Gilead Inotumira Vafundisi “Kusvikira Kurutivi Rwuri Kure Zvikuru Rwepasi”
KWENGUVA inopfuura hafu yemakore zana zvino, Watchtower Bible School of Gilead yave ichitumira vafundisi. Musi waSeptember 11, 1999, kirasi yeGilead yechi107 yakapedza kudzidza. Yaiva nevadzidzi 48 vanobva kunyika 11, uye ava vakagoverwa kushanda munyika 24 dzakasiyana-siyana. Vachabatana nezviuru zvevamwe vafundisi, vakaita basa rinokosha mukuzadzika mashoko aJesu okupedzisira asati akwira kudenga. Akafanotaura kuti vadzidzi vake vaizo“va zvapupu zva[ke] . . . kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.”—Mabasa 1:8.
Purogiramu yokupedza kudzidza, inotanga paWatchtower Educational Center muPatterson, New York, yakaratidza kuva nguva yakaisvonaka mumhoteredzo dzakaisvonaka. Vadzidzi vaipedza kudzidza vakafarira zvikuru kuvapo kwehama, shamwari dzapedyo, uye vaenzi. Tichisanganisa vaya vaiteerera nemichina yokunzwa nayo nokuona nemavhidhiyo zvakanga zvakabatanidzwa nezvivako zveBrooklyn neWallkill, vapindi vose vaiva 4 992.
Shandira Jehovha Nomuvakidzani Nokutendeka
“Ndiani Ari Kurutivi rwaJehovha?” Ndiwo waiva musoro wemashoko okuzarura akataurwa naCarey Barber, nhengo yeDare Rinodzora uye sachigaro wepurogiramu yokupedza kudzidza. Akatsanangura kuti ndiyo nhau yaiva yakatarisana nevaIsraeri muzuva raMosesi. Vadzidzi vaipedza kudzidza uye vaya vaivapo vakayeuchidzwa kuti vakawanda vevaIsraeri vakafira murenje nemhaka yokuti havana kuramba vari kurutivi rwaJehovha vakavimbika. Pashure pokunamata zvidhori, vaka“gara pasi, vakadya nokunwa, vakasimuka, vakatamba.” (Eksodho 32:1-29) Jesu akanyevera vaKristu nezvenjodzi yakafanana achiti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu isambova inoremerwa nokudyisa nokunwisa nokufunganya zvoupenyu, uye kamwe kamwe zuva iroro rikusvikirei pakarepo.”—Ruka 21:34-36.
Mukurukuri akatevera, Gene Smalley, weDhipatimendi Rokunyora, akabvunza vadzidzi vaipedza kudzidza kuti: “Mucharatidza Kuva Vanoyamura Here?” Akatsanangura kuti shoko rechiGiriki rokuti pa·re·go·riʹa rakagamuchirwa muchiNgezi sezita romusanganiswa womushonga unoderedza kurwadziwa. Zvisinei, muapostora Pauro akashandisa iri shoko rinotsanangurwa pana VaKorose 4:11 kutsanangura vashandi pamwe naye. MuShanduro Yenyika Itsva, shoko iri rinoshandurwa kuti “yamuro inosimbisa.”
Mumigove yavo vafundisi vaipedza kudzidza vaigona kuva vayamuri vamazuva ano munzira inonyatsoshanda nokuva vayamuri vanosimbisa kuhama nehanzvadzi dzomunzvimbo idzodzo uye nokuratidza kushandira pamwe nokudanana mukushamwaridzana nevafundisi pamwe navo.
Daniel Sydlik, nhengo yeDare Rinodzora, akatevera kutaura nezvenhau yaiti “Muitiro Wakanaka Wokurarama Nawo.” Akatsanangura kuti nheyo yakaiswa pamusoro-soro yakaziviswa naJesu pana Mateu 7:12, inoti “zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo,” inobatanidza kuita zvinhu zvakanaka kuna vamwe, kwete kungorega kuita zvinokuvadza.
