RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/94 p. 8
  • Betsera Vamwe Kudzidza Zvokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Betsera Vamwe Kudzidza Zvokwadi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Vachanzwa Seiko Kutoti Tikadzoka?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Uri Kushandisa Mabhurocha Aya Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 7/94 p. 8

Betsera Vamwe Kudzidza Zvokwadi

1 Jesu akauya kupasi kuzopupurira zvokwadi. Kuita kuti zvokwadi iparidzirwe kuvamwe, akarovedza vadzidzi vake kuva vadzidzisi. Akanga ane chivimbo kwazvo nebudiriro yavo mukudzidzisa vamwe zvokuti akavadana kuti ‘varairidzi vavose.’ (Mat. 13:52) Akafananidza mumwe nomumwe nomunhu akadzidza ane dura repfuma inokosha zvikuru mokunokora. Vadzidzi vaJesu nhasi vanoshandisa zvinyorwa zvakatsikirirwa kukurumidzisa basa rokuparidzira Umambo. Somuenzaniso, ungano zhinji dzine mhatsa yamabhukwana okushandisa mukubetsera vamwe kuva vadzidzi. Zvishandiso izvozvi zvinokosha zvinogona sei kushandiswa?

2 Kutanga kurukurirano inotungamirira mukugovera bhukwana ra“Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita,” ungabvunza kuti:

◼ “Makamboshamisika here nei kuri kuti pasinei zvapo nenhamburiko dzose dzomunhu, kariro dzenguva yemberi yakachengeteka dzinoratidzika kuva dzisina kujeka zvikuru? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinotsanangura chikonzero nei nhamburiko zhinji kwazvo dzakundikana.” Rava Pisarema 146:3, 4. Pashure pokurangarira nasaimba pamusoro pamashoko ari mundima 6, ungagona kubvunza kuti: “Ndiani anokwanisa chaizvoizvo kutigovera chengeteko inogarisa?” Kuchitsamira pamhinduro yasaimba, ungasarudza kukurukura mapfundo akakodzera ari mundima 7 kana kuti kuronga kuita izvozvo paimwe nguva munguva yemberi.

3 Heino imwe nzira yaunokwanisa kushandisa nayo bhukwana ra“Aya Mashoko Akanaka OUmambo”:

◼ “Vanhu vazhinji vatataura kwavari nhasi vakarovedzana nomunyengetero womuenzaniso uyo Jesu akapa vadzidzi vake. Mumunyengetero iwoyo tinonyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye. Makarovedzana here nomunyengetero iwoyo? [Bvumira mhinduro.] Muchacherechedza mumusoro webhukwana iri kuti Jesu akanongedzera ku‘mashoko akanaka oUmambo.’ Regai ndigoverane nemi chikonzero nei achigona kunzi ‘mashoko akanaka.’” Nokupfupikisa hwirudzura mashoko ari papeji 26 ipapo govera.

4 Pakugovera bhukwana ra“Kune Zvakawanda Zvikuru Kuupenyu!,” ungagona kuti:

◼ “Nokuda kwavazhinji kunaka kwoupenyu kwakaderedzerwa kukuva basa risingafadzi, rinofinha. Munofunga kuti chii chinodikanwa kuita kuti upenyu huve hune revo zvikuru? [Ita kuti saimba ataure mufungo wake.] Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari ane zvinhu zviri nani zvaakatichengetera. Onai chaanotaura pano pana Zvakazarurwa 21:4, 5.” Kana kwakakodzera, pfuuridzira kurukurirano yacho namapfundo omundima 42 yebhukwana.

5 Achishandisa bhurocha ra“Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!,” muparidzi muduku angabvunza kuti:

◼ “Mungada here kugara muparadhiso yapasi yakafanana neiyi? [Ratidza butiro rokutanga nerokushure, uye bvumira tsinhiro.] Mhuri yangu neni tinotarira mberi kugara imomo nemhaka yeizvo Bhaibheri rinotaura pano pana Johane 17:3.” Kana fariro ikacherekedzwa pashure pokurava rugwaro, govera bhurocha racho.

6 Kana uri kushandisa mamwe mabhukwana kana kuti mabhurocha muushumiri hwako mwedzi uno, ungawiriranisa sumo dzako nemharidzo nezvikarakadzo zviri pamusoro apa. Yeuka kuva anopfupikisa nokuita tsinhiro dzakananga nedzinovaka kunyandura fariro yavanasaimba.

7 Jehovha akatipa zvokwadi. Tinofanira kushandisa mabanza akaiswa pamberi pedu kuigoverana navamwe, mose muri muviri muchimiro chamabhuku uye mukurukurirano dzedu navanhu vatinosangana navo. Neiyi nzira tinozvibvumikisa timene kuva varairidzi vavose nokuda kwebetsero isingagumi yavamwe.—Mat. 28:19, 20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe