RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 3/15 p. 11
  • “Bhaibheri Rechigunwe Chimwe”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Bhaibheri Rechigunwe Chimwe”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Chinhu Chitsva Kuvanoda Shoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Shanduro yeNyika Itsva Inodiwa Nemamiriyoni Evanhu Pasi Pose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Jehovha ndiMwari Anotaura Nevashumiri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Shanduro yeNyika Itsva
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 3/15 p. 11

“Bhaibheri Rechigunwe Chimwe”

AOMA MITEZO pashure pokutambura nesitiroko inoparirwa nezuva, Joseph Schereschewsky aingogona kunyora netapureta bedzi, achishandisa chigunwe chimwe. Asi akaita chinangwa chake—kushandurira Bhaibheri muchiChina, mumwe wemitauro yakaoma zvikurusa kuti munhu wokumwe aukwanise.

Akaberekwa ari muJudha, Schereschewsky akanzvera uye akagamuchira chiKristu akura. Pakupedzisira akava mufundisi muChina. Ikoko, akagoverana mumabasa akawanda okushandura, achitanga nokukurumidza somuna 1866 uye achipfuurira kusvika mumakore okutanga ezana remakore rechi20. Nemhaka yokuziva kwake chiJudha, Schereschewsky akanga akarovedzana zvikuru nechiHebheru kupfuura dzimwe nyanzvi biyake. Nokudaro, akapiwa basa rokushandura Magwaro ose echiHebheru. Nechokumugumo webasa rake renguva refu, akanga ashandura Bhaibheri rose rine nongedzero muchiChina.

Semushanduri weBhaibheri, Joseph Schereschewsky akanga ari mutsigiri akasimba weshanduro mumutauro unozivikanwa. Asi basa rake rakanga risiri nyore. Kubetsera kwake muBhaibheri rechiChina kwakatanhamara, rinodaro bhuku rinonzi The Book of a Thousand Tongues, “nemhaka yokuti kwaibatanidza zvakawanda kwazvo uye kwakaitwa mukurwisana nemhinganidzo dzakawanda kwazvo.”

Pashure pokunge maoko aSchereschewsky aoma, akangopfuurira nebasa rake. Kutaipa kwaida nhamburiko huru, sezvo akanga asingachashandisi maoko ake senguva dzose. Naizvozvo akadana shanduro iyi kuti Bhaibheri rake rechigunwe chimwe. Kuti ariite pasinei zvapo nemhinganidzo dzake, Schereschewsky akatsungirira kwemakore 25. Nokusaneta, akagoverana mukuita kuti Shoko raMwari rinzwisiswe muchiChina—mutauro unotaurwa nevanhu vakawanda kupfuura mimwe yose.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 11]

Mifananidzo yose iri miviri: Yakabva kuAmerican Bible Society Archives

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe