Nyaya Youpenyu
Nherera Yakasiyiwa Inowana Baba Vane Rudo
YAKATAURWA NADIMITRIS SIDIROPOULOS
“Iwe, nhonga chombo icho upfure,” mukuru mukuru wacho akazhambatata achidaro, achikanda pfuti pamberi pangu. Ndakaramba zvinyoronyoro. Varwi vakanga vakatarira vakatya pavakaona mabara aibva mupfuti yomukuru mukuru wacho achimviririka nepamusoro pebendekete rangu. Zvaiita sokuti ndakanga ndava kutofa. Ndinofara kuti ndakapona. Asi aka kakanga kasiri kokutanga kuti upenyu hwangu huve mungozi.
MHURI yedu yaibva mudzinza raiva nevanhu vashoma raigara pedyo neKayseri, muCappadocia, kuTurkey. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vaibva munharaunda iyi vakagamuchira chiKristu muzana remakore rokutanga C.E. (Mabasa 2:9) Zvisinei, pakazotanga zana remakore rechi20, zvinhu zvakanga zvachinja zvinoshamisa.
Ndakava Mupoteri, Ndokuzova Nherera
Mwedzi mishomanana pashure pokunge ndaberekwa muna 1922, kurwisana kwemadzinza kwakaita kuti mhuri yedu itizire kuGreece sevapoteri. Vabereki vangu vaitya vakatiza vasina chinhu kunze kwomucheche wavo aiva nemwedzi mishomanana, inini. Pashure pokutambura zvakakomba, vakasvika vava kunzwisa tsitsi mumusha weKiria, pedyo neguta reDrama, kuchamhembe kweGreece.
Pandakanga ndava nemakore mana uye munun’una wangu aberekwa, baba vangu vakafa. Vaingova nemakore 27, asi nhamo yavakaona panguva yaitambudza iyoyo yakanga yavapedza simba. Amai vakatambudzika zvikuru, uye nenguva isipi vakafawo. Ini nomunun’una wangu takasara tisisina kana chokubata. Takaendeswa kumisha yakasiyana-siyana inochengeterwa nherera, uye pandakanga ndava nemakore 12, ndakaguma ndava mune mumwe musha waiva muThessalonica, kwandakatanga kudzidziswa kuva makanika.
Pandaikura ndiri mumisha yenherera isina ushamwari uye ine nhamo, ndainetseka kuti nei vamwe vanhu vachitambura uye vasingaruramisirwi zvakadaro. Ndakazvibvunza kuti nei Mwari achibvumira zvinhu zvinosuruvarisa zvakadaro kuti zvivepo. Muzvidzidzo zvedu zvechitendero, taidzidziswa kuti Mwari ane masimba ose, asi hapana tsanangudzo inogutsa yaipiwa nezvokuvapo uye kupararira kwezvakaipa. Mashoko akanga akajairika aiva okuti Greek Orthodox Church ndicho chitendero chakanakisisa. Pandakabvunza kuti, “Kana Orthodox chiri chitendero chakanakisisa, nei vanhu vose vasiri vaOrthodox?” Handina kupiwa mhinduro inogutsa.
Kunyange zvakadaro, mudzidzisi wedu airemekedza Bhaibheri zvikuru, uye aitisimbisira kuti ibhuku dzvene. Mukuru mukuru womusha wacho wenherera airatidza maonero akafanana, asi akanga asingambopindiwo minamato yechitendero, zvataisanzwisisa. Pandakabvunza nezveizvi, ndakaudzwa kuti akanga ambodzidza neZvapupu zvaJehovha, chitendero chandakanga ndisingazivi.
Pandakapedza kudzidza pamusha wenherera womuThessalonica, ndakanga ndava nemakore 17. Hondo Yenyika II yakanga yatanga, uye Greece yaidzorwa nevaNazi. Vanhu vakanga vachifira mumigwagwa nenzara. Kuti ndirarame, ndakatizira kumaruwa kuti ndinoshanda muminda ndichipiwa mari shoma shoma.