Kuita izvi zvinobudirira, zvinhu zvitatu zvinodiwa: ziso rinoona, mwoyo unonzwira tsitsi, uye ruoko runobetsera. Achipfupikisa, akati: “Kana tichinzwa tichida kubetsera, tinofanira kubetsera pakarepo. Tinofanira kuedza kwazvo kuitira vamwe zvataizoda kuti ivo vatiitire.” Zvikurukuru izvi zvaizova zvechokwadi nezvevafundisi vaienda kune dzimwe nyika kunobetsera vanhu kuita zvinodiwa nechiKristu chechokwadi.
Varayiridzi Vanopa Zviyeuchidzo Zvoushamwari
Murayiridzi weGilead Karl Adams akakurudzira vafundisi vaipedza kudzidza ku“Ramba Vachikura.” Muzvinhu zvipi? Kutanga, muzivo uye mukukwanisa kuishandisa zvakanaka. PaGilead, vadzidzi vacho vakanga vadzidza kunzvera kwavangaita kuti vawane mamiriro ezvinhu nenzvimbo zvenhau dzeBhaibheri. Vakanga vakurudzirwa kufunga kuti nhau imwe neimwe inofanira kutapura sei upenyu hwavo. Vakakurudzirwa kuramba vachidaro.
“Chechipiri, rambai muchikura murudo. Rudo ndechimwe chinhu icho, chinokura kana chikatarisirwa. Kana rukaregeredzwa, runogona kufa,” Hama Adams vakadaro. (VaFiripi 1:9) Zvino, sevafundisi, vaizofanira kukura murudo mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Uye chechitatu: “Rambai muchikura mumutsa usina kufanirwa nokuziva Ishe, Muponesi wedu Jesu Kristu.” (2 Petro 3:18) “Ndiwo mutsa unoshamisa wakaratidzwa naJehovha achishandisa Mwanakomana wake,” mukurukuri wacho akadaro. “Sezvatinokura mukuonga mutsa iwoyo usina kufanirwa, mufaro wedu unokura mukuita kuda kwaMwari uye mukuita zvaakatigovera kuti tiite.”
Mumwe murayiridzi weGilead, Mark Noumair, akataura musoro unoti “Gamuchirai Mamiriro Ezvinhu Anonetsa Norudo, Uye Munogona Kuatsungirira.” Akarayira kuti: “Dzidzai kugamuchira mamiriro ezvinhu anonetsa muupenyu hwoufundisi norudo, uye muchagona kuatsungirira. Jehovha anongoranga vaya vaanoda. Kunyange kana uchifunga kuti zano rakati harina kuchenjera, rinosarura, kana kuti harisi kururamisira, kuda Jehovha uye ukama hwako naye zvichakubetsera kurigamuchira.”
Hama Noumair vakadudza kuti basa roufundisi rinosanganisira mabasa akawanda. “Asi basa risina rudo richakuita kuti usagutsikane. Pasina rudo, mabasa ako epamba—akadai sokubika, kutenga, kugeza michero, kudziyisa mvura—anogona kuodza mwoyo zvikuru. Unofanira kumira ndokuzvibvunza kuti, ‘Nei ndichiaita?’ Kana ukazviudza kuti, ‘Kushanda kwangu kuri kubetsera utano nomufaro zvevafundisi vari pamwe neni,’ zvadaro hazvizovi zvakaoma kugamuchira.” Mukupfupikisa, akarayira kuti: “Kunyange kukava kugamuchira chirango, kuita mabasa ako oufundisi, kana kuti kugadzirisa kusanzwisisana, kuzvigamuchira norudo kuchakuita kuti ugone kutsungirira mumugove wako. ‘Rudo harumboperi.’”—1 VaKorinde 13:8.
Murayiridzi weGilead Wallace Liverance akatevera kuva sachigaro pakudzokorora zvakaitika zvinofadza zvakati kuti zvakava nevadzidzi pavaishanda neungano dzomunharaunda imomo. Mukuwedzera kuenda paimba neimba, vakashandisa rovedzo yavo youfundisi kutsvaka vanhu panomira marori, panowachirwa, pazviteshi zvechitima, uye padzimwe nzvimbo.
