Zvingaita Here Kuti Ugutsikane?
“Kugutsikana kunoita kuti varombo vave vapfumi; kusagutsikana kunoita kuti vapfumi vave varombo.”—Benjamin Franklin.
CHIREVO ichi ndechechokwadi nokuti vakawanda vakadzidza kuti kugutsikana hakutengwi nemari. Ndokusaka zvichioneka sezvisingaiti kuti munhu anyatsogutsikana kana kuti anyatsonzwa akadekara mumwoyo munyika ino inoita kuti vanhu vade zvinhu, vade kubudirira, kana kuti vadewo upenyu huri kuraramwa nevamwe. Pane zviri pasi apa pane zvinokubata-batawo here?
• Vanoshambadza zvinhu vanongoramba vachiita kuti munhu afunge kuti pachine chimwe chaanofanira kutenga kuti anyatsogutsikana.
• Kuita makwikwi kumabasa kana kuti kuchikoro kunoita kuti ude kuzvienzanisa nezvinoitwa nevamwe.
• Vanhu havaongi zvaunovaitira.
• Shamwari dzinoita kuti uchochore zvadzinazvo.
• Mibvunzo yako inonyanya kukosha ine chokuita nezveupenyu haipindurwi.
Pamusana pezvose izvi, zvingaita here kuti ugutsikane? Muapostora Pauro akataura nezve “zvinhu zvinoita kuti tigutsikane.” Pane dzimwe nguva aiwana asiwo pane dzimwe nguva aishayiwa. Aiyemurwa neshamwari dzake asi vamwe vaimuseka. Pasinei nezvose izvi iye akati akanga “adzidza kugutsikana nezvaaiwana.”—VaFiripi 4:11, 12, New International Version.
Kune vaya vasati vambozviedza, hazvisi nyore kuti munhu agutsikane, asi Pauro akati zvinogona kudzidzirwa. Iye zvino tinokukumbira kuti uone zvinhu zvishanu zvinoita kuti ugutsikane zviri muShoko raMwari, Bhaibheri.