Bhaibheri Rinopa Mhinduro
Pandakadzokera kuThessalonica muna April 1945, ndakashanyirwa nehanzvadzi yeimwe shamwari yangu yandakakura nayo yandakanga ndambogara nayo mumisha yenherera yakawanda. Paschalia akandiudza kuti hanzvadzi yake yakanga yangoenda kusingazivikanwi uye akandibvunza kana ndaiziva kwaingava iri. Pataikurukura, akati akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha uye akataura kuti Mwari anoda vanhu.
Neshungu, ndakaramba zvakawanda zvaaitaura. Nei ndakanga ndichitambura kubvira ndichiri muduku? Nei ndakanga ndasiyiwa ndiri nherera? Mwari anenge ari kupi patinenge tichinyanya kumuda? Akapindura kuti, “Une chokwadi here chokuti Mwari ndiye anoita kuti zvinhu zvakadai zviitike?” Achishandisa Bhaibheri rake, akandiratidza kuti Mwari haatambudzi vanhu. Ndakabatsirwa kuona kuti Musiki anoda vanhu uye kuti ava kuzobva ovandudza zvinhu. Achishandisa magwaro akadai saIsaya 35:5-7, naZvakazarurwa 21:3, 4, akandiratidza kuti munguva pfupi iri kuuya hondo, kurwisana, kurwara, uye rufu zvichabviswa, uye vanhu vakatendeka vachararama nokusingaperi pasi pano.
Kuwana Mhuri Inonditsigira
Ndakazoziva kuti hanzvadzi yaPaschalia yakanga yaurayiwa pairwisana mauto emagandanga. Ndakashanyira mhuri yacho kuti ndinoinyaradza, asi ivo ndivo vakatondinyaradza neMagwaro. Ndakadzokera kuti ndinonzwazve dzimwe pfungwa dzinonyaradza dzinobva muBhaibheri, uye nenguva isipi ndakava mumwe weboka duku reZvapupu zvaJehovha zvaiungana pachivande kuti zvidzidze uye zvinamate. Pasinei nokurambidzwa kwaiitwa Zvapupu, ndakanga ndakatsunga kuramba ndichiwadzana nazvo.
Muboka iroro revaKristu vaizvininipisa, ndakawana mhuri ine ushamwari norudo yandaisuwa. Vainditsigira uye kundibatsira mune zvokunamata izvo zvandaida zvikuru. Mavari, ndakawana shamwari dzisina udyire uye dzine hanya, idzo dzakanga dzakagadzirira uye dzaida kundibatsira nokundinyaradza. (2 VaKorinde 7:5-7) Zvinokosha zvikuru, ndakabatsirwa kuswedera pedyo naJehovha, wandakanga ndava kuona saBaba vangu vokudenga vane rudo. Rudo rwake, tsitsi, uye kuva nehanya zvikuru zvaifadza chaizvo. (Pisarema 23:1-6) Pakupedzisira, ndakanga ndawana mhuri yakakura mune zvokunamata uye Baba vane rudo! Ndakabayiwa mwoyo. Nenguva isipi ndakanzwa ndichida kuzvitsaurira kuna Jehovha, uye ndakabhabhatidzwa muna September 1945.
Kupinda misangano yechiKristu hakuna kungowedzera zivo yangu asiwo kwakadzamisa kutenda kwangu. Sezvo kwakanga kusina chokufambisa, vakati wandei taiwanzofamba makiromita matanhatu nehafu kubva kumusha wedu kuenda kumisangano, tichikurukura zvine chokuita nokunamata zvisingakanganwiki. Gore ra1945 rava kuda kunopera, pandakaziva nezvomukana wokuitawo basa rokuparidza nguva yakazara, ndakatanga kupayona. Ukama hwakasimba naJehovha hwaikosha, sezvo nenguva isipi kutenda kwangu nokuvimbika kwaizoedzwa kusvika pokupedzisira.