Vafundisi Vane Unyanzvi Vanopa Vimbiso
Vafundisi vatsva pavanoenda kunyika yavamwe, pane chikonzero chokufungisisa vachinetseka here? Vangakurira zvinetso zvomugove wokunyika yavamwe here? Chii chinoitwa nemahofisi ebazi kubetsera ava vachangosvika kuva vanobudirira? Kuti apindure mibvunzo iyi neimwe, Steven Lett, weDhipatimendi Rebasa, uye David Splane, weDhipatimendi Rokunyora, vakabvunzurudza hama dzaipinda chikoro chebazi paWatchtower Educational Center. Hama idzi dzaibvunzurudzwa dzinoshanda pamatare ebazi muSpain, Hong Kong, Liberia, Benin, Madagascar, Brazil, neJapan.
Ava vashumiri vaJehovha vane unyanzvi, vakawanda vavo vakashanda sevafundisi kwemakumi emakore, vakavimbisa vadzidzi vaipedza kudzidza uyewo vabereki nehama dzavo vaivapo. Kubva muunyanzvi hwavo pachavo uye uhwo hwevamwe vafundisi, vakaratidza kuti zvinetso nematambudziko zvinogona kutarisirwa zvinobudirira. Chinetso chavanotarisana nacho chingava chikuru, “asi chinogona kupedzwa, uye Sosaiti inotibetsera,” akarumbidza kudaro Raimo Kuokkanen, mumwe mufundisi ari muMadagascar. “Hatina kusarudza mugove wacho, takaugamuchira,” akadaro Östen Gustavsson, zvino anoshanda muBrazil. “Saka takasarudza kuita zvakanakisisa kuti tirambe tichiita mugove wedu.” James Linton, anoshanda muJapan, akataura kuti zvakamubetsera zvaiva “kuvapo kwehama dzaiva dzatomboshanda mumigove youfundisi.” Basa roufundisi inzira inofadza uye inogutsa yokushandira Jehovha nokutarisira makwai ake.
Kudzivisa Denda Rinouraya Umudzimu
Theodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora, uyo pachake akapedza kudzidza nekirasi yeGilead yechinomwe muna 1946, akapa hurukuro yokupedzisira pamusoro waiti “Chinetso Chokuramba Uri Mupenyu Mumudzimu.” Achitanga kubvuma utsinye hunotyisa hunoitika munzvimbo zhinji dzenyika, akadudza kuti chaizvoizvo, njodzi dzakaipisisa dziri kuitika kuvanhu.
Achishandisa Pisarema 91, Hama Jaracz vakazivisa “denda” ne“kuparadza” zvarwarisa nokuuraya mamiriyoni mumudzimu kwose kwakatipoteredza. Dhiyabhorosi negadziriro yake yakaipa yezvinhu vakashandisa mashoko anoparadzirwa akaita sedenda, akavakirwa pauchenjeri nokunyanya kuda zvenyika, kunetesa nokuuraya umudzimu, asi Jehovha anotivimbisa kuti denda iri harizouyi pedyo ne“uyo ugere panzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro.”—Pisarema 91:1-7.
“Chinetso,” Hama Jaracz vakadaro, “kuramba une utano hwakanaka mukutenda, kurambira munzvimbo yakachengeteka. Hatigoni kuva sevaseki ‘vasina umudzimu.’ Zvino ichi chinetso nhasi. Ndicho chatinotarisana nacho tose vari musangano. Munogona kutarisanawo nacho mumugove wenyu woufundisi.” (Judha 18, 19) Asi vafundisi vaipedza kudzidza vakaudzwa kuti vaigona kuramba vane umudzimu mumigove yavo zvinobudirira. Somuenzaniso, vakakurudzirwa kufunga kuti hama dzedu dziri muRussia, muAsia, uye munyika dzomuAfrica dziri kutsungirira sei—pasinei nokurambidzwa, kushorwa kwakanyanya, kusekwa, mashoko anoparadzirwa okusatenda kuti kuna Mwari, uye kupomerwa zvenhema. Uye, muzviitiko zvakawanda, zvinetso zvomuviri zvinowedzerwa, zvinokonzerwa nokurwisana kwamadzinza nokushaikwa kwezvinodiwa muupenyu.
Pakunova nokuderera mumudzimu, “zvakafanira kufungisisa chinokonzera chinetso chacho zvadaro ndokuchigadzirisa, uchishandisa zano reShoko raMwari.” Mienzaniso yomuBhaibheri yakapiwa. Joshua akakurudzirwa kurava kopi yake yoMutemo neinzwi rakaderera zuva nezuva. (Joshua 1:8) Bhuku roMutemo parakawanikwa muzuva raJosia, Jehovha akakomborera kushandiswa kwakatendeka kwemirayiridzo yaro. (2 Madzimambo 23:2, 3) Timoti akaziva zvinyorwa zvitsvene kubvira paucheche hwake. (2 Timoti 3:14, 15) VaBheriya vakanga vasiri vateereri vakanaka chete; vaionekwa sevaiva ne“pfungwa dzakanaka” nokuti vainzvera Magwaro zuva nezuva. (Mabasa 17:10, 11) Uye Jesu Kristu ndiye muenzaniso mukuru wouyo aiziva uye aishandisa Shoko raMwari.—Mateu 4:1-11.
Mukupedzisa, Hama Jaracz vakarayira vafundisi vatsva noushamwari kuti: “Zvino magadzirira kuita mugove wenyu woufundisi. Uye muchaenda kunze kwenyika, mupfungwa chaiyoiyo, kunzvimbo zhinji dzakasiyana-siyana dzepasi. Kana tikarwira kuramba tiri vapenyu mumudzimu, ipapo hatizoregi chinhu chipi nechipi chichititsausa pakuita zvatakatsunga kuita. Muchaparidza nokushingaira, muchikurudzira vamwe kutevedzera kutenda kwenyu, uye tichanyengetera pamwe nemi kuti vaya vamunodzidzisa, Jehovha achavararamisa sezvaanotiita. Saka vamwe vakawanda vachapukunyuka njodzi yomudzimu zvino iri kutambudza nyika yose. Vacharamba vachibatana nesu vakawanda kuti tiite kuda kwaJehovha. Jehovha ngaakukomborerei nemhaka yaizvozvo.”
Sachigaro arava kwaziso dzakabva kunyika dzakasiyana-siyana pasi pose, nguva yakasvika yokupa vadzidzi vaipedza kudzidza magwaro avo. Ipapo kwakatevera kuraviwa kwetsamba yokuonga youshamwari yakanyorwa nevadzidzi. Vakaonga Jehovha nesangano rake sei nokuda kwokurovedzwa kunokosha kwavakagamuchira uye nokuda kwemigove yavo yakasiyana-siyana sevafundisi vanoenda “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi”!—Mabasa 1:8.
[Bhokisi riri papeji 29]
Mashoko Ekirasi
Nhamba yenyika dzinomiririrwa: 11
Nha. yenyika dzavakagov. kwadziri: 24
Nhamba yevadzidzi: 48
Nhamba yevakaroorana: 24
Avhareji yezera: 34
Avhareji yemakore muchokwadi: 17
Mak. muushumiri hwenguva yakazara: 12
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kirasi Inopedza Kudzidza yechi107 yeWatchtower Bible School of Gilead
Pamazita ari pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichienda shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
1. Peralta, C.; Hollenbeck, B.; Shaw, R.; Hassan, N.; Martin, D.; Hutchinson, A. 2. Edwards, L.; Vezer, T.; Ceruti, Q.; Entzminger, G.; D’Aloise, L.; Baglieri, L. 3. Knight, P.; Krause, A.; Kasuske, D.; Rose, M.; Friedl, K.; Nieto, R. 4. Rose, E.; Backus, T.; Talley, S.; Humbert, D.; Bernhardt, A.; Peralta, M. 5. D’Aloise, A.; Humbert, D.; Dunn, H.; Gatling, G.; Shaw, J.; Ceruti, M. 6. Baglieri, S.; Krause, J.; Hollenbeck, T.; Martin, M.; Bernhardt, J.; Hutchinson, M. 7. Backus, A.; Dunn, O.; Gatling, T.; Vezer, B.; Knight, P.; Hassan, O. 8. Nieto, C.; Talley, M.; Friedl, D.; Kasuske, A.; Edwards, J.; Entzminger, M.