Pasi Richaguma Nokuparadzwa Here?
KUGUMA kwezana ramakore rechi20 kwava kusvika, uye zana ramakore rechi21 rava pedyo. Mumamiriro ezvinhu aya, vanhu vari kuwedzera avo vaisawanzopa ngwariro kana kusava nehanya neuporofita hwekuparadzwa vari kunetseka kana chimwe chiitiko chinovhundutsa nyika chingava pedyo zvikuru.
Ungava wakacherekedza nyaya dzemapepanhau nemagazini pamusoro peizvi—kunyange mabhuku akazara pamusoro penhau yacho. Kuti zana ramakore rechi21 richavamba nezviitiko zvipi, tinofanira kumirira kuti tione. Vamwe vanhu vanotaura kuti kusvika mugore ra2000 kunongoita musiyano wegore rimwe bedzi (kana kuti miniti imwe, kubva muna 2000 kusvika muna 2001) uye sezvingabvira hakusati kuchizova kuchikosha zvikuru. Chiri kunetsa vanhu vakawanda zvikuru inguva yemberi iri kure yepasi redu.
Humwe uporofita hunowanzotaurwa kakawanda zvikuru mazuva ano ndehwokuti pane imwe nguva—ingava mune ramangwana kana kuti munguva yemberi iri kure—Pasi pacharo richaguma nokuparadzwa kwachose chose. Rangarira mienzaniso mishomanene yokufanotaura kuparadza kwakadaro.
Mubhuku rake rinonzi The End of the World—The Science and Ethics of Human Extinction, rakatanga kubudiswa muna 1996, munyori uye muzivi John Leslie anotaura zvinhu zvitatu zvinobvira pamusoro penzira iyo upenyu hwomunhu pasi pano hungaguma nayo. Kutanga anobvunza kuti: “Hondo yenyukireya yakasimba ingagona kureva kuguma kworudzi rwomunhu here?” Ipapo anowedzera kuti: “Chiitiko chinobvira zvikuru . . . chingava kutsakatika kupfurikidza nemigumisiro yekupisa: kenza, kusashanda kwekuzvidzivira kwemiviri zvokuti hosha dzinopomeranwa dzinopararira, kana kuti kuremara kwakawanda pakuzvarwa. Kungagonawo kuva nenzufu dzetunhu tupenyu tusingaoneki tunokosha kuutano hwemhoteredzo.” Chinhu chinobvira chechitatu icho vaLeslie vanotaura ndechokuti pasi ringaparadzwa nemutumbi wemuchadenga kana kuti nenyeredzi: “Nezvemitumbi yemuchadenga nenyeredzi dzinotenderera zvokuti rimwe zuva dzingarova Pasi, panoratidzika kuva pane zvinenge zviuru zviviri zvakakura sedaro riri makiromita ari pakati pekiromita imwe nemakiromita gumi. Panewo nhamba duku (kuitaura kungava kungofungidzira chaiko) dzemitumbi mikuru, uye nhamba huru zvikuru yemitumbi miduku.”
Rondedzero Yakajeka ye“Zuva Rokutongwa”
Kana kuti rangarira mumwe musayendisiti, Paul Davies, purofesa wepaUniversity of Adelaide, Australia. Akataurwa nezvake neWashington Times se“munyori akanakisisa wesayenzi pamativi ose eAtlantic.” Muna 1994 akanyora bhuku rinonzi The Last Three Minutes, iro rakanzi “huru yadzo yemabhuku ose anotaura nezvezuva rokutongwa.” Ganhuro rokutanga rebhuku iri rinonzi “Zuva Rokutanga,” uye rinorondedzera chiitiko chokufungidzira chezvingagona kuitika kudai mumwe mutumbi wokudenga waizoparadza Pasi. Rava rutivi rwerondedzero yake inodederesa:
“Pasi rinodedera nesimba rinopfuura kudengenyeka kwapasi kwakapetwa zviuru gumi. Kuputika kwemhepo ine simba inovhuvhuta iri pamusoro pemburumbwa, ichikuyakuya zvivako zvose, ichiputsa zvinhu zvose zviri munzira yayo. Nzvimbo yakati sandarara yakapoteredza pakarohwa pacho inosimuka ichienda mudenga semakomo akaita mvura akakwirira makiromita anoverengeka, zvichiita kuti nzvimbo dzakadzika zvikuru dzepasi dzive sezigomba rakakura makiromita zana rimwe nemakumi mashanu. . . . Mirwi mikuru yeurangwanda inomwararika ichienda muchadenga, ichidzivisa kuti zuva risasvika munyika yose. Zvino chiedza chezuva chinotsiviwa nechiedza chinoparadza, chinodzimaidza chemabhiriyoni emitumbi yemuchadenga, ichibvuraudza pasi nekupisa kwayo kunoparadza, sezvo zvinhu zvakabviswa munzvimbo yazvo zvinodzika kubva muchadenga zvichiuya pasi.”
