Misangano Yebasa yaMay
Vhiki Inotanga naMay 2
5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakakodzera zvomuHushumiri Hwedu hwoUmambo. Hwirudzurai gadziriro dzipi nedzipi dzokufutunura mibato yebasa romumunda, dzakadai sebasa romumugwagwa kana kuti kupupurira kwamanheru.
15 min: “Kufunda Munhu Mukurusa Ati Amborarama.” Shandisai mibvunzo nemhinduro kuvaka mbavarira nokuda kwefundo yeiri bhuku ichavamba vhiki yaMay 16.
10 min: “Ndinofanira Kuramba Ndichichinja Here?” Kurukurirano pakati pavakuru vaviri. Simbisai betsero dzokugoverana nguva dzose mubasa romumunda.
15 min: Mutariri webasa acharava, achakurukura ndokuita kushandiswa kwomunzvimbomo kwetsamba yeSosaiti yomusi waApril 24, 1994 pamusoro pendima isina kugoverwa.
Rwiyo 128 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 9
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Tinofanira kuva vakasvinurira mabanza okuwana kuzvinyoresa. Tinogona kukugovera kuavo vakagamuchira ndokurava magazini nguva dzose munguva yakapfuura. Kwakanakisisa kugovera kuzvinyoresa kwegore rimwe. Tsanangurai nzira yokuzadza nayo masiripi matatu okuzvinyoresa.
20 min: “Gadzirira Vadzidzi veBhaibheri nokuda Kwoushumiri.” Mibvunzo nemhinduro. Ndima 4 ne 5, ivai nomuenzaniso mupfupi unoratidza nzira yokubetsera nayo mudzidzi kugadzirira kupupurira pasuo. Mudzidzi anovamba nemharidzo yakapfava achishandisa Pisarema 37:11. Mudzidzisi anodzongonyedza, achiti: “Ndine rudzidziso rwangu ndimene.” Mudzidzi haana chokwadi nechokutaura. Vose vari vaviri vanotendeukira kubhuku raKurangarira, mapeji 18-19, vanohwirudzura mhinduro dzakakarakadzwa, uye vanosarudza imwe iyo mudzidzi anonzwa akasununguka nayo. Mudzidzi anovambazve, anopa mhinduro yakanaka, uye anonzwa akurudzirwa nemiuyo.
15 min: Kuvakwa kweHoro yoUmambo. Kurukurirano pakati pavakuru vaviri. Hwirudzurai mashoko pamusoro pomuitiro wokuzadza nawo mafomu avazvipiri kana mumwe achikwanirisa kushanda pakuvakwa kweHoro yoUmambo. Simbisai (1) mapoka maviri aavo vanokwanirisa kupa mafomu avazvipiri uye (2) kuti vazvipiri vose, kubatanidza avo vakanga vazvipira kare, vanofanira kuzadza rimwe ramafomu matsva. Ipapo hwirudzurai mapfundo makuru ebasa raMatare Okuvaka Omunharaunda sezvinoratidzirwa pamapeji 322-8 aJehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom.
Rwiyo 139 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 16
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Ravai mushumo weakaunzi nokugamuchirwa kupi nokupi kwomupiro. Hwirudzurai magazini eNharireyomurindi angagoverwa, uye danirai ngwariro kumapfundo okutaura mashomanene.
17 min: “Dzokera Uko Wakawana Fariro.” Mibvunzo nemhinduro. Itai kuti mharidzo imwe kana kuti mbiri dzakakarakadzwa dzienzanisirwe.
18 min: “Kubetserwa Zvizere neChikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari.” Hurukuro nekurukurirano navateereri inoitwa nomutariri wechikoro. Kurudzirai vose kugamuchira ndokuita migove. Simbisai ukoshi hwokuvambirana nokurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki. Tsanangurai nzira iyo ungano yose inogona kubetserwa nayo nezano rinopiwa kuvadzidzi.
Rwiyo 53 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 23
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai nyaya dzakatanhamara dziri mumagazini azvino uno, uye rongai mharidzo pfupi imwe kana kuti mbiri. Ratidzirai gadziriro chaidzo dzebasa romumunda dzaMay 25.
15 min: “Unoremekedza Vamwe Pakupa Zano Here?” Hurukuro inopiwa nomukuru, yakavakirwa paNharireyomurindi yaFebruary 1, 1994, mapeji 25-9.
20 min: “Shandisa Magazini Kugoverana Zvokwadi.” Kurukurai navateereri. Tsanangurai chinoita kuti magazini edu asiyane uye chikonzero nei ikoku kuchifanira kutinyandura kuagovera pabanza riri rose. Rongai mienzaniso miviri mipfupi.
Rwiyo 19 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 30
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mashoko oUshe.
15 min: Hwirudzurai mabhuku anogoverwa muna June: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Danirai ngwariro kumifananidzo inofadza yakadai seiyo iri pamapeji 77, 163, 165, uye 171. Itai kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire mharidzo pfupi yakavakirwa pane mumwe weiyi mifananidzo, achishandisa Zvakazarurwa 21:4. Ratidzirai gadziriro dzebasa romumunda dzevhiki rinouya.
20 min: “Dzivisa Ngozi Apo Inotyisidzira.” Hurukuro inopiwa nomukuru, yakavakirwa paNharireyomurindi yaFebruary 15, 1994, mapeji 22-5. Kurudzirai vose kudzivisa kudisa zvenyika ndokuramba vakachena mutsika.
Rwiyo 12 nomunyengetero wokugumisa.