Nhamo Iripo Zvino Yekusaenzana
“Tinodavira kuti chokwadi ichi chakajeka, kuti vanhu vose vanosikwa vakaenzana, kuti vanopiwa noMusiki wavo Kodzero dzakati dzisina anodzibvisa, kuti pakati paidzodzi pane Upenyu, Rusununguko nokutsvaka Mufaro.”—Declaration of Independence, yakagamuchirwa neUnited States muna 1776.
“Vanhu vose vanoberekwa vakasununguka uye vakaenzana mukodzero.”—Declaration of the Rights of Man and of the Citizen, yakagamuchirwa neNational Assembly yeFrance muna 1789.
“Vanhu vose vanoberekwa vakasununguka uye vakaenzana muchiremera nekodzero.”—Universal Declaration of Human Rights, yakagamuchirwa neUnited Nations General Assembly muna 1948.
HAPANA mubvunzo pamusoro peizvi. Pakati pavanhu chido chokuenzana chiri munyika yose. Asi zvinosuruvarisa kuti, nemhaka yokuti pfungwa yekuenzana kwavanhu yave ichifanira kudzokororwa kakawanda seizvi zvinoratidza kuti nazvino kuenzana kwave kuchinzvenga rudzi rwomunhu.
Upi noupi angataura zvakasimba kuti iye zvino pakupera kwezana ramakore rechi20 zvinhu zvachinja kuva nani here? Ko vagari vose vomuUnited States nomuFrance, kana kuti vapi nevapi vemitezo 185 yeMubatanidzwa weNyika Dzapasi Pose, vane kodzero dzakaenzana idzo vanonzi vakaberekwa vanadzo here?
Kunyange zvazvo pfungwa yekuenzana kwavanhu vose ingava “yakajeka,” kodzero ku“Upenyu, Rusununguko nokutsvaka Mufaro” hadzina kutomboenzana kuvanhu vose. Somuenzaniso, kuenzana kupi muupenyu kwatingataura nezvakwo apo mwana muAfrica nevamwe vanhu 2 569 vachifanira kuva nachiremba mumwe chete, asi mwana muEurope anorapwa nevamwe vanhu 289 bedzi? Kana kuti kuenzana kupi mukodzero dzorusununguko nokutsvaka mufaro kuripo apo mumwe muvakomana vatatu uye vaviri muvasikana vatatu muIndia vanokura vasingagoni kurava nokunyora, asi munzvimbo dzakadai seJapan, Germany, neGreat Britain anenge mwana wose achisimbisirwa kuwana dzidzo?
Ko vanhu vari munyika dzeCentral America vanotambira mari inosvika $52 440 pagore pamunhu vane “chiremera nekodzero” muupenyu chakafanana nechevari muFrance here, vanotambira mari inosvika $949 620 pagore pamunhu? Kuenzana kupi uko mwana musikana achangoberekwa muAfrica, anofungidzirwa kuzorarama makore 56 anakwo, zvichienzaniswa nomwana musikana mucheche muNorth America anofungidzirwa kuzorarama makore 79?
Kusaenzana kune mativi akawanda, ose asingafadzi. Kusaenzana mumagariro uye mikana yokuwana mishonga nedzidzo ndemamwe acho. Dzimwe nguva misiyano yezvamatongerwe enyika, rudzi, kana kuti chitendero inonyanya kutorera vanhu chiremera chavo norusununguko. Pasinei zvapo nokutaura kwose pamusoro pokuenzana, tinorarama munyika yekusaenzana. Kufanana nenhamo—“inokonzera kutambudzika kwakapararira kana kuti kukuru,” serondedzero yeshoko racho—kusaenzana kunowanika pamwero wose wenzanga yavanhu. Marwadzo akunokonzera akaita sourombo, urwere, kusaziva, kushaya basa nokusarura anobaya kusvika panyama nhete.
“Vanhu vose vanosikwa vakaenzana.” Ipfungwa yakanaka zvakadini! Zvinosuruvarisa sei kuti zvakapesana ndizvo zvechokwadi zvikuru!
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
UN PHOTO 152113/SHELLEY ROTNER