Purofesa Davies anopfuurira kubatanidza ichi chiitiko chokufungidzira nokufanotaura kwokuti mutumbi wemuchadenga unonzi Swift-Tuttle uchabonderana nepasi. Anowedzera nyevero yokuti kunyange zvazvo chiitiko chakadaro chingasava chinobvira munguva yemberi iri pedyo, mukuona kwake “nokukurumidza kana kuti gare gare Swift-Tuttle, kana kuti chimwe chinhu chakafanana nawo, chicharova Pasi.” Mhedziso yake yakavakirwa pakufungidzira kunokarakadza kuti zvinhu 10 000 zvakakura sehafu yekiromita kana kuti kupfuura zvinofamba zvichitenderera zvichipesana nePasi.
Unodavira kuti kariro dzakadaro dzinotyisa ndedzechokwadi here? Nhamba yevanhu inoshamisa inodavira. Asi vanosundira kure kunetseka kupi nokupi kupfurikidza nokuzvivimbisa kuti hazvisati zvichizoitika vachiri vapenyu. Nei, kunyange zvakadaro, Pasi richifanira kumboparadzwa—zvimwe nokukurumidza kana kuti muzviuru zvemakore kubva panguva ino? Zvirokwazvo, harisi pasi pacharo riri kupa zvinetso kuvagari varo, vanhu kana kuti mhuka. Panzvimbo pezvo, munhu pachake haasi iye here ari kuparira zvinetso zvakawanda zvikurusa muzana rino remakore rechi20, kubatanidza bviro yoku“paradza pasi” zvachose chose?—Zvakazarurwa 11:18.
Kukundikana Kwevanhu Kutarisira Pasi Kunogadziriswa
Zvakadini nezvingakaroitika zvikuru zvokuti munhu pachake angaparadza pasi zvachose chose kupfurikidza nokukundikana kwake kutarisira uye makaro? Hapana mubvunzo pamusoro pokuti kuparadzwa kukuru kwemativi apasi kwakatoitika kupfurikidza nokutema masango kwakanyanyisa, kushatiswa kwemhepo kusingadzorwi, uye kusvibiswa kwemvura. Izvi zvakapfupikiswa zvakaisvonaka makore 25 akapfuura nevanyori Barbara Ward naRené Dubos mubhuku ravo rinonzi Only One Earth kuti: “Nharaunda huru nhatu dzokusvibiswa dzatinofanira kunzvera—mhepo, mvura, uye ivhu—dzinoumba, chokwadika, mativi makuru matatu oupenyu hwedu hwapasi.” Uye zvinhu hazvina kuchinja nenzira inokosha kubva panguva iyoyo, zvakachinja here?
Pakurangarira kubvira kwekukanganisa pasi kwemunhu kana kuti kuparadza kupfurikidza noufuza hwake, tinogona kukurudzirwa kupfurikidza nokurangarira masimba anoshamisa ePasi okuzvimutsidzira uye kuwanazve simba. Achirondedzera uku kukwanisa kumukazve kunoshamisa, René Dubos anotaura tsinhiro idzi dzinokurudzira murimwe bhuku, rinonzi The Resilience of Ecosystems:
“Vanhu vakawanda vanotyira kuti kuziva nezvokuipiswa kwemhoteredzo kwakanonoka kuuya nemhaka yokuti kukuvadzwa kwakawanda kukuru kwakatoitwa kuzvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo hakuchadzoreki. Mukuona kwangu, uku kusava nechivimbo hakururamiswi nemhaka yokuti zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo zvakasikwa zvine masimba makuru ekuzvimutsidzira kubva pakukuvadzwa kune ngozi.
“Zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo zvakasikwa zvine mitoo inoverengeka yokuzvirapa. . . . Inogonesa zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo kukurira kuparadzwa kupfurikidza nokungotangazve nenzira inofambira mberi mamiriro ezvinhu okutanga akakodzera eukama hwezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo.”
Zvinogona Kuitwa
Muenzaniso wakatanhamara weizvi mumakore achangobva kupfuura kucheneswa kwepashoma nepashoma kwerwizi rwemuLondon Thames. Bhuku rinonzi The Thames Transformed, rakanyorwa naJeffery Harrison naPeter Grant, rinorondedzera uku kubudirira kunoshamisa kunoratidza zvinogona kuitwa apo vanhu vanoshanda pamwe chete mukuita zvinhu zvinobetsera vanhu vose. Jinda remuEdinburgh muBritain rakanyora aya mashoko esumo mubhuku racho kuti: “Pano pakupedzisira pane nyaya yekubudirira pamwero mukuru zvokuti yakakodzera kubudisa pasinei zvapo nokuti ingakurudzira vamwe vanhu kufunga kuti zvinetso zvinonanganwa nazvo mukuchengetedza pasi hazvina kukomba chaizvoizvo sezvazvinodavirwa kuva. . . . Vose vanogona kukurudzirwa nezvakaitwa paThames. Mashoko akanaka ndeokuti zvinogona kuitwa uye zvirongwa zvavo zvinogonawo kubudirira.”
Muganhuro rinoti “Kuchenesa Kukuru,” Harrison naGrant vanonyora nembavarira pamusoro pezvakaitwa mumakore 50 akapfuura vachiti: “Kwenguva yokutanga munyika, rwizi rwakasvibiswa zvikuru uye rwakazadzwa netsvina yamaindasitiri rwakadzorerwa kumwero wakanaka wakadaro wokuti hukurwizi nehove zvakawanda zvekare. Kuti kuchinja kwakadaro kwakaitika nokukurumidza zvikuru kwazvo, mumamiriro ezvinhu ayo pakutanga aiita seasina tariro, kunopa kurudziro kunyange kuvachengetedzi vemasango vasina tariro zvikurusa.”
Pashure pezvo vanorondedzera kuchinja kwacho: “Mamiriro ezvinhu murwizi akawedzera kuipa zvakadzikama mukufamba kwemakore pachiva, zvimwe, nekwaiva kuitika kwakaipisisa kwekushatiswa kwakauya neHondo Yenyika Yechipiri apo zvivako zvinochengeterwa mvura yetsvina nematangi zvakakuvadzwa kana kuti kuparadzwa. Muma1940 uye muma1950 utano hweThames hwakanga hwava pakadereresa. Rwizi rwacho rwakanga rwakafanana nedziva rinochengeterwa mvura yetsvina; mvura yakanga ine ruvara rutema, yakanga isina oxygen, uye mumwedzi yechirimo mweya unonhuwa waibva muThames wainzwika munharaunda yakakura. . . . Hove dzaichimbova dzakazara pakupedzisira dzakanga dzarasirwa panze, kunze kwehunga shomanene dzakagona kupona nemhaka yokukwanisa kwadzo kufema mweya zvakananga kubva pamusoro pemvura. Shiri dzemunzizi dziri pakati peLondon neWoolwich dzakaderedzwa kusvika pakuva mallard nemute swan shomanene, uye dzairarama nemhaka yokurasikira kwenzizi panzvimbo pemugove wemusikirwo wezvokudya. . . . Ndiani angadai akadavira panguva iyoyo kuchinja kukuru kwakanga kwava pedyo nokuitika? Mumakore gumi mahombekombe mamwe chete iwayo aizochinjwa kubva mukusava nechinhu kukuva nzvimbo inopoterwa nemarudzi akawanda eshiri dzemumvura, kubatanidza hukurwizi dzinosvika 10 000 dzinouya munguva yechando uye mawader 12 000.”
Chokwadika, izvozvo zvinorondedzera kuchinja kuduku bedzi munzvimbo duku yepasi. Kunyange zvakadaro, tinogona kukurudzirwa nomuenzaniso uyu. Unoratidza kuti Pasi hapafaniri kurangarirwa kuti pachaguma nokuparadzwa nemhaka yekukundikana kutarisira, makaro uye kusava nemufungo kwemunhu. Dzidzo yakarurama uye kushandira pamwe nokuda kwekuita zvakanakira rudzi rwomunhu zvinogona kubetsera pasi kugumisa kunyange kuparadzwa kwaro kukuru muzvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo, uye nyika. Asi zvakadini nekuparadzwa kunobvira kunoitwa nemasimba okunze, akadai semitumbi yemuchadenga nenyeredzi zvinotenderera?
Nyaya inotevera ine kiyi yemhinduro inogutsa yemubvunzo wakaoma wakadaro.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Dzidzo uye kushandira pamwe zvinogona kubetsera pasi kugumisa kunyange kuparadzwa kwaro kukuru