Kushora Kunovapandukira
Mapurisa aiwanzokomba nzvimbo yataiitira misangano aine pfuti. Nyika yacho yaitongwa nemauto, sezvo kurwisana kwevanhu vomuGreece kwakanga kuri kutsviriridza. Mapoka airwisana akatanga kurwisana pachawo achivengana zvine utsinye. Vachishandisa mamiriro akanga aita zvinhu, vafundisi vakaita kuti zviremera zvibvume kuti isu takanga tiri vaKomonisiti uye kuti zvititambudze zvinotyisa.
Mumakore maviri, takasungwa kakawanda, uye katanhatu taitongerwa mwedzi isingapfuuri mina. Zvisinei, majeri akanga akatozara nevasungwa vezvematongerwo enyika, saka takasunungurwa. Takashandisa rusununguko rwedu rwatakanga tisingatarisiri kuramba tichiparidza, asi pashure pekanguva takasungwazve—katatu muvhiki imwe chete. Taiziva kuti hama dzedu dzakawanda dzakanga dzaendeswa kuzvitsuwa zvakanga zvisina chinhu. Kutenda kwangu kwaizova kwakasimba zvakakwana kuti nditarisane nomuedzo wakadaro here?
Zvinhu zvakanyanya kuoma pandakanzi ndaifanira kuenda kumapurisa zuva roga roga kusvikira mutongo wacho wapera. Kuti zvirambe zvichinditarisa, zviremera zvakandiendesa kuEvosmos, pedyo nokuThessalonica, kwaiva nekamba yemapurisa. Ndakarenda imba yaiva pedyo, uye kuti ndiwane chouviri, ndakatanga kushanda senyanzvi inogadzira zvinhu inoshanda munzvimbo dzakasiyana-siyana, ndichikwesha midziyo yokubikira yemhangura kuti itsvedzerere. Pandaipayona mumisha yakapoteredza, basa iri rakaita kuti ndikwanise kusvika mumisha mapurisa asina chaaimbondifungira. Zvakaguma zvaitika ndezvokuti vanhu vanoverengeka vakanzwa mashoko akanaka uye vakateerera zvakanaka. Vanopfuura gumi vavo vakazopedzisira vava vanamati vaJehovha vakazvitsaurira.
Makore Gumi, Majeri Masere
Ndakaramba ndichiongororwa nemapurisa kusvikira pakupera kwa1949, ndikabva ndazodzokera kuThessalonica, ndichida kuti ndirambe ndichiita ushumiri hwenguva yakazara. Pandakanga ndava kufunga kuti matambudziko angu apera, muna 1950, ndisingazvitarisiri, ndakanzi ndipinde muchiuto. Nokuti ndaida kuramba ndisina kwandakarerekera somuKristu, ndakanga ndakatsunga kusa‘dzidza kurwa.’ (Isaya 2:4) Saka ndiwo matangiro akaita rwendo rwangu runoshungurudza rwaizondiendesa kune mamwe majeri omuGreece ane mukurumbira wakaipa zvikuru.
Zvakatangira muguta reDrama. Muvhiki dzokutanga dzokusungwa kwangu ndiri ikoko, masoja akanga achangotanga chiuto akatanga kuedza unyanzvi hwavo hwokupfura. Rimwe zuva ndakaendeswa kwaidzidzirwa kupfura. Mumwe wevakuru vakuru akandikandira pfuti ndokurayira kuti ndipfure. Pandakaramba, akatanga kundipfura. Vamwe vakuru vakuru pavakaona kuti ndanga ndisiri kuzobvuma, vakatanga kundirova nezvibhakera. Vakatungidza midzanga ndokuidzima vachiita zvokundipisa muzvanza zvangu. Pashure paizvozvo vakandiisa kwangu ndoga. Izvi zvakaenderera mberi kwemazuva matatu. Ndakarwadziwa zvikuru nokutsva kwandakanga ndaita nemidzanga, uye kwemakore akawanda ndaiva nemavanga muzvanza zvangu.
