RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 4/1 pp. 25-28
  • Kuita Kuti Jehovha Ave Mwari Wako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Kuti Jehovha Ave Mwari Wako
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Abrahamu “Akatenda Jehovha”
  • Kutenda Kwakafanana nokwaAbrahamu Mazuva Ano
  • Munhu Anodiwa Nomwoyo waJehovha
  • Patinokanganisa
  • “Munhu Ane Kunzwa Kwakafanana Nokwedu”
  • Kushushikana Kwatinoita Mupfungwa
  • Kuita Kuti Jehovha Ave Mwari Wedu
  • Akabvuma Kunyaradzwa naMwari Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Akanyaradzwa naMwari Wake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Uchava Akatendeka saEria Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Wakambonzwa Kuti Uri Wega Uye Uchitya Here?
    Dzidzisai Vana Venyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 4/1 pp. 25-28

Kuita Kuti Jehovha Ave Mwari Wako

MUNGUVA inotaurwa muBhaibheri, vamwe vanhu vaiva noukama hwapedyo zvikuru naJehovha zvokuti aitaurwa nezvake saMwari wavo. Somuenzaniso, muMagwaro, Jehovha anorondedzerwa ‘saMwari waAbrahamu,’ “Mwari waDhavhidhi,” uye ‘Mwari waEriya.’—Genesi 31:42; 2 Madzimambo 2:14; 20:5.

Zvakafamba sei kuti mumwe nomumwe wevarume ava ave noukama hwapedyo naMwari? Tingadzidzei kwavari kuitira kuti isuwo tivake uye tirambe tiine ukama hwakasimba noMusiki somunhu oga?

Abrahamu “Akatenda Jehovha”

Abrahamu ndiye munhu wokutanga uyo Bhaibheri rinotaura nezvake kuti akatenda Jehovha. Kutenda ndihwo hwaiva unhu hwaAbrahamu hukuru hwakaita kuti afarirwe naMwari. Kutaura zvazviri, Abrahamu aifarirwa naJehovha zvokuti Musiki akazozvisuma kuna Mosesi ‘saMwari waAbrahamu’ uye womwanakomana wake Isaka uye muzukuru wake Jakobho.—Genesi 15:6; Eksodho 3:6.

Abrahamu akasvika sei pakuva nokutenda kworudzi urwu muna Mwari? Kutanga, Abrahamu akavakira kutenda kwake pahwaro hwakasimba. Angave akarayiridzwa nezvenzira dzaJehovha naShemi mwanakomana waNoa, uyo akaona mabasa aMwari okuponesa. Shemi akazvionera kuti Jehovha “akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akachengeteka nevamwe vanomwe paakaunza boporodzi panyika yevanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 2:5) Abrahamu angadaro akaudzwa naShemi kuti kana Jehovha angovimbisa chimwe chinhu, chinotoitika chete. Pasinei neizvozvo, paakawana vimbiso kubva kuna Mwari, Abrahamu akafara uye mararamiro aaiita akanga akavakirwa pakuti aiva nechokwadi chokuti vimbiso yacho yaizoitika.

Sezvo akanga atova nohwaro hwakasimba, kutenda kwaAbrahamu kwakabva kwasimbiswa nemabasa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Nokutenda Abrahamu, paakadanwa, akateerera akaenda kunzvimbo yaaizofanira kugamuchira senhaka; akabuda, kunyange akanga asingazivi kwaakanga achienda.” (VaHebheru 11:8) Chiito ichocho chokuteerera chakawedzera kutenda kwaAbrahamu, uko kwakazonyorwa nezvako nomudzidzi Jakobho, achiti: “Unoona kuti kutenda kwavo kwakashanda pamwe nemabasa avo uye nemabasa avo kutenda kwavo kwakakwaniswa.”—Jakobho 2:22.

Uyezve, Jehovha akarega kutenda kwaAbrahamu kuchiedzwa, achitokusimbisa. Pauro akaenderera mberi achiti: “Nokutenda Abrahamu, paakaedzwa, akaita sokunge akanga atopa Isaka.” Kuedzwa kunonatsa uye kunosimbisa kutenda, kuchiita kuti kuve “kunokosha zvikuru kupfuura ndarama.”—VaHebheru 11:17; 1 Petro 1:7.

Kunyange zvazvo Abrahamu asina kuzoona kuzadzika kwezvose zvakanga zvavimbiswa naMwari, akafara kuona vamwe vachitevera muenzaniso wake. Mudzimai wake Sara nevamwe vatatu vomumhuri make—Isaka, Jakobho, uye Josefa—vanotaurwawo muBhaibheri nokuda kwokutenda kwavo kunoshamisa.—VaHebheru 11:11, 20-22.

Kutenda Kwakafanana nokwaAbrahamu Mazuva Ano

Munhu wose anoda kuti Jehovha ave Mwari wake anofanira kuva nokutenda. “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza [Mwari],” akanyora kudaro Pauro. (VaHebheru 11:6) Mushumiri waMwari mazuva ano angava sei nokutenda kwakasimba sokwaAbrahamu?

Kufanana naAbrahamu, kutenda kwedu kunofanira kuvakirwa pahwaro hwakasimba. Izvozvo tinganyatsozviita nokugara tichidzidza Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri. Kuverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvatinoverenga kunogona kutivimbisa kuti zvakapikirwa naMwari zvichaitika. Izvi zvinobva zvaita kuti tichinje mararamiro edu tichivakira patarisiro iyoyo yechokwadi. Kutenda kwedu kunosimbiswazve nemabasa okuteerera, anosanganisira kuitawo ushumiri pachena uye kupinda misangano yechiKristu.—Mateu 24:14; 28:19, 20; VaHebheru 10:24, 25.

Kutenda kwedu kuchatoedzwa chete, zvichida nokushorwa, kurwara zvakakomba, kufirwa nomudiwa, kana kuti nezvimwewo zvinhu. Kuramba takatendeseka kuna Jehovha patinenge tichiedzwa kunosimbisa kutenda kwedu, zvichiita kuti kuve kunokosha kupfuura ndarama. Tingava tiri vapenyu kana kuti tisisiri vapenyu pachazadzika zvose zvakapikirwa naMwari, kutenda kwedu kuchatiswededza pedyo naJehovha. Uyezve, muenzaniso wedu uchakurudzira vamwe kuti vatevedzere kutenda kwedu. (VaHebheru 13:7) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Ralph, uyo akaona uye akatevedzera kutenda kwevabereki vake. Anotsanangura kuti:

“Pandaigara kumba, vabereki vangu vaikurudzira mhuri yose kuti ikurumidze kumuka kuitira kuti tiverenge Bhaibheri pamwe chete. Takaverenga Bhaibheri rose tichidaro.” Ralph achiri kuverenga Bhaibheri mangwanani oga oga, uye izvi zvinoita kuti atange zuva rake zvakanaka. Ralph aiwanzoenda nababa vake muushumiri hwepachena vhiki yoga yoga. “Ndipo pandakadzidza kudzokerazve uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.” Iye zvino Ralph ari kushanda somunhu akazvipira pane rimwe remapazi eZvapupu zvaJehovha kuEurope. Zvechokwadi iwoyo mubayiro wakanaka nokuda kwokutenda kwevabereki vake!

Munhu Anodiwa Nomwoyo waJehovha

Dhavhidhi, uyo akazoberekwa makore 900 pashure paAbrahamu, munhu anoshamisa pavashumiri vaJehovha vanotaurwa muMagwaro. Achitaura nezvokusarudza kwaJehovha Dhavhidhi kuti azova mambo wemangwana, muprofita Samueri akati: “Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza mwoyo wake.” Ushamwari hwaJehovha naDhavhidhi hwakanga hwakasimba kwazvo zvokuti muprofita Isaya akazotaura naMambo Hezekiya nezva“Jehovha Mwari wababa vako Dhavhidhi.”—1 Samueri 13:14; 2 Madzimambo 20:5; Isaya 38:5.

Kunyange zvazvo Dhavhidhi aidiwa nomwoyo waJehovha, pane nguva yaakarega zvishuwo zvake zvichimukurira. Akaita zvikanganiso zvakakomba katatu: Akabvumira kuti areka yesungano itakurwe zvisiri izvo ichienda kuJerusarema; akaita upombwe naBhati-shebha ndokuronga kuti murume wake Uriya aurayiwe; uye akaverenga vanhu vaIsraeri naJudha izvo zvakanga zvisina kurayirwa naJehovha. Pazvose izvi, Dhavhidhi akadarika Mutemo waMwari.—2 Samueri 6:2-10; 11:2-27; 24:1-9.

