Kubetserwa Zvizere neChikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari
1 Chikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari chave chichibetsera mukutirovedza mu“unyanzvi hwokudzidzisa” kuti tigogona kupa zvokwadi dzeBhaibheri kuvamwe nomutoo unobudirira. (2 Tim. 4:2, NW) Tinogamuchira nzwisiso inokosha mumhatsa yemisoro yeBhaibheri vhiki imwe neimwe. Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti tiri kuwana betsero yakazara mumurairidzo unokosha ichi chikoro chinogovera?
2 Sanopa ngwariro kutsinhiro dzokuzarura dzomutariri wechikoro sezvaanosimbisa mamwe amapfundo anofadza ayo unogona kudzidza mukati momusangano wacho. Funga nezvemibvunzo ipi neipi iyo angamutsa uye nzira iyo unogona kushandisa nayo mhinduro dzacho muushumiri hwako.
3 Hurukuro yomurairidzo haisati ichongova zvayo hwirudzurwo yamashoko akatsikirirwa. Inonangidzira ngwariro paukoshi hunoshanda hwamashoko acho uye nzira yaanogona kukubetsera nayo somunhu oga. Kugadzirira pachine nguva mberi kuchakubetsera kupa ngwariro zviri nani pamapfundo makuru nokugoverana muhwirudzuro yokutaura iyo inotevera.
4 Kuvambirana nokurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki kunogona kukudza kunzwisisa kwako Shoko raMwari. Nzvero yokuwedzera inogona kuratidzira udzame hutsva hwakawanda nohunofadza uhwo huchakudza kunzwisisa kwako zvokwadi. Kupiwa kwamapfundo makuru eBhaibheri kunopfuura kungodzokororwa chete kwenhauro yeBhaibheri. Pashure pehwirudzuro yose pfupi, mukurukuri achasimbisa mapfundo akatanhamara ari muchikamu chakagoverwa ndokuratidza kushanda kwaanoita kuupenyu hwedu nokunamata. Sanopa ngwariro kuti ugone kudzidza zviri nani nzira yokushandisa nayo murairidzo weBhaibheri.—Pis. 119:105.
5 Kana wakagoverwa hurukuro yomudzidzi, cherekedza pfundo rezano rauri kushandira pariri zvino. Rava zvikarakadzo zvinopiwa muBhuku rinoTungamirira reChikoro zvinobata nevara rokutaura iroro, uye edza kuzvishandisa. Pakusarudza mashoko ehurukuro yako, edza kusimbisa mapfundo ayo achava anoshanda mumunda.—sgCA mapeji 97-100.
6 Kana uri hanzvadzi yakagoverwa kupa Hurukuro Nha. 3 kana kuti Hurukuro Nha. 4, edza kupa mashoko acho mumugariro chaiwoiwo. Saimba angabvumirana kana kuti angasabvumirana nechinhu chiri chose chaunotaura; edza kuratidza nzira yawaizobatsira nayo munhu wacho kurangarira nheyo huru dzeBhaibheri. (sgCA mapeji 153-8) Ikoku kunobetsera vateereri kuona nzira yokubata nayo nezvirambidzo zvakafanana zvinosanganwa nazvo mubasa romumunda. Sanogadzirira pachine nguva mberi, uye ronga kukurumidza kudzokorora nasaimba wako. Hakufaniri kuva kuri madikanwa kudzokorora pashure pokunge musangano watanga.
7 Vadzidzi vari kupa hurukuro vanokurudzirwa kugara pedyo nokumberi kwehoro. Ikoku kunochengetedza nguva uye kugonesa mutariri wechikoro kupa tsinhiro dzake nomutoo womunhu oga zvikuru. Vose vanogona kubetserwa nezvikarakadzo zvomutsa, zvakananga izvo anopa zvakavakirwa paBhuku rinoTungamirira reChikoro. Angasatevera mapfundo okutaura munhevedzano inopiwa pakasiripi keZano Rokutaura; achasarudza pfundo rezano rakavakirwa pane icho unoda zvino kuti ugoita fambiro mberi yakanakisisa.
8 Izvi zvose zvikonzero zvakanaka zvokuti tigadzirire ndokupinda Chikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari vhiki iri yose. Murairidzo watinogamuchira unogona kutibetsera kuva vakachenjera navane unyanzvi muushumiri hwedu.—Zvir. 1:5.