RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 12/15 pp. 3-4
  • Krisimasi kuMabvazuva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Krisimasi kuMabvazuva
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Krisimasi—Nei Iripo Kunyange kuMabvazuva?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Krisimisi Inorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Krisimisi—Neiko Yakakurumbira Kwazvo muJapan?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kwakabva Krisimasi Yazvino Uno
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 12/15 pp. 3-4

Krisimasi kuMabvazuva

• MAKORE MAZANA MAVIRI APFUURA, nyanzvi yekuKorea yakashanyira Peking, kuChina. Ichitarisa mufananidzo waiva pasiringi yechechi huru, yakaona mufananidzo waMariya ane mwana anonzi Jesu mumaoko ake. Yakati nezvemufananidzo uyu unoshamisa:

“Mumwe mukadzi aiva akabata mumaoko ake mwana aitaridzika seanorwara, aiva nemakore anenge mashanu kana kuti matanhatu. Aiita seakanga asingagoni kusimudza musoro wake, sokuti aisiririswa kutarisa mwanakomana wake. Uye nechekure seri kwavo kwaiva nezvipoko zvakawanda nevana vaiva nemapapiro vaibhururuka vachitenderera. Sezvandaivatarisa vari nechepamusoro, zvaiita sokunge vaizondidonhera chero nguva. Ndashamiswa, ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndivabate.”

IZVOZVO zvakaitika Kuvandudza kwatotanga kare muEurope, nguva yokusajekerwa yekuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E. yatopfuura kare. Asi kuvagari vekuMabvazuva vakawanda, chiKristu chakanga chisina kujairika kungofanana nemufananidzo uyu pachawo. Mamiriro ezvinhu aya achinja sei! Pamwaka weKrisimasi woga woga, mifananidzo yemwana anonzi Jesu inoratidzwa. VekuMabvazuva vajaira mifananidzo yacho, uye migwagwa yakawanda zvino yangoita seiya yomuEurope.

Manheru omusi waNovember 25, 1998, mwedzi mumwe Krisimasi isati yaitwa, mugwagwa weChamps Élysées muParis unovhenekerwa zvakajeka nemagirobhu anopfuura 100 000 ari pamiti 300 yakatevedza mugwagwa iwowo wakakurumbira. Nenzira yakafanana, mumugwagwa uri pakati peguta muSeoul, kuKorea, muti mukuru weKrisimasi unoratidzwa nechimwe chitoro chikuru kwazvo wotanga kujekesa usiku hwacho muguta guru iroro. Nenguva isipi migwagwa yaro inoshongedzwa nezvinhu zveKrisimasi.

Terevhizheni, redhiyo, nemapepanhau zvinobudisa mapurogiramu ezveKrisimasi zuva roga roga. Yazadzwa nepfungwa yeKrisimasi, nyika yose inobatikana nokufarira kupera kwegore. Machechi ari muSeoul, ane nhamba inokahadzisa vashanyi vakawanda, anoshongedzwa zvokukurumidza. Saka, Korea nedzimwe nyika dziri kuMabvazuva dzinozadzwa nepfungwa yeKrisimasi panenge panguva iyo United States inenge ichibatanidzwa mukupemberera kwayo Zuva Rokuonga November ava kunopera.

Nyika dzakawanda dzekuMabvazuva hadzionekwi sedzechiKristudhomu. Somuenzaniso, 26,3 muzana chete yevanhu vose vanogara muKorea ndiyo inoti vaKristu. MuHong Kong mune 7,9 muzana, muTaiwan 7,4 muzana, uye muJapan 1,2 muzana chete. Zviri pachena kuti, vanhu vekuMabvazuva vakawanda havaiti zvechiKristu, asi vanoita sevasingapokani nokupemberera Krisimasi. Chokwadi, kazhinji vanoita sevanoifarira chaizvo kupfuura zvinoita vamwe vavo vekuMadokero. Somuenzaniso, Hong Kong inozivikanwa kwazvo nokupemberera kwayo Krisimasi kwemaoresa, kunyange zvazvo vagari vayo vakawanda vari vaBuddha kana kuti vaTao. Kunyange muChina, mune 0,1 muzana chete vanozviti vaKristu, Krisimasi iri kukurumidza kukurumbira.

Nei Krisimasi ichipembererwa zvakanyanya kudaro kuMabvazuva? Nei vanhu vasingadaviri Jesu saMesiya vachibatanidzwa mukupemberera Krisimasi, inoonekwa nevakawanda vanozviti vaKristu sezuva rake rokuzvarwa? VaKristu vechokwadi vanofanira kutevedzera maonero avanoita Krisimasi here? Tichawana mhinduro dzacho sezvatichakurukura kuti Krisimasi yakasvika sei pakukurumbira muKorea, nyika yekare kwazvo yekuMabvazuva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe