Musangano Wegore Negore waOctober 6, 2001
MUSANGANO WEGORE NEGORE wenhengo dzeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania uchaitwa musi waOctober 6, 2001, paHoro Yemagungano yeZvapupu zvaJehovha, 2932 Kennedy Boulevard, Jersey City, New Jersey. Musangano wokutanga wenhengo chete uchatanga na9:15 mangwanani, uchizoteverwa nomusangano wavose wegore negore na10:00 mangwanani.
Nhengo dzesangano dzinofanira kuzivisa Hofisi yoMunyori iye zvino nezvokuchinja kupi nokupi kwekero dzokutumira tsamba kwakaitika mugore radarika kuitira kuti tsamba dzose dzokuzivisa uye magwaro okuvhota usipo zvinogarotumirwa zvigone kusvika kwadziri muna July.
Magwaro okuvhota usipo, achatumirwa kunhengo pamwe nechiziviso chomusangano wacho wegore negore, zvinofanira kudzoswa kuti zvisvike kuHofisi yoMunyori weSosaiti musi waAugust 1 usati wapfuura. Nhengo yoga yoga inofanira kukurumidza kuzadzisa gwaro rayo rokuvhota isipo ndokuridzosa, ichitaura kuti iyo ichava iri pamusangano wacho here kana kuti kwete. Mashoko anopiwa pagwaro roga roga rokuvhota usipo anofanira kuva akajeka ipapa, sezvo achashandiswa kuziva kuti ndiani achange aripo.
Zvinotarisirwa kuti purogiramu yose, kusanganisira musangano wakarongwa webhizimisi nemishumo, zvichapedzwa na1:00 masikati kana kuti nguva pfupi pashure pacho. Hapazovi nepurogiramu yemasikati. Nemhaka yenzvimbo diki, vanenge vane tikiti ndivo chete vachapinda. Hapana urongwa huchaitwa kuti musangano wegore negore ubatanidzwe nedzimwe horo norunhare.