Kuderedza Nhamo Yekusaenzana
Musiki nokukurumidza achaunza kuenzana uko vanhu vanoda zvikuru. Asi izvozvo zvisati zvaitika, tinogona kutora matanho okungoderedza nhamo yekusaenzana iyo inotitapura nemhuri dzedu. Seizvo Nelson Mandela, aichimbova purezidhendi weSouth Africa akataura, “ndeizvo zvatinoita tichishandisa zvatinazvo, kwete zvatinopiwa, zvinosiyanisa munhu nemunhu.”
NHAU inotsigira mashoko ake. Vachishandisa zvavaiva nazvo, varume navakadzi vakawanda vakapiwa zvishoma pavakaberekwa vakabudirira kukunda vezera ravo vaiva, sezviri pachena, nezvipo zvakawanda. Zvakapesana neizvozvo, vamwe vakakomborerwa nezvinhu zvakawanda kubva pavakaberekwa vakapambadza zvavaiva nazvo ndokutadza kuita zvavaigona kuita chaizvoizvo.
Shandisa Zvakanaka Zvaunazvo!
Zvapupu zvaJehovha zvinoda kwazvo kubetsera vanhu kuwana zivo yezvinangwa zvaMwari nokudzidza navo Bhaibheri. Zvisinei, zvinoziva kuti, kuti vabetserwe zvakakwana namashoko eBhaibheri, vanhu vanofanira kugona kurava nokunyora. Nokuda kwechikonzero ichi, Zvapupu zvaJehovha zvakadzidzisa makumi ezviuru zvavanhu kurava nokunyora, kubatanidza vanhu 23 000 (sepakati pema1990) mune imwe nyika yokuWest Africa yoga. Ichitaura nezvebasa guru rinoitirwa vanhu neZvapupu zvaJehovha, San Francisco Examiner yakatsinhira, kuti: “Munogona kuvati vanhu vane muenzaniso wakanaka. Vanobhadhara mitero nguva dzose, vanotarisira varwere, vanodzidzisa kurava nokunyora.”
Mukuwedzera, zvichishandisa kosi inopfuurira yokutaura pamberi pavanhu, Zvapupu zvaJehovha zvakadzidzisa mazana ezviuru zvavanhu kuva vakurukuri vanokwanisa, vanogona kutaura vasingandandami pamberi pavanhu. Pakati pezviuru izvi pana vamwe vaimbova nezvinetso zvikuru zvokutaura. Funga nezvemurume wokuSouth Africa anonyora kuti: “Kundandama kwangu kwainge kwakaipa zvikuru zvokuti ndakanga ndava munhu anonyara, ndichitowanzoda kuti vamwe vanditaurire. . . . Pandakapindawo muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari uye ndichifanira kurava Bhaibheri pamberi pavateereri vashoma . . . , ndakandandama zvikuru zvokuti ndakatadza kupedza mugove wacho panguva yakagoverwa. Pashure pomusangano wacho [mupi zano] akandipa mazano anoshanda nenzira younyoro. Akati ndidzidzire kurava ndichidaidzira ndiri ndoga. Ndakaita izvi, ndichipedza nguva zuva nezuva ndichirava zvinonzwika Bhaibheri rangu nemagazini yeNharireyomurindi.” Murume uyu akafambira mberi zvakanaka zvikuru zvokuti iye zvino anopa hurukuro dzavose kumazana uye kunyange kuzviuru zvavateereri.
Kuva Nekuenzana Pakati Pehama
Nezvedzidzo, zveutano, mugariro wezvemari uye mugariro womunzanga, mamiriro ezvinhu pakati peZvapupu zvaJehovha anosiyana zvikuru. Misiyano iyi inongoratidza bedzi mamiriro ezvinhu asina kukwana omunyika yazvinorarama mairi. Asi kusiyana namamwe mapoka ezvitendero, kufungira zvakaipa kwourudzi, kwenzanga, uye mune zvemari kwakabviswa kumwero mukuru pakati pazvo.
Zvakaita izvi nokuita zvazvinogona mukushandisa zvazvakadzidza muBhaibheri. Nomwoyo wose zvinogamuchira nheyo dzeBhaibheri dzakadai seidzi: “Nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7) “Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) “Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.”—VaRoma 12:17, 18; onawo 1 Timotio 6:17-19; Jakobho 2:5, 9.
Zvichinyatsonamatira kunheyo dzeBhaibheri idzi dzinotsigira kubatana, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba kushivirira pakati pazvo kuitwa kupi nokupi kwokusaenzana kwakavakirwa pamisiyano yedzinza, nzvimbo yomunhu munzanga, kana kuti yezvemari. Somuenzaniso, zvinhu izvi hazvitemi kuti ndiani anopiwa ropafadzo dzebasa muungano yechiKristu. Nzvimbo dzomutoro, dzakadai sokudzidzisa nokutungamirira, dzinopiwa bedzi pahwaro hwekusvitsa zvinodiwa zvomudzimu.—1 Timotio 3:1-13; Tito 1:5-9.
Nokuda kwavanhu vakatambura mukusaenzana kwenyika ino inosarura, zvinozorodza sei kuva nevamwe vanovabata sehama nehanzvadzi dzine chinzvimbo chakaenzana pamberi poMusiki! Martina anogona kupupurira izvi. Pashure pokunge baba vake vatiza pamba, akarerwa nomubereki mumwe mumusha waiva nourombo. Kakawanda aibatwa sebhanditi, aisazvivimba, uye zvaimunetsa kugarisana navamwe. Akava munhu asina basa nechero chinhu zvacho. Zvisinei, zvinhu zvakachinja paakavamba kudzidza Bhaibheri ndokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Ndinofanira kurwisa kuora mwoyo, asi zvino ndava kugona kubata nechinetso chacho zviri nani. Kuzviremekedza kwangu kwavandudzika, uye ndava kutaura nechivimbo chikuru. Chokwadi chakandipa pfungwa yomutoro. Ndave kuziva kuti Jehovha anondida uye kuti upenyu hwakakodzera kurarama.”
Seboka romunyika yose ravaKristu, Zvapupu zvaJehovha munyika dzinopfuura 230 zvinofara kuva nomwero wokuenzana usina vamwe vanhu munyika yanhasi. Pane rimwe sangano rechitendero ringagona kutaura zvakafanana ndokuzvitsigira here?
Chokwadi, Zvapupu zvaJehovha zvinonzwisisa. Zvinokurumidza kubvuma kuti sezvo zviri munharaunda isina kukwana, hazvigoni kubvisa kusaenzana kwavanhu sezvakamboedzwa navamwe kwamazana amakore—vakatadza. Kunyange zvakadaro, zvinofara kuti pakati pazvo zvoga, zvakaita zvakawanda kuderedza marwadzo anoparirwa nakwo. Uye nokutenda kwakasimba muvimbiso yaMwari, zvinotarira mberi kunyika itsva yokururama umo kusaenzana kuchava chinhu chakapfuura zvachose.
Hungu, nokukurumidza vanhu vose vanoteerera vachadzorerwa kukuenzana “muchiremera nekodzero” izvo Musiki wavo aida kuti vave nazvo pakutanga. Ipfungwa yakanaka zvakadini! Uye panguva ino ichava yechokwadi!
[Mufananidzo uri papeji 7]
Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa makumi ezviuru zvavanhu kurava nokunyora
[Mufananidzo uri papeji 8]
Chokwadi cheBhaibheri chinobatsira kubvisa kufungira vamwe zvakaipa kwourudzi, kwenzanga, uye mune zvemari