RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 2/15 pp. 5-7
  • Zvapupu zvaJehovha Isekete Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Isekete Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Icho Ufakazi Hunoratidza
  • Rudzidziso Runosanozivikanwa
  • “Zvakanyura Mukubetsera Vanhu”
  • Namatiro Yakasimba kuBhaibheri
  • Ndiani Ari Mutungamiriri Wazvo?
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Zvapupu zvaJehovha Isangano Rakatangwa Nemunhu Here?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Masekete—Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • MaKristu Nechaunga Chavanhu Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 2/15 pp. 5-7

Zvapupu zvaJehovha Isekete Here?

JESU KRISTU akapomerwa kuva chidhakwa, anodyisa, mupunzi weSabata, chapupu chenhema, mutuki waMwari, uye nhume yaSatani. Akapomerwawo kuva anomukira.—Mateo 9:34; 11:19; 12:24; 26:65; Johane 8:13; 9:16; 19:12.

Pashure porufu rwaJesu norumuko, vadzidzi vake nenzira yakafanana vakanga vari chinangwa chepomero dzakakomba. Boka rimwe ramaKristu omuzana rokutanga ramakore rakazvuzvurudzirwa kuvatongi veguta navanhu vaishevedzera, kuti: ‘Ava varume vakangaidza pasi rinogarwa.’ (Mabasa 17:6) Pane imwe nhambo muapostora Pauro neshamwari yake Sirasi vakaendeswa kuzviremera ndokupomerwa kukangaidza zvikuru guta reFiripi.—Mabasa 16:20.

Pauro gare gare akapomerwa kuva “murume uyu wakashata kwazvo, unomutsa bope pavaJudha vose panyika dzose” uye kuedza “kushatisa tembere.” (Mabasa 24:5, 6) Varume vakuru vavaJudha muRoma vakarondedzera nenzira yakarurama mugariro wavateveri vaJesu apo vakabvuma, kuti: “Nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose kwose.”—Mabasa 28:22.

Sezviri pachena, iri boka idzva rakatangwa naJesu Kristu rairangarirwa navamwe kuva boka rorudzidziso rine mirangariro yokunyanyisa nemiitiro yaibonderana nechaigamuchirwa mumazuva iwayo somufambiro wenzanga womuzvarirwo. Nenzira isingapanikirwi, vazhinji nhasi vangadai vakarangarira maKristu sesekete rinoparadza. Vapomeri vaiwanzova mitezo yakatanhamara neinoremekedzwa yenzanga, uye ikoku kunoratidzika kuva kwakawedzera ukoshi kupomero dzacho. Vazhinji vaidavira pomero dzaiitirwa Jesu navadzidzi vake. Bva, zvimwe sezvaunoziva, iri yose yeidzi pomero yakanga iri yenhema! Idi rokuti vanhu vakataura zvinhu izvozvi harina kuzviita zvechokwadi.

Zvakadiniko nhasi? Kwaizova kwakarurama here kunongedzera kuZvapupu zvaJehovha seboka rorudzidziso rine mirangariro yokunyanyisa nemiitiro zvinobonderana nechinogamuchirwa somufambiro wenzanga womuzvarirwo? Zvapupu zvaJehovha isekete here?

Icho Ufakazi Hunoratidza

Mukuru mukuru wehurumende weguta reSt. Petersburg, Russia, akatsanangura, kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvakaratidzwa kwatiri sorudzi rwakati rwesekete rapasi pevhu rakagara murima uye richibaya vana nokuzviuraya rimene.” Zvisinei, vanhu veRussia misi ichangobva kupfuura iyi vakava vakarovedzana zviri nani norudzi rwechokwadi rweZvapupu. Pashure pokushanda neZvapupu zvaJehovha pamusoro pekokorodzano yamarudzi ose, mukuru mukuru mumwe cheteyo akati: “Zvino ndinoona vanhu vomuzvarirwo, vanonyemwerera, kunyange vari nani kupfuura vanhu vazhinji vandinoziva. Ivo vane rugare uye vakaterama, uye vanodana zvikuru kwazvo.” Iye akawedzera, kuti: “Handinzwisisi chaizvoizvo nei vanhu vachitaura nhema dzakadaro pamusoro pavo.”

Zvapupu zvaJehovha hazviiti misangano yomuitiro, uyewo kunamata kwazvo hakuna kuvanzwa. Munyori asiri Chapupu Julia Mitchell Corbett anoti: “Apo zvinosangana, kazhinji kazhinji kanopfuura kamwe pavhiki, muHoro dzoUmambo (nzvimbo dzazvo dzemisangano hadzinzi chechi), zhinjisa yenguva yazvo inopedzerwa mufundo yeBhaibheri nekurukurirano.” Nzvimbo dzazvo dzemisangano dzinoratidzirwa zvakajeka nechiratidzo. Misangano yacho ndeyavose, uye vanhu vose zvavo vanokokwa kuti vapinde. Vaenzi vasingaziviswi vanofarirwa zvikuru.

“Zvapupu zvakawana mukurumbira wokuva zvakatendeseka, zvine tsika, uye zvinobishaira,” anowedzera kudaro Corbett mubhuku rake Religion in America. Vazhinji vasiri Zvapupu vanobvuma nokudisa kuti hapana chinhu chinoshamisa kana kuti chechienzi pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Mufambiro wazvo haubonderani nechinogamuchirwa somufambiro wenzanga womuzvarirwo. The New Encyclopædia Britannica inotaura nenzira yakarurama kuti Zvapupu “zvinoomerera pabumbiro remitemo retsika dzakakwirira mumufambiro womunhu oga.”

Mutungamiri wenhau negadziriro chaidzo wechiteshi cheterevhizheni muUnited States akanyorera Zvapupu zvaJehovha mukupindura mushumo wakaipa pamusoro peZvapupu mushoo yenhau yeTV ye 60 Minutes. Iye akati: “Kudai vanhu vazhinji vairarama nenzira inoita nayo kutenda kwenyu, rudzi rwuno rungadai rusiri mumugariro warwuri. Ndiri munyori wenhau mumwe anoziva kuti sangano renyu rakavakirwa parudo nokutenda kwakasimba muMusiki. Ndinoda kuti muzive kuti havasati vari vanyori vose veNhau vanofungira mano akaipa zvakafanana.”

Rudzidziso Runosanozivikanwa

Kwakanaka here kutaura kuti Zvapupu zvaJehovha iboka rorudzidziso duku rinonyanyisa? Mupfungwa yakati, Zvapupu zvaJehovha zvishomanene muchiverengero zvikaenzaniswa namamwe marudzidziso. Zvisinei, yeuka icho Jesu akataura: “Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.”—Mateo 7:13, 14.

Zvisinei hazvo, Zvapupu hazvisati zvichitongova sekete duku rinonyanyisa. Muchirimo cha 1993, vanhu vanopfuura mamirioni gumi neimwe vakapinda Chirangaridzo cheZvapupu chorufu rwaKristu. Asi chinokosha zvikuru kupfuura chiverengero chazvo hunhu hwazvo hwetsika nomufambiro womuenzaniso, izvo zvakazviunzira rumbidzo yenyika yose. Nenzira isingapanikirwi ichi chave chiri chinhu chakaparira nyika dzakawanda kuzvipa kuzivikanwa kwapamutemo sorudzidziso runozivikanwa, rwapachokwadi.

Chakatanhamara chisarudzo chemisi ichangobva kupfuura iyi chakaitwa neEuropean Court of Human Rights. Chakazivisa kuti Zvapupu zvinofanira kufarikanya rusununguko rwomufungo, rwehana, uye rworudzidziso uye kuti zvine maruramiro okutaura pamusoro pokutenda kwazvo ndokukudzidzisa kuvamwe. Ikoku kwaisazotongova kwakadaro kudai Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa kuva zvinoshandisa unyanzvi hwokunyengera nohusiri hwetsika kuwana mitezo kana kuti kudai zvaishandisa mitoo inopesvedzera yokudzora nayo ndangariro dzavateveri vazvo.

Mapoka kupota nyika akasanorovedzana neZvapupu zvaJehovha. Nezvamamirioni asiri Zvapupu ari kufunda Bhaibheri neZvapupu kana kuti awo akafunda nazvo pane imwe nguva yakati, tinobvunza kuti, Kwaiva nokuedza kupi nokupi kwokukunyengerai here? Zvapupu zvakashandisa unyanzvi hwokudzora ndangariro pamuri here? “Aiwa” pasina panikiro yaizova mhinduro yenyu yokutendeseka. Sezvinooneka, kudai iyi mitoo yakanga yave ichishandiswa, kwaizova nechiverengero chikuru chavanyajambwa mukupesana nenharo dzipi nedzipi dzokuda Zvapupu zvaJehovha.

“Zvakanyura Mukubetsera Vanhu”

Mitezo yesekete inowanzozviparadzanisa imene nemhuri, shamwari, uye kunyange chaunga chose zvacho. Ndozvakwakaita neZvapupu zvaJehovha here? “Handisati ndiri weZvapupu zvaJehovha,” akanyora kudaro mumwe munyori wenhau muCzech Republic. Bva iye akawedzera, kuti: “Kuri pachena kuti izvo [Zvapupu zvaJehovha] zvine simba guru retsika. . . . Zvinoremekedza zviremera zvehurumende asi zvinodavira kuti Umambo hwaMwari bedzi hunokwanisa kupedza zvinetso zvose zvavanhu. Asi cherechedza—hazvisati zviri vanyanyisi. Izvo vanhu vakanyura mukubatsira vanhu.”

Uye hazvisati zvichigara muzvita, zvichizviparadzanisa zvimene nehama dzokunyama navamwe. Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti mutoro wazvo wapaMagwaro kuda nokutarisira mhuri dzazvo. Zvinogara uye zvinoshanda navanhu vamadzinza ose namarudzidziso. Apo ngwavaira dzinorova, zvinokurumidza kuita chimwe chinhu nemigove yokubetsera norumwe rubatsiro rwomutsa.

Chinokosha zvikuru, izvo zvakabatikana mugadziriro yedzidzo isingaenzaniswi. Marudzidziso mangani ane muitiro wakarongwa wokushanyira somunhu oga munhu ari wose ari munzanga yazvo? Zvapupu zvaJehovha zvinoita ikoku munyika dzinopfuura 200 uye mumitauro inopfuura 200! Nenzira yakajeka, Zvapupu zvaJehovha zvaka“nyura mukubetsera vanhu.”

Namatiro Yakasimba kuBhaibheri

Sezvinobvumwa, dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzakasiana neidzo dzinogoverwa nechechi. Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Jehovha ndiye Mwari wamasimba ose uye kuti Jesu Mwanakomana wake, kwete rutivi rwamwari woutatu. Kutenda kwazvo kwakasimbiswa muchitendero chokuti Umambo hwaMwari hwoga hunogona kuunza rusununguko kuvanhu vanotambura. Zvinonyevera vanhu nezvoruparadziko rwava pedyo rwetsika ino yakaipa yezvinhu. Izvo zvinoparidzira pamusoro pechipikirwa chaMwari cheparadhiso yapasi nokuda kworudzi rwomunhu rwunoteerera. Izvo hazvinamati chipiyaniso. Izvo hazvichengeti Krisimisi. Izvo zvinodavira kuti mweya unofa uye kuti hakuna hero yomwoto. Izvo hazvisati zvichizodya ropa, uyewo hazvisati zvichizogamuchira kuisirwa ropa. Zvinorega kubatanidzwa mumatongerwe enyika nokutora rutivi muhondo. Wati wambozvibvunza umene here nei dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzakasiana kwazvo?

Pepanhau reMassachusetts, Daily Hampshire Gazette, rinotsanangura kuti “dudziro yakasimba [yeZvapupu zvaJehovha] yeBhaibheri inorambidza mibato yakawanda iyo vamwe vanorerutsa . . . , zvose munhamburiko yokutevera muenzaniso wamaKristu omuzana rokutanga ramakore neshoko reBhaibheri.” The Encyclopedia of Religion inobvuma kuti “zvose zvazvinodavira zvakavakirwa paBhaibheri. Izvo ‘zvinobvumikisa norugwaro’ (ndiko kuti, zvinogovera chikamu chamashoko cheBhaibheri kutsigira) kutaurwa kunodokuva kuri kwose kwokutenda, zvichigamuchira pasina panikiro chiremera cheBhaibheri, icho chinotsiva chose chose gamuchidzanwa.” Bhuku rinonzi Religion in America rinoti: “Boka racho harina kutongobva pamurangariro waro pafundo yeBhaibheri, uye dzidziso dzaro dzinotsigirwa netsika yakasanorongwa yenongedzero kurugwaro.”

Ndiani Ari Mutungamiriri Wazvo?

Kurumbidzwa nokunamatwa kwavatungamiriri vavanhu zvinoratidzira kwazvo masekete nhasi hazvisati zvichiwanikwa pakati peZvapupu zvaJehovha chaizvoizvo nemhaka youku kusanonamatira kudzidziso dzeBhaibheri. Izvo zvinoramba murangariro womusiano wavafundisi navanhuwo zvavo. The Encyclopedia of Religion inotaura zvakarurama pamusoro peZvapupu zvaJehovha, kuti: “Boka ravafundisi namazita okuremekedza akatsauka zvinorambidzwa.”

Izvo zvinotevera Jesu Kristu soMutungamiriri wazvo uye soMusoro weungano yechiKristu. Akanga ari Jesu akati: “Musaidzwa Rabhi; nokuti mudzidzisi wenyu ndomumwe, imi mose muri hama. Musaidza munhu uri panyika baba venyu, nokuti mumwe chete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga. Musaidzwawo vatenzi, nokuti mumwe chete ndiTenzi wenyu, iye Kristu.”—Mateo 23:8-12.

Kwakajeka kuti Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvichitongova sekete sezvo Jesu akanga asati achitongova anodyisa uye chidhakwa. Sezvinobvumwa, haasati ari munhu wose akapesvedzerwa nemishumo yenhema pamusoro paJesu navadzidzi vake akanyengerwa kumuchera. Vamwe vangave vakangoudzwa zvazvo zvisina kururama. Kana une mibvunzo pamusoro peZvapupu zvaJehovha nezvitendero zvazvo, kuregerereiko kusvika pakuzviziva zviri nani? Masuo okupinda muHoro dzoUmambo dzazvo akazaruka zvikuru kuvose vanotsvaka zvokwadi.

Iwe unogonawo kubetserwa nenzvero yazvo yokungwarira nokuda kwezivo yakarurama yeBhaibheri ndokudzidza nzira yokunamata nayo Mwari mutsinhirano namashoko aJesu, anoti: “Nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mu[mudzimu, NW] nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.”—Johane 4:23.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe