Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
MuKristu anofanira kupa mushandi wehurumende mari yokutenda kana kuti chipo nokuda kwebasa rake here, kana kuti izvozvo zvinganzi chiokomuhomwe?
Kwose kwavanogara, vaKristu vanoedza kushandisa uchenjeri chaihwo pavanenge vachibata nezvinhu zvinoitika munharaunda yavo, vachiyeuka kuti zvinogamuchirwa uye zviri pamutemo mune imwe nyika zvingava zvisingagamuchirwi zvachose uye zvisiri pamutemo mumwe imwe. (Zvirevo 2:6-9) Chokwadi, muKristu anofanira kugara achiyeuka kuti munhu wose anoda ku“tsaukira mutende [raJehovha]” anofanira kurega chiokomuhomwe.—Pisarema 15:1, 5; Zvirevo 17:23.
Chiokomuhomwe chii? Maererano neThe World Book Encyclopedia, “chiokomuhomwe zvinoreva kupa chinhu chinokosha ku. . . munhu ane chinzvimbo chomukuru mukuru, iye orega kuita basa rake kana kuti kuteerera mutemo kuti abatsire munhu amupa.” Saka, pasinei nokuti munhu anogara kupi, chinenge chiri chiokomuhomwe kana ukapa mutongi kana mupurisa mari kana kuti chipo kuitira kuti arege kururamisira kana kuti kupa mukuru mukuru anotarisira kuti aite seasina kuona mhosva kana kuti chikanganiso. Chinenge chiri chiokomuhomwe kana ukashandisa chipo kuti ubatwe zvaunoda, zvakadai sokuti zita rako riiswe pakutanga pandandanda yevanhu vakamirira chimwe chinhu kana kuti kupfuura vamwe vanenge vari mumutsetse. Kuita izvozvo kwaizoratidzawo kuti hauna rudo.—Mateu 7:12; 22:39.
Asi kupa munhu anoshandira voruzhinji chipo kana kuti mari yokutenda kuti uitirwe basa chairo kana kuti usabatwa zvisina kunaka chiokomuhomwe here? Somuenzaniso, mune dzimwe nyika vakuru vakuru vangava vasingadi kunyoresa vana pachikoro, kupa munhu mubhedha muchipatara, kana kuti kudhinda magwaro okubuda nokupinda munyika kusvikira vapiwa mari yokutenda. Kana kuti vanganonoka kugadzirisa zvikumbiro zvokunyoresazve marezenisi nemapemiti.
Kupa mari yokutenda uye maonerwo akunoitwa nevakawanda kunosiyana-siyana zvichienderana nenzvimbo. Kwazvakajairika kana kuti kwazvinotarisirwa kuti upe mari yakadaro, vamwe vaKristu vangaona sokuti kana zvisingarambidzwi nomutemo, havasi kutyora zvinotaurwa neBhaibheri kana vakapa mukuru mukuru mari yokutenda kuti aite basa rake. Mune dzimwe nyika vanhu vangatoona mari yakadaro sechipo chokuwedzera mari shoma ingava ichitambirwa nomunhu anoshandira voruzhinji. Chatinofanira kuyeuka ndechokuti pane musiyano pakupa chipo kuti uitirwe basa riri pamutemo nokupa chiokomuhomwe kuti uitirwe zvisiri pamutemo.
Asiwo, pazvinenge zvichikumbira kuitirwa zviri pamutemo, zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvakaramba kupa vakuru vanotarisira, vakuru vakuru vezvokubudisa nokupinza zvinhu munyika, kana kuti vamwewo mari yokutenda kunyange kupa zvipo kwakadaro kwakajairika. Nokuti Zvapupu zvinozivikanwa munharaunda yazvo nokuda kwokutora danho iri uye nokuda kwokutendeseka kwazvo, dzimwe nguva zvinoitirwa zvinhu izvo vanhu vakawanda vanoitirwa kana vatobhadhara.—Zvirevo 10:9; Mateu 5:16.
Muchidimbu, mushumiri waJehovha mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira kuti achapa here mari yokutenda kuti aitirwe basa kana kuti arege kubatwa zvisina kufanira. Chinokosha ndechokuti anofanira kuita zvichaita kuti asare aine hana yakanaka, isingazozvidzisi zita raJehovha, uye isingagumburi vamwe.—Mateu 6:9; 1 VaKorinde 10:31-33; 2 VaKorinde 6:3; 1 Timoti 1:5.