Varanda Vevanhu Kana Kuti Vabatiri vaMwari Here?
“ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinofanira kuyemurwa kusvika kumwero wakati.” Rinodaro bhuku reGermany rinonzi Seher, Grübler, Enthusiasten (Zviono, Vanofungisisa, Vanhu Vane Mbavarira). Kunyange zvazvo richiti tsoropodzei Zvapupu, rinobvuma kuti: “Kazhinji kazhinji, zvinorarama upenyu husina chahungapomerwa, hwepakati nepakati. Zvinoshingaira uye zvinongwarira basa razvo, vagari venyika vakanyarara uye vabhadhari vemitero vakatendeseka. Zvinodzivisa kuronda pfuma. . . . Kuzvidzora kwazvo pakokorodzano kunorumbidzwa. Mudzimu wazvo wokurega zvimwe zvinhu wakaenzana nerimwe boka ripi neripi zvaro rorudzidziso; pamusoro poushumiri zvinokunda mamwe ose. Asi chinozvikwidza pamusoro pemamwe machechi ose nemapoka echiKristu omuzuva redu kupwiswa kusingamboputsiki uko vazhinjisa vazvo vanozivisa nako dzidziso dzavo mumamiriro ezvinhu ose zvawo uye pasinei zvapo nengozi dzose.”a
Pasinei zvapo nekuongorora kwakanaka kwakadaro, mimwe mirangariro inoedza kuratidza Zvapupu zvaJehovha nemamwe maonere akasiyana zvikuru. Munyika zhinjisa kupote nyika, Zvapupu zvakaita mabasa azvo orudzidziso pachena kwemakumi emakore pasina kudzongonyedzwa. Mamiriyoni evanhu anozviziva, anozviremekedza, uye anobvuma kuti zvine kodzero yokushandisa rudzidziso rwazvo. Nei, ipapo, pane kusava nechokwadi kupi nokupi pamusoro pokuti Zvapupu zvaJehovha ndivanaani?
Zvichida chimwe chikonzero chokusava nechokwadi ndechokuti munguva pfupi yapfuura mamwe mapoka orudzidziso akati wandei akabatanidzwa mukubata vana zvisina kufanira, kuzviuraya kwevanhu vakawanda, uye kurwisa kwemagandanga. Chokwadika, zviito zvakatsauka zvakaita seizvi zviri kwose kwose, kwete bedzi pakati peavo vezvorudzidziso. Pamusoro porudzidziso, zvisinei, vanhu vakawanda vava vanonyumwira, vamwe kunyange kutovenga.
Ngozi Dzokutevera Vanhu
“Sekete” rakarondedzerwa se“boka rinonamatira kudzidziso yakati kana kuti kumutungamiriri.” Nenzira yakafanana, avo vari ve“chitendero” vane “kuzvipira kukuru kumunhu, kupfungwa, kana kuti kuchimwe chinhu.” Chaizvozvo, mitezo yeboka ripi neripi rorudzidziso inonamatira zvakasimba kuvatungamiriri vari vanhu nepfungwa dzavo, iri mungozi yokuva varanda vevanhu. Ukama hwakasimba hunotsamira pamutungamiriri hunogona kutungamirira pakuvimba nendangariro nomudzimu kusina kunaka. Ngozi yacho inogona kuva huru apo munhu anorererwa mumhoteredzo yemasekete kubva pauhwana.
Avo vanoitira hanya pamusoro porudzidziso vanoda mashoko akavimbika. Vamwe vangava vakaudzwa kuti Zvapupu ndezvesangano rorudzidziso rinoita vateveri varo varanda, rinovadzora nesimba, rinoganhurira rusununguko rwavo zvisina kufanira, uye rinoita kuti vasawirirane nenzanga yose zvayo.
Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti kunetseka uku hakuna zvikonzero. Naizvozvo, zvinokukoka kuti unzvere pachako. Pashure pokurangarira nokungwarira, ita mhedziso dzako pachako. Zvapupu vabatiri vaMwari, sezvazvinotaura, kana kuti chaizvoizvo varanda vevanhu here? Simba razvo rinobva kupi? Nyaya mbiri dziri pamapeji 12-23 dzichagovera mhinduro dzinogutsa kumibvunzo yakadaro.
[Mashoko Omuzasi]
a Chinyorwa chapakutanga cha1950 chakanga chisina mashoko ari pamusoro apa. Kuvapo kwawo muchinyorwa chakahwirudzurwa cha1982 nokudaro kunoratidza kunzwisiswa kuri nani kweZvapupu zvaJehovha.