RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 12/15 p. 25
  • Vakava Vasingatyi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakava Vasingatyi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • ‘Taura Shoko raMwari Noushingi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Unoparidza Usingatyi Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Ramba Uchitaura Shoko raMwari Noushingi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 12/15 p. 25

Vakava Vasingatyi

HAZVIGAROVA nyore kuva asingatyi kuti uparidze. Chokwadi, muapostora Pauro akati paimwe nguva, akadaro a“chitamburira kwazvo.” (1 VaTesaronika 2:2) ‘Kutamburira’ kwakafanirwa nokuedza kwacho here? Hakuna vimbiso yezviitiko zvinoshamisa, asi vanhu vaMwari vanowanzofara kuti vakava vasingatyi. Funga nezvemimwe mienzaniso.

Mumwe musikana ane makore masere anonzi Tara akanyatsoteerera mudzidzisi wake zvaaitaurira kirasi kuti muHondo YenyikaII, vasungwa vomumusasa wevasungwa wechiJudha vaifanira kupfeka Nyeredzi yaDhavhidhi yeyero kuti vazivikanwe. Tara akashaya kuti otaura here. “Ndakanyengetera ndakasvinura,” anoyeuka kudaro. Ipapo akasimudza ruoko ndokuti Zvapupu zvaJehovha zvaivawo mumisasa iyoyo, uye zvaifanira kupfeka zvigamba zvepepuru. Mudzidzisi akafadzwa ndokumutenda. Mhinduro yaTara yakavhura nzira yokukurukuriranazve nomudzidzisi wacho, uyo akatozoratidza kirasi yake yose vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault.

MuGuinea, West Africa, muparidzi muduku asina kubhabhatidzwa anonzi Irène aida kufambira mberi muushumiri hwake. Mufundisi aidzidza Bhaibheri naye akamukurudzira kuedza kugovera magazini eNharireyomurindi neMukai! nevaaidzidza navo kuchikoro. Irène aizengurira nokuti vaaidzidza navo vaiva vasingateereri. Zvisinei, akurudzirwa nomufundisi uya, Irène akasarudza kutanga kutaura nomudzidzi airatidzika kuva aishora zvikuru. Zvakatoshamisa Irène, musikana wacho akateerera uye akatambira magazini acho nomufaro. Vamwe vadzidzi vakaitawo izvozvo. Irène akagovera magazini akawanda mwedzi iwoyo pane aakanga agovera mwedzi mishanu yaiva yapfuura asanganiswa.

MuTrinidad mumwe mukuru aizengurira zvikuru kutaura nomukuru-mukuru wechimwe chikoro kuti amuratidze kudzidzisa kunoita magazini inonzi Mukai! Zvisinei, akava asingatyi. Anoti: “Ndakanyengetera sezvandaipinda panzvimbo yacho. Handina kugona kuzvidavira apo mukuru-mukuru wacho aifadza kupfuura zvandaitarisira.” Akagamuchira magazini inonzi Mukai! inoti “Itariroi Iripo Nokuda Kwepwere Dzanhasi?” uye akatobvuma kuishandisa kudzidzisa mukirasi. Kubva ipapo, akagamuchira magazini 40 ane nyaya dzakasiyana-siyana.

Sepwere, Vaughn aigaroona kuparidza kwakaoma. “Ndaibvunda, zvanza zvangu zvaidikitira, uye ndaitaura nokukurumidza—ndaisagona kutaura zvishoma.” Zvisinei, akava mushumiri wenguva yakazara. Asi, kutaura kwaisagarova nyore kwaari. Imwe nguva, pashure pezuva raiodza mwoyo rokutsvaka basa, aida kupupurira mumwe munhu muchitima chinofamba nepasi, “kuti patombovawo nechinhu chakanaka chaaive aita pazuva risingafadzi.” Asi akanzwa achitya mumwe muzvinabhizimisi aikosha aiva muchitima chinofamba nepasi. Pakupedzisira, akava asingatyi kutaura nomumwe murume ati kurei aiva pedyo naye. Zvakaguma nokukurukurirana kwenguva refu. “Une mibvunzo yakanaka kudaro iwe uri wechiduku,” muzvinabhizimisi akadaro, achibvunza kuti, “Uri nyanzvi yezvechitendero here?” Vaughn akati, “Kwete, ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” “Haiwa,” murume wacho akanyemwerera. “Zvino ndanzwisisa.”

Zvapupu zvose izvi—nezvimwe zvisingaverengeki—zvinofara kuti zvakava zvisingatyi kuparidza. Uchaita zvakafanana here?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Tara

[Mufananidzo uri papeji 25]

Vaughn

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe