Mushumo Wavazivisi voUmambo
Zvapupu Zvinoenda Kuvanhu Vose veFrance
KUBVIRA mumaawa amangwanani-ngwanani eChishanu, 29 January 1999, uye kupfuurira kusvikira kupera kwevhiki yacho, Zvapupu zvaJehovha muFrance zvakaparadzira nembavarira mumigwagwa, uye pava paye paimba neimba makopi ane mamiriyoni 12 eturakiti rine musoro unoti Vanhu veFrance, Muri Kunyengerwa! Nhimbe yakadaro yakaitirwei?
Chikonzero chenhimbe yacho chakaziviswa pamusangano wenhau muParis mangwanani eChishanu ichocho. Mumiririri weZvapupu akatsanangura kuti: “Chinangwa chedu nhasi ndechokuti tizivise vanhu zvatiri uye tigadzirise kutaura kunokuvadza mukurumbira kwakaparadzirwa nezvedu. Isu tinobvuma kutsoropodzwa, asi hatizorambi tichiteerera nhema uye mashoko anokuvadza mukurumbira wedu.”
Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zviri chitendero chechiKristu chechitatu pakukura muFrance, vana vakawanda veZvapupu vakanyombwa uye vakanetswa muzvikoro. Vakuru vakabudiswa mabasa uye vakatyisidzirwa nemhaka yechitendero chavo. Zvinoshamisa kuti, kunyange mipiro yekuchechi yakagamuchirwa yakaongororwa ikachajwa mutero we60 muzana. Nhimbe yacho yakabata sei nouku kusarura?
Turakiti racho rinoti: “Zvapupu zvaJehovha 250 000 neshamwari dzazvo dzomuFrance ZVINONYUNYUTA pamusana penzira yenhema iyo chitendero chazvo chechiKristu, chave chiri muFrance kubvira muna 1900, chakabatanidzirwa nayo pamwe chete nemasekete ane ngozi kutangira muna 1995. . . . ZVINONYUNYUTA pamusana pokuramba zvichinetswa kwazvave zviri kuitwa.” Kupomera kwenhema kwakaitwa Zvapupu muFrance nenzira dzokunyengera dzakashandiswa navatsoropodzi kuti vape mukurumbira wakaipa kwakafumurwa. Turakiti racho rinogumisa nokuti: “Nhasi, muEurope mune Zvapupu zvaJehovha neshamwari dzazvo zvinopfuura mamiriyoni maviri. Izvo zvinoremekedza mitemo yeHurumende mazvinogara kuburikidza nokuchengeta mitemo yeEvhangeri. Vanhu veFrance, ichi ndicho chokwadi chacho. Ibasa redu kuchitaura sezvachakaita chaizvoizvo!”
Mhinduro Yakanaka, Yokukurumidza
Mamiriyoni ematurakiti akagoverwa pazuva rokutanga. MuParis moga, pakazosvika masikati zvinopfuura Zvapupu 7 000 zvakanga zvatogovera vanhu maturakiti anopfuura mamiriyoni 1,3. Yaive nguva yekutanga kuti vanhu vacho vaone Zvapupu zvakawanda kudaro zvichigovera maturakiti mumigwagwa. Zvinobudisa nhau, kusanganisira mapepanhau neterevhizheni zvomunzvimbomo nezvomunyika iyoyo zvakaita chimwe chinhu chakatinakira pachiito ichocho. Pepanhau rinonzi Le Progrès de Lyon rakati: “Ichi chiitiko . . . chinonyatsojekesa kusanzwisisana mukutaura. Mumakore gumi apfuura, shoko rokuti ‘sekete’ . . . rakapa pfungwa isina kunaka, ine ngozi, neinokuvadza. . . . Zvapupu zvaJehovha hazvityisi zvokuti zvingaparira mhirizhonga yenzanga.”
Vanoziva Zvapupu zvaJehovha vanonzwisisa unhu hwazvo hworugare uye ruremekedzo rwazvo rukuru rwegadziriro yakagadzwa yavanhu. Saka, vakawanda mumigwagwa vakaonga uye vakatsigira makumi ezviuru eZvapupu zvakabatanidzwa munhimbe yacho. Nenguva isipi nhare, mafax, uye tsamba zvakagamuchirwa kubva kuvanhu vaionga turakiti racho. Kupfuura zvose vanhu vapachokwadi vakapiwa mukana wokuti vanzwe chokwadi pamusoro peZvapupu mukupesana nemashoko enhema naasina maturo, uye avo vakanzi vane zvitendero zvakaipa vakakwanisa kuratidza pfungwa dzavo dzezvavanokoshesa.