Zvisinei, Dhavhidhi paakaudzwa nezvezvivi zvake, akabvuma mhosva dzake uye haana kupomera vamwe. Akabvuma kuti kutakurwa kweAreka kwakanga kusina kurongwa zvakanaka, achiwedzera kuti “hatina kumutsvaka [Jehovha] sezvatakarayirwa.” Muprofita Natani paakafumura upombwe hwaDhavhidhi, Dhavhidhi akapindura achiti: “Ndatadzira Jehovha.” Uye Dhavhidhi paakangoziva nezvoupenzi hwokuverenga vanhu, akabvuma kuti: “Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi.” Dhavhidhi akapfidza zvivi zvake uye akaramba ari pedyo naJehovha.—1 Makoronike 15:13; 2 Samueri 12:13; 24:10.

Patinokanganisa

Patinenge tichiedza kuita kuti Jehovha ave Mwari wedu, muenzaniso waDhavhidhi unokurudzira. Kana munhu aidiwa kwazvo nomwoyo waJehovha akakwanisa kuita zvivi zvakakomba zvakadaro, isu hatifaniri kuora mwoyo kana dzimwe nguva tikakanganisa kana kuti kunyange kutoita zvikanganiso zvakakomba, pasinei nokuedza kwatinenge tichiita. (Muparidzi 7:20) Tinogona kukurudzirwa nokuti Dhavhidhi paakapfidza, akakanganwirwa zvivi zvake. Ndizvo zvakaitika kuna Uwea makore akawanda akapfuura.

Uwe aiva mukuru mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Pane imwe nguva, akakundwa nezvishuwo zvakaipa uye akaita unzenza. Pakutanga Uwe akaedza kuvanza nyaya yacho, sezvakaitwa naMambo Dhavhidhi, achitarisira kuti Jehovha aizongoita seasina kuona kukanganisa kwake. Pakupedzisira, hana yaUwe yakamunetsa kwazvo zvokuti akareurura kune mumwe mukuru uye Uwe akabatsirwa kuti anaye panjodzi yezvokunamata yakanga yamuwira.

Uwe akapfidza zvivi zvake uye akaramba ari pedyo naJehovha neungano. Akaonga kwazvo rubatsiro rwaakapiwa zvokuti kwapera vhiki dzakati akanyorera vakuru tsamba achitaura kuti aionga rubatsiro rwacho nomwoyo wose uye zvakadzama. “Makandibatsira kubvisa ruzvidzo pazita raJehovha,” akanyora kudaro. Uwe akakwanisa kuvazve noukama naJehovha uye nokufamba kwenguva akagadzwazve kuva mushumiri muungano iyoyo.

“Munhu Ane Kunzwa Kwakafanana Nokwedu”

Eriya, uyo akararama makore zana pashure paDhavhidhi, aiva mumwe wevaprofita vaIsraeri vokutanga. Eriya aiva mutsigiri mukuru wokunamata kwechokwadi panguva iyo uori uye unzenza zvakanga zvakapararira, uye haana kumbozununguka pakuzvipira kwake kuna Jehovha. Hazvishamisi kuti mutsivi wake, Erisha, akambodana Jehovha kuti ‘Mwari waEriya’!—2 Madzimambo 2:14.

Kunyange zvakadaro, Eriya akanga ari munhu akangofanana nevamwe vanhu vose. Jakobho akanyora kuti: “Eriya akanga ari munhu ane kunzwa kwakafanana nokwedu.” (Jakobho 5:17) Somuenzaniso, pashure pokunge akunda vanamati vaBhaari zvakakomba muna Israeri, Mambokadzi Jezebheri akamutyisidzira achiti aizomuuraya. Akaita sei? Akatya ndokutizira kurenje. Ari ikoko, agere pasi pomurara, Eriya akachema achiti: “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.” Eriya akanga asingachadi kuva muprofita asi akanga ava kuda kufa hake.—1 Madzimambo 19:4.

Zvisinei, Jehovha akaratidza kuti ainzwisisa manzwiro aEriya. Mwari akamusimbisa, achivimbisa Eriya kuti akanga asiri oga, sezvo kwaiva nevamwe vakanga vakavimbika pakunamata kwechokwadi. Uyezve, Jehovha akanga achiri kuvimba naEriya uye aiva nebasa raaida kuti aite.—1 Madzimambo 19:5-18.

Kushungurudzika kwaEriya kwakanga kusiri chiratidzo chokuti akanga asingachafarirwi naMwari. Kwapera makore anenge 1 000, Kristu Jesu paakachinja chitarisiko pamberi paPetro, Jakobho naJohani, Jehovha akasarudza ani kuti aoneke ari pamwe naJesu? Mosesi naEriya. (Mateu 17:1-9) Zviri pachena kuti Jehovha aiona Eriya somuprofita ane muenzaniso wakanaka. Kunyange zvazvo Eriya aiva “munhu ane kunzwa kwakafanana nokwedu,” Mwari aikoshesa basa rake rakaoma rokudzorera kunamata kwakachena uye kutsvenesa zita Rake.

