurukura dzimwe dzebetsero dzoUmambo hwaMwari, uhwo Jesu akatidzidzisa kunyengeterera. Munofunga here, kunyanguvezvo, kuti tichaona betsero idzedzo munduramo yedu? [Pashure pokunge munhu wacho apindura, tendeukira kupeji 20 ndokupfuurira.] Vadzidzi vapakuvamba vaJesu vaida kuziva apo vaigona kuzokarira Umambo ihwohwo. Tarirai mhinduro yake.” Nongedzera kutsinhiro dzakafanira namagwaro ari mundima 31. Tsanangura gadziriro yedu yokubetsera vanhu kufunda Bhaibheri.
4 Apo unoita shanyo yedzokerero pashure pokugovera bhurocha ra“Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” ungatanga nokuratidza mufanikiso uri pabutiro uye ipapo uchibvunza mubvunzo, wokuti:
◼ “Munofunga kuti kwaizova kwakadini kurarama munyika yakakwana? [Wana tsinhiro dzasaimba.] Zvamunoona mumufanikiso uyu hachisati chiri chinhuwo zvacho chokufungidzira; zvakavakirwa pazvipikirwa zvine chokwadi zvinotaurwa muBhaibheri. [Rava Zvakazarurwa 21:4 nePisarema 37:11, 29.] Ndingada kutsanangura nzira iyo imi nemhuri yenyu munogona kufarikanya nayo ichi chikomborero.” Kana saimba akaratidza fariro, pfuudzira kurukurirano yacho, uye karakadza fundo yeBhaibheri.
5 Apo tinowana vanhu vakatendeseka vari kutsvaka zvokwadi, tinoratidzira rudo rwedu rwapachokwadi kupfurikidza nokudzoka kundovabetsera kuita chiito pane zvavakanzwa. Tinoshandisa zvokwadi dzinoyera dzatakaronzeswa nokuda kwechikomborero chisingaperi chedu timene naavo vanoteerera.—1 Tim. 4:16.