Ndisati ndatongwa nedare remauto, ndakachinjirwa kumusasa wemauto kuIráklion, muCrete. Ikoko, vakandirova zvakasimba, vachiedza kuputsa kutendeseka kwangu. Ndava kutyira kuti ndingabvuma zvavaida, ndakanyengetera nomwoyo wose, ndichikumbira Baba vangu vokudenga kuti vandisimbise. Ndakayeuka mashoko aJeremia 1:19, anoti: “Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.” “Rugare rwaMwari” runonyaradza rwakaita kuti ndidzikame uye ndive norunyararo. Ndakanzwisisa uchenjeri hwokuvimba naJehovha zvizere.—VaFiripi 4:6, 7; Zvirevo 3:5.
Pandakazotongwazve, ndakatongerwa kugara mujeri kwoupenyu hwose. Zvapupu zvaJehovha zvaionekwa se“vavengi veHurumende” vakaipisisa. Mutongo woupenyu hwose wakatangira kujeri rematsotsi reItsedin, kunze kweCanea, kwandakagariswa mangu ndoga. Itsedin yaimbova nhare, uye chitokisi changu chaiva chakazara makonzo. Ndaiwanzozviputira kubva kumusoro kusvika kutsoka negumbeze rakabvaruka, rakasakara, kuitira kuti makonzo asandiruma paaifamba-famba mumuviri wangu. Ndakarwara kwazvo nemabayo. Chiremba akati ndaifanira kugara pamushana, saka ndakakwanisa kukurukurirana nevasungwa vakawanda vaiva pachivanze. Zvisinei, ndakaramba ndichiwedzera kurwara, uye pashure pokubuda ropa rakawanda kwazvo mumapapu, ndakaendeswa kuchipatara cheIráklion.
Zvakare, mhuri yangu mune zvokunamata yevaKristu vandainamata navo yakandibatsira pandaiida. (VaKorose 4:11) Hama dzokuIráklion dzaigara dzichindishanyira, dzichindinyaradza uye dzichindikurudzira. Ndakadziudza kuti ndaida mabhuku kuti ndipupurire kune vanofarira. Vakandivigira sutukezi raiva nezvikamu zviviri mandaikwanisa kuviga mabhuku angu akachengeteka. Ndakafara zvikuru kuti pandaigara mumajeri iwayo, vasungwa vanosvika vatanhatu vakabatsirwa kuva vaKristu vechokwadi!
Munguva iyi hondo yacho yakanga yapera, uye mutongo wangu wakadzikiswa kuva makore gumi ndiri mujeri. Ndakapedzisa mutongo wangu wakanga wasara ndiri mumajeri anoti Rethimno, Genti Koule, uye Cassandra. Pashure pokunge ndapedza makore anenge gumi mumajeri masere, ndakabudiswa, uye ndakadzokera kuThessalonica, kwandakagamuchirwa noushamwari nehama dzangu dzinodiwa dzechiKristu.
Kubudirira Ndichibatsirwa Nehama dzechiKristu
Pandakazosunungurwa mujeri Zvapupu zvokuGreece zvakanga zvava kugona kunamata zvakasununguka. Ndakabva ndangoshandisa mukana wacho kuti nditangezve ushumiri hwenguva yakazara. Nenguva isipi ndakawedzerwa chimwe chikomborero, sezvo ndakaziva imwe hanzvadzi yechiKristu yakatendeka, Katina, uyo aida Jehovha uye aishingaira kwazvo mubasa rokuparidza. Takaroorana muna October 1959. Kuberekwa kwomwanasikana wedu, Agape, uye kuvawo nemhuri yangu yechiKristu kwakawedzera kupodza maronda ounherera hwangu. Zvinokosha zvikuru, mhuri yedu yakagutsikana kushumira ichitarisirwa nokudzivirirwa naBaba vedu vokudenga vane rudo, Jehovha.—Pisarema 5:11.
Nemhaka yemamiriro ezvemari akaipa zvikuru, ndaifanira kurega kupayona, asi ndakatsigira mudzimai wangu sezvaakaramba ari mubasa renguva yakazara. Chinhu chinokosha muupenyu hwangu somuKristu chakaitika muna 1969 apo kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha yemarudzi akawanda yakaitirwa muNuremberg, kuGermany. Pandakanga ndichigadzirira kuenda ikoko, ndakanyoresa kuti ndiwane pasipoti. Mudzimai wangu paakaenda kukamba yemapurisa kunobvunza kuti nei ndakanga ndisati ndawana pasipoti yacho asi papfuura mwedzi miviri, mumwe mukuru mukuru akabudisa faira rakakura mudhirowa rake ndokuti: “Uri kukumbira pasipoti yomunhu uyu kuitira kuti anotendeutsa vanhu kuGermany here? Hazviiti! Ane ngozi.”
Ndichibatsirwa naJehovha nedzimwe hama, ndakabatanidzwa papasipoti ine mazita evanhu vakawanda saka ndakwanisa kupinda kokorodzano iyoyo yakanaka kwazvo. Vanhu vakapinda vaisvika 150,000 uye ndaigona kuona zvakajeka mudzimu waJehovha uchitungamirira uye kubatanidza iyi mhuri yemarudzi akawanda yezvokunamata. Pave paya muupenyu, ndakatozoona kukosha kwoukama hwechiKristu.
Muna 1977 mudzimai wangu anodiwa uye shamwari yangu yakatendeka akashayika. Ndakaedza nepandaigona kuti ndirere mwanasikana wangu maererano nemitemo yeBhaibheri uye ndakabatsirwa. Zvakare, mhuri yangu mune zvokunamata yakandibatsira. Ndichagara ndichionga rutsigiro rwandakapiwa nehama dzangu panguva iyoyo yakaoma. Vamwe vavo vakatotamira mumusha wedu kwekanguva kuti vandibatsire kutarisira mwanasikana wangu. Handizombofi ndakakanganwa rudo rwavo rwokuzvipira.—Johani 13:34, 35.
Agape akakura akaroorwa nahama Elias. Vane vanakomana vana, vose vari muchokwadi. Mumakore mashomanana apfuura, ndakaita sitiroko kanoverengeka uye utano hwangu hwakaderera. Mwanasikana wangu nemhuri yake vanonditarisira zvakanaka. Pasinei noutano husina kunaka, ndichine zvikonzero zvakawanda zvokufara. Ndinoyeuka nguva apo paiva nehama zana chete muThessalonica yose, dzaiungana muchivande mumisha yehama. Iye zvino munharaunda iyoyo mava neZvapupu zvinoshingaira zvinenge zviuru zvishanu. (Isaya 60:22) Pakokorodzano, hama dzechiduku dzinouya kwandiri dzichibvunza kuti: “Muchiri kuyeuka pamaitiunzira magazini kumba kwedu here?” Kunyange zvazvo vabereki vacho vangadaro vakanga vasingaverengi magazini iwayo, vana vavo vaiaverenga, uye vakafambira mberi mune zvokunamata!
Sezvandinoona kukura kuri kuita sangano raJehovha, ndinofunga kuti zvakakodzera miedzo yose yandakatsungirira. Ndinogara ndichiudza vazukuru vangu nevamwe vaduku kuti vayeuke Baba vavo vokudenga vachiri pwere, uye haazombovasiyi. (Muparidzi 12:1) Jehovha akazadzisa shoko rake, achiva kwandiri “baba venherera.” (Pisarema 68:5) Kunyange zvazvo pakutanga ndaiva nherera yakasiyiwa, ndakazopedzisira ndawana Baba vane hanya!
[Mufananidzo uri papeji 22]
Ndaishanda somubiki mujeri reDrama
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ndiina Katina pazuva ratakachata, 1959
[Mufananidzo uri papeji 23]
Gungano rakaitirwa musango pedyo neThessalonica, nechokunopera kwema1960
[Mufananidzo uri papeji 24]
Tiine mwanasikana wedu, 1967