Chechipiri
Usazvienzanisa Nomumwe Munhu
BHAIBHERI RINODZIDZISEI? “Munhu wese ngaaongorore kuita kwake. Kana kuita kwake kwakanaka, ngaazvirumbidze hake asingazvienzanisi nokuita kwevamwe vanhu.”—VaGaratiya 6:4, Bhaibheri Rinoera.
CHINOITA KUTI ZVIOME. Dzimwe nguva tinganzwa tichida kuzvienzanisa nevaya vane zvishoma pane zvatinazvo, asi kazhinji nevaya vane simba kutipfuura, vane pfuma kutipfuura kana kuti vane matarenda atisina. Pasinei nokuti tiri kuzvienzanisa nevakadini, ndisu tinokuvara. Tinobva tazvinyepera tofunga kuti zvine munhu kana zvaanokwanisa kuita ndizvo zvinoratidza kuti anokosha zvakadini. Tinogonawo kuitira vamwe shanje kana kuda kukwikwidzana navo.—Muparidzi 4:4.
ZVAUNGAITA. Edza kuzviona semaonerwo aunoitwa naMwari. Ita kuti maonero aanokuita akubatsire kuzvikoshesa. “Munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovhaa anoona zvakaita mwoyo.” (1 Samueri 16:7) Jehovha anoyera kukosha kwako nokutarira zviri mumwoyo mako, kuongorora zvaunofunga, manzwiro aunoita nezvaunoda kuita. Haakuenzanisi nomumwe munhu. (VaHebheru 4:12, 13) Jehovha anoziva zvausingakwanisi uye anokukurudzira kuti iwe uzvizivewo. Kana ukayera kukosha kwako nokuzvienzanisa nomumwe munhu, unopedzisira wava kuzvikudza kana kuti kungogara usingagutsikani. Saka bvuma kuti hauzombogoni zvose zvose.—Zvirevo 11:2.
Chii chaizvo chaunofanira kuita kuti Mwari akuone semunhu anokosha? Akafuridzira muprofita Mika kunyora kuti: “Haiwa iwe munhu wepanyika, iye akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi. Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire, ude mutsa uye uve nomwero pakufamba naMwari wako?” (Mika 6:8) Kana ukateerera zano iri, Mwari achakutarisira. (1 Petro 5:6, 7) Chii chimwe chaungazodawo pakadai?
[Mashoko Omuzasi]
a Zita raMwari riri muBhaibheri.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Jehovha anoyera kukosha kwedu nokutarira zviri mumwoyo medu