Wedzero Dzemitengo
Nemhaka yokuderera kwoukoshi hweDhora reZimbabwe kwave kuri madikanwa zvakare kuwedzera mutengo wemabhuku eSosaiti.
Pasinei zvapo newedzero iyoyi, mutengo wezvinhu zvakatsikirirwa uchiri wakaderera zvikuru kupfuura ndyiko yokubudisa. Ikoku kunoratidza fariro huru yeSosaiti mukubetsera vazhinji savanobvira kubetserwa nezvinyorwa izvozvi.
Kukubetserai tinoronga pasi apa mimwe yemitengo mitsva ichatanga kushanda kubvira pana July 1, 1994:
Magazini (kopi imwe) 1,60
Kuzvinyoresa: gore rimwe,
kaviri pamwedzi 38,00
Kuzvinyoresa: mwedzi mitanhatu,
kaviri pamwedzi 19,00
Mabhuku amapeji 192 8,00
Kurarama Nokusingaperi (guru) 23,00
Kurarama Nokusingaperi (duku) 12,00
NW Translation (bi12) 30,00
Insight on the Scriptures 105,00 Mabhurocha 2,30
Mabhukwana amapeji 64 1,20
Mabhukwana amapeji 32 ,80
Maturakiti (rimwe) ,08
Tapota cherechedzai kuti mutengo mutsva wamagazini uchatanga nechinyorwa cha July 1, 1994 cheNharireyomurindi uye cha July 8, 1994 chaMukai!
Ucharangarira sei wedzero idzodzi? Vamwe vaparidzi vangazengurira kugovera mabhuku, vachirangarira kuti saimba haagoni kuatenga. Kuita kudaro kwaizova kusina kururama. Kana tichinzwisisa ukoshi hwamashoko ari muzvinyorwa zveSosaiti, tichiziva kuti anogona kubetsera mukuponesa upenyu, tichava vakananga pamusoro pokuzvigovera. Mabhuku akanaka anobudiswa neSosaiti anokosha zvikuru kupfuura mupiro watinokumbira nokuda kwawo!