Tsamba Inobva kuNicaragua
“Kana Wasvika Parwizi Runonzi Coco, Enda Kurudyi”
“UNOTODA motokari inodhonza nemavhiri ose mana, muchina unosimudza zvinhu zvinorema, uye mamwe magaroni emafuta. Enda uchiziva kuti motokari inogona kunyura mumadhaka. Kana wasvika parwizi runonzi Coco, enda kurudyi.”
Ndinobvuma kuti mashoko aya andakaudzwa nomumwe wangu mumishinari haana kundibatsira kuti ndive nechivimbo. Kunyange zvakadaro, mamwe mangwanani uri musi weChipiri, ndakatanga rwendo rwangu kuti ndinopinda gungano rechiKristu muWamblán, guta duku riri kuchamhembe kweNicaragua.
Ndakatanga rwendo rwangu runyanhiriri, ndichityaira motokari yangu tsaru asi yakanga yakasimba mumugwagwa mukuru wakanaka unonzi Pan-American Highway. PaJinotega, ndakapinda mumugwagwa usina tara wainzi feo nevanhu veko, kureva kuti wakaipa. Ndisati ndabva muguta racho, ndakaona zvitoro zviviri, chimwe chacho chainzi Chishamiso chaMwari uye chimwe chacho chaive chakanzi Rumuko.
Mugwagwa wacho waimonyoroka uye waiva nemikwidza nemateru. Ndakatyaira ndisingamhanyi mumugwagwa iwoyo waiva nemakoronga. Mugwagwa wandakashandisa uyu waipfuura nepadhamu guru raiva pakati pemakomo aiva akafukidzwa nemakore. Nomumhute, ndakaona miti yaiva nemaruva akanaka uye yakavharidzirwa nemimwe miti inowanika kuSpain.
Pane imwe kona inongoerekana yadzoka shure, ndakapotsa ndadhumana nebhazi raifambira pakati pomugwagwa. Raibudisa utsi hwakasviba, uye matai aro aisimudza matombo sezvaraipfuura. MuNicaragua, unoona pamahwindo ebhazi pakanyorwa zita remadunhurirwa romutyairi wacho zvakadai sokuti: Mukundi, Chinyavada, Shato, kana kuti Muvhimi.
Masikati acho ndakanga ndava kutyaira ndichidimbura nomubani rinonzi Plain of Pantasma. Munzvimbo iyi ndakapfuura nepane imwe imba yemapuranga yaiva pachivanze chine jecha. Zvaiita sokuti ndakanga ndichiona pikicha yomubhuku rekare: Paiva neharahwa yakanga yakagara pabhenji, imbwa yakarara pasi pomuti, uye madhonza maviri emombe dzaiva pajoko dzakasungirirwa pachikochikari chaiva nemavhiri emapuranga. Mune rimwe guta duku, ndakaona boka revana vachibva kuchikoro. Vakapfeka mayunifomu avo ebhuruu, vainge vakazara mumugwagwa mukuru semafungu egungwa ari kurovera kumhenderekedzo.
Zuva rakanga rava kupisa sezvandakanga ndava kusvika kuWiwilí uye apa ndipo pandakatanga kuona rwizi runonzi Coco. Guta racho rinoshandisa mvura yomurwizi rukuru urwu sezvo mvura yacho inoyerera ichidzika zasi. Ndichiyeuka zvandakaudzwa, ndakakonera kurudyi ndokutyaira nomugwagwa waityisa zvikuru wakareba makiromita 37 ndakananga kuWamblán.
Pandaityaira motokari mumugwagwa wakaipa waiva nemadhaka, ndakayambuka nzizi sere kana pfumbamwe. Pandaiedza kunzvenga makoronga aiva nemadhaka akaoma, ndaibva ndapfumbura huruva. Paiva neguruva rakawanda zvokuti ndakanzwa sokuti ndairidya. Pakupedzisira, ndakabva ndasvika kwandaienda uye ndakaona guta reWamblán riri mubani rizere nemiti.
Zvaiita sokuti zuva rakatevera racho munhu wose akanga amuka na4:30 mangwanani. Ndamutswa nemachongwe aingokukuridza, ndakamuka ndokufamba zvangu nomugwagwa mukuru. Mhepo yaifefetedza ichibva mumakomo yainhuwirira chingwa chinonzi tortilla chaibhekwa mumahovheni ematombo.
Mifananidzo yakanaka yeparadhiso yaiva yakadhirowewa nenyanzvi yomunzvimbo iyi yaionekwa apo neapo pamadziro. Zvikwangwani zvaiva papulperías kana kuti pazvitoro zvepakona, zvaiva nemashoko okushambadzira zvinwiwa zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvikwangwani zvaiyeuchidza vanhu zvavainge vavimbiswa nehurumende nhatu dzaimbotonga. Zvimbuzi zvemarata aipenya zvaiva zvakavakirwa pakongiri.
Pandaitanga kukwazisa vanhu vokuNicaragua, ndaishandisa shoko rokuti Adiós. Vanhu vacho vaingonyemwerera votaura neni noushamwari. Taitaura tichishevedzera nokuti paiva noruzha rwemabhiza uye manyurusi.
Ava manheru eChishanu, mhuri dzaiva dzafambira gungano remazuva maviri dzakanga dzasvika. Vaiuya netsoka, nemabhiza kana kuti nemotokari. Vamwe vakomana nevasikana vaduku vakanga vafamba kwemaawa matanhatu vakapfeka masanduro epurasitiki. Kunyange zvazvo pavaiyambuka rwizi paiva nezvimbambaira vakangouya zvakadaro uye havana kutya mvuwerere dzaiva mumvura. Vaibva kure vakauya nezvokudya zvishoma, mupunga waiva wakabikwa nemafuta enguruve. Vakanga vauya kuzoitei?
Vakanga vauya kuzosimbisa tariro yavo yeremangwana rakanaka, kuzonzwa Bhaibheri richitsanangurwa uye kuzofadza Mwari.
Mugovera wakabva wasvika. Vanhu vanopfuura 300 vakanga vakagara pamabhenji uye pamacheya epurasitiki vari mushedhi yemarata. Vanaamai vaipa vana vavo zvokudya. Papurazi raiva pedyo paiva nenguruve dzaihwihwidza uye machongwe aikukuridza.
Tembiricha yakabva yakwira, uye nenguva isipi kupisa kwacho kwakanga kwava kugocha. Kunyange zvakadaro, vateereri vakanga vakanyatsoteya nzeve sezvavaiteerera zano nemirayiridzo yaipiwa. Vaifambirana nevakurukuri sezvavaiverenga ndima dzeBhaibheri, vaiimba nziyo dzakatorwa mashoko kubva muBhaibheri, uye vaiteerera nokuremekedza pavainyengetererwa.
Purogiramu yapera, ndaiendawo kwaiva nevamwe ndotamba chisveru nevana. Tadaro taidzokorora zvainge zvanyorwa nevaduku vacho. Ndaivaratidza mifananidzo yenyeredzi nemapoka adzo pakombiyuta yangu. Vana vacho vaingonyemwerera, uye vabereki vavo vaifadzwa nazvo.
Nenguva isipi, gungano racho rakabva rapera, uye vanhu vose vakaenda kumisha yavo. Ndakabva ipapo mangwanani akatevera, pfungwa dzangu dzizere nendangariro dzakanaka uye mwoyo wangu uchida shamwari dzangu itsva. Ndakatsunga kuvatevedzera uye kudzidza kugutsikana nokumirira Mwari.
[Mifananidzo iri papeji 17]
Mhuri dzakafamba madaro akareba kuti dzipinde gungano muWamblán