Unoyeuka Here?
Wakarangarira nokungwarira zvinyorwa zvomunguva pfupi yapfuura zveNharireyomurindi here? Kana zvakadaro, uchanakidzwa nokuyeuka zvinotevera:
◻ Nei dzidziso yokufanosarudzirwa ramangwana isina mufungo?
Kana Mwari akafanoziva ndokurayira kutadza kwaAdhama, ipapo Jehovha akava muvambi wechivi paakaita munhu uye aizova nomutoro nokuda kwouipi hwose hwomunhu nokutambura. Izvi hazvigoni kuwiriraniswa neidi rokuti Jehovha ndiMwari worudo anovenga uipi. (Pisarema 33:5; Zvirevo 15:9; 1 Johane 4:8)—4/15, mapeji 7, 8.
◻ Mukuzadzikwa kwaIsaya 2:2-4, vanhu vanobva mumarudzi akawanda vari kuitei?
Sezvavanodirana kuimba yaJehovha yokunamata, vanoregawo ‘kudzidza kurwa’ nokuti vakaisa chivimbo chavo mukudzivirira kwamauto okudenga aMwari, ayo akagadzirira kuparadza vavengi vose vorugare.—4/15, peji 30.
◻ Mhare dzaMwari dzinotaurwa nezvadzo pana Joere 3:10, 11 ndivanaani?
Kanokwana ka280 muBhaibheri, Mwari wechokwadi anonzi “Jehovha wehondo.” (2 Madzimambo 3:14) Mauto aya mapoka ane simba engirozi dzokudenga, dzakagadzirira kuita zvinorayirwa naJehovha.—5/1, peji 23.
◻ Tinogona kudzidzei mukurayira kwaJehovha Jobho kuti anyengeterere vose vakamutadzira? (Jobho 42:8)
Jobho asati adzorerwa utano hwakanaka, Jehovha aida kuti anyengeterere vose vakanga vamutadzira. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anoda kuti tikanganwire avo vanotitadzira tisati takanganwirwa zvivi zvedu. (Mateo 6:12; VaEfeso 4:32)—5/1, peji 31.
◻ Jakobho akarevei paakati: “Kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa”? (Jakobho 1:4)
Kutsungirira kune “basa” rokuita. Mugove wako ndewokutiita vakakwana mumativi ose. Nokudaro, kupfurikidza nokubvumira miedzo kuti ifambire mberi kusvika kumugumo wayo pasina kushandisa mitoo isiri yomumagwaro kuikurumidzisa kuguma, kutenda kwedu kunoedzwa ndokuvandudzwa.—5/15, peji 16.
◻ Mwari akamirirei kugadzikisa zvinetso zvorudzi rwomunhu kwenguva refu kudai?
Kurangarira kwaJehovha nguva kwakasiyana nokwedu. Kuna Mwari asingagumi, nhambo yokubva pakusikwa kwaAdhama kusvika zvino haitombosviki vhiki. (2 Petro 3:8) Asi murangariro upi kana upi wenguva watingava tinawo, zuva rimwe nerimwe rinopfuura rinotiswededza pedyo nezuva raJehovha rokureverera.—6/1, peji 5, 6.
◻ Chii chinosunda Zvapupu zvaJehovha?
Kudzidzisa kwaJehovha kwakaita vanhu vakatanhamara, vakadzidziswa kudanana nokuda vavakidzani vavo saivo pachavo. (Isaya 54:13) Rudo ndirwo runosunda Zvapupu zvaJehovha kuti zvipfuurire kuparidza pasinei zvapo nokusakendenga kwapachena nechishoro. (Mateo 22:36-40; 1 VaKorinte 13:1-8)—6/15, peji 20.
◻ Chii chinorehwa namashoko aJesu okuti: “Irwai kupinda nesuo rakamanikana”? (Ruka 13:24)
Mashoko aJesu anoreva kuparapatika, kuzvishandisa. Mashoko ake anoratidzawo kuti vamwe vangatsvaka ku‘pinda napasuo’ pazvinenge zvakavanakira bedzi pamwero uri nyore wavanoda. Nokudaro mumwe nomumwe wedu anogona kubvunza kuti, ‘Ndiri kuzvishandisa nokushingaira nokubishaira here?’—6/15, peji 31.
◻ Vanomutswa vacha“tongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata” sei? (Zvakazarurwa 20:12)
Manyoro aya haasi chinyorwa chezvavakaita kare; pavakafa vakasunungurwa pazvivi zvavakaita mukati moupenyu hwavo. (VaRoma 6:7, 23) Zvisinei, vanhu vanomutswa vachava vachiri pasi pechivi chaAdhama. Ipapo, manyoro aya anofanira kuzivisa mirayiro yaMwari inofanira kuteverwa navose kuti vabatsirwe zvakazara nechipiriso chaJesu Kristu.—7/1, peji 22.
◻ Zvidzidzo zvipi zviripo nokuda kwedu mumuenzaniso waJesu pamusoro pomuSamarira akanaka? (Ruka 10:30-37)
Muenzaniso waJesu unoratidza kuti munhu akarurama zvechokwadi ndeuyo asingangoteereri mitemo yaMwari bedzi asi anotevedzerawo mavara ake. (VaEfeso 5:1) Unoratidzawo kuti kuvakidzana kunofanira kukurira miganhu yose yourudzi, yetsika, uye yorudzidziso. (VaGaratia 6:10)—7/1, peji 31.
◻ Inhauranda dzipi nhatu dzaungasvika nadzo pakuziva vana vako ndokugovera nhungamiro youbereki?
(1) Batsira vana vako kuti vasarudze rudzi rwebasa rokunyika rakakodzera; (2) vagadzirire kuti vabate nenhamo yomurangariro kuchikoro nokubasa; (3) varatidze nzira yokugutsa nayo zvinodikanwa zvavo zvomudzimu.—7/15, peji 4.
◻ Mwari akazorora pa“musi wechinomwe” nokuda kwechinangwa chei? (Genesi 2:1-3)
Mwari haana kuzorora nemhaka yokuti akanga aneta. Panzvimbo pezvo, akarega basa rapasi kuti abvumire basa ramaoko ake kukura ndokusvika pambiri yakakwana, zvichiita kuti arumbidzwe nokukudzwa.—7/15, peji 18.
◻ Ndedzipi nzira nhatu dzatinogona kushandisa nadzo ruramisiro?
Kutanga, tinofanira kuwirirana nemitemo yetsika yaMwari. (Isaya 1:17) Chechipiri, tinoruramisira patinobata vamwe nenzira yatinoda kuti Jehovha atibate nayo. (Pisarema 130:3, 4) Chechitatu, tinoratidza kururamisira kwaMwari patinogoverana nokushingaira mubasa rokuparidza. (Zvirevo 3:27)—8/1, peji 14, 15.