Kushushikana Kwatinoita Mupfungwa

Mazuva ano vashumiri vaJehovha dzimwe nguva vanonzwa vaora mwoyo kana kuti vachifunganya. Zvinonyaradza sei kuziva kuti Eriya akanzwawo saizvozvo! Uye zvinosimbisa zvikuru kuti sezvo Jehovha akanzwisisa manzwiro aEriya, Anonzwisisawo kushushikana kwatinoita.—Pisarema 103:14.

Asiwo, tinoda Mwari nevanhu uye tinoshuva kuita basa raJehovha rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo. Ukuwo, tingaodzwa mwoyo nokusateerera kungaitwa nevanhu patinoparidza kana kuti kunyange kunetseka nokutyisidzira kwevavengi vokunamata kwechokwadi. Zvisinei, sezvo Jehovha akashongedzera Eriya kuti aenderere mberi, Anoshongedzerawo vashumiri vake mazuva ano. Somuenzaniso, funga nezvaHerbert naGertrud.

Herbert naGertrud vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha muLeipzig, mune yaimbova German Democratic Republic, muna 1952. Panguva iyoyo upenyu hwaiva hwakaomera vashumiri vaMwari, sezvo ushumiri hwavo hwepachena hwainge hwakarambidzwa. Herbert akanzwa sei nezvokuparidza paimba neimba?

“Dzimwe nguva tainetseka zvikuru. Pataienda paimba neimba, takanga tisingazivi kana mapurisa aizongoerekana asvika otisunga.” Chii chakabatsira Herbert nevamwe kuti vakurire kutya kwavaiita? “Taidzidza Bhaibheri somunhu oga zvikuru. Uye Jehovha akatipa simba rokuramba tichiita basa redu rokuparidza.” Muushumiri hwake hwepachena, Herbert akava nezvakaitika zvizhinji zvakamusimbisa—kunyange kutomusetsa.

Herbert akasangana nomumwe mukadzi wezera repakati nepakati uyo akaratidza kufarira Bhaibheri. Paakadzokerazve kunomushanyira pashure pemazuva akati, paiva nerimwe jaya uye rakateerera zvavaikurukura. Pashure pemaminitsi anoverengeka Herbert akaona chinhu chakaita kuti adedere. Mukona yeimba yacho maiva nechigaro chakanga chiine ngowani yomupurisa. Yakanga iri yejaya racho, iro raiva mupurisa akanga achida kusunga Herbert.

“Uri mumwe weZvapupu zvaJehovha!” rakadaro jaya racho. “Tione chitupa chako.” Herbert akamugamuchidza chitupa chake. Zvadaro chimwe chinhu chaakanga asingatarisiri chakaitika. Mukadzi wacho akatarira mupurisa wacho ndokumunyevera achiti: “Kana munhu waMwari uyu akawana chinomuwana, usadzokazve mumba muno.”

Jaya racho rakamira kwekanguva, rikadzorera Herbert chitupa chake, ndokumurega achienda. Pave paya Herbert akazoziva kuti mupurisa wacho akanga achidanana nomwanasikana womukadzi wacho. Zviri pachena kuti akafunga kuti zvaiva nani kuramba achidanana nomusikana wake pane kuti asunge Herbert.

Kuita Kuti Jehovha Ave Mwari Wedu

Tingadzidzei pane zvakaitika izvi? Kufanana naAbrahamu, tinofanira kuva nokutenda kwakasimba muzvipikirwa zvaJehovha. Kufanana naDhavhidhi, pose patinokanganisa tinofanira kuenda kuna Jehovha topfidza zvechokwadi. Uye kufanana naEriya, tinofanira kuvimba naJehovha kuti atipe simba panguva dzatinenge tichinetseka. Kana tikadaro, tinogona kuita kuti Jehovha ave Mwari wedu iye zvino uye nokusingagumi, zvaari “Mwari mupenyu, uyo ari Muponesi wevanhu vose, zvikurukuru wevakatendeka.”—1 Timoti 4:10.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 25]

Kuteerera kwakasimbisa kutenda kwaAbrahamu

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kufanana naDhavhidhi, tinofanira kupfidza kana tatadza

[Mufananidzo uri papeji 28]

Sezvo Jehovha akanzwisisa manzwiro aEriya, anonzwisisawo edu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe