Chokutanga
Ida Vanhu, Kwete Mari Nezvinhu
BHAIBHERI RINODZIDZISEI? “Kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose.”—1 Timoti 6:10.
CHINOITA KUTI ZVIOME. Vanoshambadzira zvinhu vanoita kuti tisagutsikane nezvatinazvo. Vanoda kuti tishande zvokufa kuitira kuti tiwane mari tobva tatenga zvinhu zvitsva, zvemberi uye zvakakura. Mari inonyengera, zviri nyore kuti tipedzisire tava kuti sika-sika nayo. Asi Bhaibheri rinonyevera kuti munhu anoda pfuma haazombofi akagutsikana. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa.”—Muparidzi 5:10.
ZVAUNGAITA. Tevedzera Jesu, uye edza kuda vanhu kupfuura zvinhu. Jesu akazvipira kurasikirwa nezvose zvaaiva nazvo, kunyange upenyu hwake chaihwo, nokuti aida vanhu. (Johani 15:13) Akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kana tikava netsika yokupa vamwe zvinhu zvedu uye kuvabatsira, naivowo vachatiitira zvakanaka. Jesu akati: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.” (Ruka 6:38) Vaya vanoti sika-sika nokutsvaka mari uye zvinhu vachapedzisira varwadziwa uye vava kutambura. (1 Timoti 6:9, 10) Asi kugutsikana kwechokwadi kunobva pakuda vamwe uye pakudiwa.
Wadii kumboongorora upenyu hwako woona kana zvichiita kurarama usina twakawanda-wanda? Zvingaita here kuti utapudze zvinhu zvaunazvo kana kuti zvauri kuronga kuva nazvo? Kana ukadaro, unogona kuona kuti uchava neimwe nguva uye simba rokuita zvinhu zvinokosha muupenyu, kureva kuti kubatsira vamwe uye kushumira Mwari uyo akakupa zvose zvaunazvo.—Mateu 6:24; Mabasa 17:28.
[Mufananidzo uri papeji 4]
“Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo”