Mudzimu Mutsvene—Nei Vanhu Vachitaura Zvakasiyana-siyana?
CHII chinonzi mudzimu mutsvene? Mubvunzo uyu unoita souri nyore, asi zvingave zvakaoma kuwana mhinduro inonzwisisika zviri nyore. Paaifungisisa nezvebasa romudzimu mutsvene, mumwe bhishopu wechechi yeRoma anonzi Augustine weHippo akanyora kuti, “Hapana imwe nyaya iri pangozi yokukanganiswa zvikuru, inonetsa chaizvo kutsanangura, kana kubudisa tsanangudzo inonyatsonzwisisika pashure pokutsvakurudza seiyi yomudzimu mutsvene.”
Anenge makore zviuru zviviri gare gare, Pope Benedict XVI akaudza rimwe boka raiva rakaungana kuAustralia kuti: “Hazvitombofi zvakaita kuti tinyatsonzwisisa Mudzimu.”
Chokwadi vanhu vakawanda vanotaura zvakasiyana-siyana uye havana chokwadi nezvavanotaura pavanobvunzwa mubvunzo wokuti, Chii chinonzi mudzimu mutsvene? Vamwe vanopindura sezvinotevera:
• Munhu chaiye anorarama ari mukati mevadzidzi vaKristu.
• Kushanda kwomutemo waMwari.
• Chiratidzo chokuti Mwari aripo panyika.
• Iwo munhu wechitatu mudzidziso yoUtatu.
Nei vanhu vachitaura zvakasiyana-siyana kudaro? Zvakatangira muzana remakore rechina C.E., vafundisi pavaitaura kuti mudzimu mutsvene waiva munhu akaenzanawo naMwari. Zvisinei, vateveri vaKristu vekare kana kuti Magwaro zvakanga zvisingadzidzisi pfungwa iyi. New Catholic Encyclopedia inotsanangura kuti: “Testamende Yekare haitomboratidzi kuti mudzimu waMwari munhu . . . Mudzimu waMwari unongova simba raMwari.” Inotizve: “Ndima dzakawanda dziri muTestamende Itsva dzinoratidza mudzimu waMwari sechimwe chinhu, kwete somumwe munhu; izvi zvinonyanya kuoneka panofananidzwa mudzimu nesimba raMwari.”
Ichokwadi kuti zvakaoma kuti vanhu vafunge simba kuti ringava munhu. Saka imwe ongororo ichangobva kuitwa kuUnited States yakaratidza kuti vanhu vakawanda vanoramba pfungwa yokuti mudzimu mutsvene munhu kana kuti “chinhu chinorarama.” Vakarurama here? Kana kuti tinofanira here kutenda zvinodzidziswa nevafundisi vanoomerera pakuti, “Mweya Mutsvene Munhu akatosiyana naBaba neMwanakomana”?
Kuti tiwane mhinduro yakarurama, tinoda kuverenga Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotsanangura zvakadzama mudzimu mutsvene. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira.”—2 Timoti 3:16, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Nei uchifanira kuongorora mashoko anoratidza chokwadi nezvomudzimu mutsvene? Nokuti kuziva chokwadi ichocho kungakupa mukana wokuti ubatsirwe naMwari. Pane dzimwe nguva unombonzwa usina simba rokutsungirira uri woga here? Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa . . . Kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, . . . Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!”—Ruka 11:9, 13.
Munyaya dzinotevera, tichada kuti Magwaro atitsanangurire kuti mudzimu mutsvene chii. Uye tichaona kuti ungatibatsira sei muupenyu hwedu.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Magwaro anotiudza kuti mudzimu mutsvene chii?