Unoyeuka Here?
Wakambonyatsofungisisa here nyaya dzeNharireyomurindi dzichangobva kupfuura? Kana wakadaro, uchawana zvichifadza kuyeuka zvinotevera:
◻ Ndeipi mimwe yemibvunzo vaKristu vaviri vangazvibvunza vasati vatanga kufunga nezvekuvimbisana?
‘Ndine chokwadi chaizvo nezveumudzimu nokuzvipira kwake kuna Mwari here? Ndinogona kufungidzira ndichinamata Mwari ndinaye kwoupenyu hwose here? Tava kuzivana unhu hwedu zvakakwana here? Ndine chokwadi chokuti tichanyatsopindirana kwoupenyu hwose here? Tinozivana zvakakwana nezvezvatakamboita kare nemamiriro ezvinhu edu tose epanguva ino here?’—8/15, peji 31.
◻ Jesu airevei paakati kuvateveri vake: “Imi muri munyu wepasi”? (Mateu 5:13)
Jesu aireva kuti kuparidzira vamwe kwavateveri vake nezveUmambo hwaMwari kwaigona kuchengetedza, kana kuti kuponesa upenyu, hwavateereri vavo. Zvechokwadi, avo vaizoshandisa mashoko aJesu vaizodzivirirwa pakuora mutsika nemumudzimu munyika.—8/15, peji 32.
◻ Vaviri vanodanana vanogona kudzivisa sei musungo wekupinda muunzenza?
Kana une waunodanana naye, wakangwara kana ukadzivisa kuti muve muri moga newauchazoda kuroorana naye mumamiriro ezvinhu asina kukodzera. Saka zvingava zvakanakisisa kuti mushamwaridzane mune vamwe kana kuti munzvimbo dzine vanhu vakawanda. Isai miganhu pakuratidza kuti munodanana, mumwe nomumwe achiremekedza manzwire anoita mumwe nehana yake.—9/1, mapeji 17, 18.
◻ Kunzwisisa chii?
Mano okuona nhau ndokunzwisisa zvairi nekuona kubatana kwakaita mativi ayo uye zvairi, kwava kuwana pfungwa yakakwana nezvayo. (Zvirevo 4:1)—9/15, peji 13.
◻ Jehovha anodei kwatiri nhasi?
Zvinonyanyodiwa naJehovha kwatiri ndezvekuti, titeerere Mwanakomana Wake ndokutevedzera muenzaniso wake nedzidziso. (Mateu 16:24; 1 Petro 2:21)—9/15, peji 22.
◻ Ndivanaani chete vanogona kuva norugare?
Sezvo Jehovha ari “Mwari anopa rugare,” vanhu vanoda Mwari vanoremekedza zvikuru nheyo dzake dzakarurama ndivo chete vanogona kuva norugare. (VaRoma 15:33)—10/1, peji 11.
◻ Josefa akawana sei simba retsika rokuramba zvaida mukadzi waPotifari zuva nezuva?
Josefa aikoshesa ukama hwake naJehovha zvikuru kupfuura kukoshesa kwaaiita kufara kwechinguva chiduku. Uyezve, kunyange zvazvo akanga asiri pasi pomutemo waMwari, Josefa ainzwisisa zvakajeka nheyo dzetsika. (Genesi 39:9)—10/1, peji 29.
◻ Kuda kwedu kukanganwira hama dzedu kunokosha zvakadii?
Tarisiro dzedu dzokuramba tichikanganwirwa naMwari dzinonyanya kutsamira pakuda kwedu kukanganwira vamwe. (Mateu 6:12, 14; Ruka 11:4)—10/15, peji 17.
◻ Mateu 18:15-17 yakanga ichitaura nezvekutadza kwerudzii, uye chii chinoratidza izvozvo?
Kutadza kwaireva Jesu kunofanira kuva kwakanga kwakakura zvokuti kwaigona kuita kuti akakanganisa wacho aonekwe “somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” VaJudha havaishamwaridzana neVamamwe Marudzi, uye vaidzivisa vateresi. Saka Mateu 18:15-17 inoreva nezvekutadza kwakakura, kwete tumhosva twunoitwa nomunhu kana kuti kurwadziwa zvaunogona kungokanganwira ndokukanganwa. (Mateu 18:21, 22)—10/15, peji 19.
◻ Kunyatsoda Shoko raMwari kunosanganisirei?
Kuda Shoko raMwari kunoita kuti munhu ararame maererano nezvarinoda. (Pisarema 119:97, 101, 105) Izvi zvinoda kuti munhu arambe achigadzirisa mafungiro ake nemararamiro.—11/1, peji 14.
◻ Tagamuchira zvakawanda kubva kuna Jehovha, chii chatingapawo Mambo neMupi mukuru zvikuru?
Bhaibheri rinozivisa kuti chipo chakanakisisa chatinogona kupa Jehovha “chibayiro chokurumbidza.” (VaHebheru 13:15) Nei? Nokuti chibayiro ichi chine chokuita zvakananga nokuponesa upenyu, chinhu chinonyanya kudiwa naJehovha munguva ino yomugumo. (Ezekieri 18:23)—11/1, peji 21.
◻ Soromoni airevei paakanyora kuti: “Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso”? (Muparidzi 12:11)
Mashoko evaya vane uchenjeri hwaMwari anoita kuti varavi kana kuti vateereri vaenderere mberi maererano nemashoko ouchenjeri anenge araviwa kana kunzwiwa.—11/15, peji 21.
◻ Njere dzinopiwa naMwari chii?
Mano okugona kusiyanisa chakaipa nechakanaka ndokusarudza nzira yakanaka. Kudzidza nokushandisa Shoko raMwari kunopa njere.—11/15, peji 25.
◻ Kuda kugamuchira mitoro kunofanira kuitwa nepfungwa ipi? (1 Timoti 3:1)
Kunofanira kuitwa zviri pakati nepakati nechisarudzo chakanaka. Hapana munhu anofanira kuita migove yakawanda zvokuti anotadza kufara mubasa raJehovha. Pfungwa inoda inorumbidzwa, asi kuda kunofanirawo kuratidzira kuzvininipisa ne“kunaka kwepfungwa.” (Tito 2:12; Zvakazarurwa 3:15, 16)—12/1, peji 28.
◻ Kutarisana nezvinetso zvokuva mubereki kungakundwa sei?
Mwari anopa vabereki zano rokuti vave mienzaniso, shamwari, vakurukuri, uye vadzidzisi. (Dheuteronomio 6:6, 7)—12/1, peji 32.