RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 1/15 pp. 19-22
  • Kufanorongera Vadiwa Vedu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufanorongera Vadiwa Vedu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kufungirei Nezverufu?
  • Kubvuta Zvinhu
  • “Vaviri Vachava Nyama Imwe”
  • Tsika Dzemariro
  • Kushandisa Matanho Epamutemo
  • Kukurukura Zvinhu Nemhuri
  • Kudzivirira Mhuri Yako
  • Murangariro wechiKristu Wetsika Dzamariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mhuri Yenyu Inogona Kufara
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Mwari Anouya Pakutanga Mumhuri Yenyu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Gadziriro Yorudo Yemhuri yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 1/15 pp. 19-22

Kufanorongera Vadiwa Vedu

NYAYA inosuruvarisa yaAnnie yakaoneka munguva pfupi yapfuura murimwe pepanhau remuAfrica. Murume waAnnie akanga ari muzvinabhizimisi. Akafa muna 1995, achisiya motokari 15; maakaundi ekubhangi anoverengeka; mari inenge $48 000; chitoro; bhawa; uye imba ine makamuri matatu okurara. Chaasina kusiya chakanga chiri chido chenhaka.

Maererano nomushumo muramu waAnnie akatora pfuma yacho nemari uye akamumanikidza kubuda mumusha wavo nevana vake vatanhatu. Vava varombo, iye nevana vake zvino vanogara nehanzvadzi yake. Vana vevana vacho vaifanira kurega chikoro, sezvo pasina mari yesikurufizi kana kuti yeyunifomu.

Annie akamhan’ara kudare repamusoro, iro rakasarudza kuti anofanira kudzorerwa zvimwe zvinhu, kubatanidza motokari. Asi hapana zvakadzoswa. Anofanira kuenda kudare zvekare kuti atsvake rugwaro rwunomanikidza muramu wake kuteerera mutongo wedare repamusoro.

Kufungirei Nezverufu?

Nyaya yaAnnie inoratidzira zvingaitika apo musoro wemhuri unokundikana kuronga kubvira kwerufu rwake. Parufu, vanhu vose vano“siyira vamwe pfuma yavo.” (Pisarema 49:10) Zvakare, vakafa havagoni kudzora zvinoitwa nezvinhu zvavo. (Muparidzi 9:5, 10) Kuti ataure zvinofanira kuitwa nezvinhu zvake, munhu anofanira kuronga zvinhu asati afa.

Kunyange zvazvo tose zvedu tichiziva kuti tingafa zvisingakarirwi, vanhu vakawanda vanokundikana kufanorongera zvinhu vadiwa vavo vanosara. Kunyange zvazvo kurukurirano yedu ichaisa ngwariro pamapoka akati etsika muAfrica, zvinetso zvakafanana zviri mumamwe mativi enyika.

Inhau yemunhu oga kuti unoronga here kugovewa kwezvinhu zvako panoitika rufu. (VaGaratia 6:5) Bva, mumwe angabvunza kuti, ‘Nei murume achida uye achitarisira mudzimai wake nevana achiri mupenyu asi asingazovarongeri garikano yavo kana afa?’ Chikonzero chikuru ndechokuti vakawanda vedu hatidi kufunga nezvekubvira kwokuti tingafa, ndoda kutomboronga nezverufu. Kutaura idi, hatigoni kufanoona zuva rokufa kwedu, sezvinotaura Bhaibheri kuti: “Imi musingazivi zvamangwana. Nokuti muri mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.”—Jakobho 4:14.

Kuronga kubvira kwerufu kunoshanda. Kunoratidzawo kuitira hanya kworudo vanosara. Kana tikasaronga zvinhu zvedu, vamwe vachaita saizvozvo. Zvimwe vanhu vatisina kumbobvira taonana navo vachaita zvisarudzo pamusoro pezvinhu zvedu uye gadziriro dzemariro. Mumamiriro ezvinhu akadaro mudzimwe nyika, Hurumende inosarudza kuti ndiani achawana mari yedu nezvinhu. Mudzimwe nzvimbo, hama dzokunyama dzinosarudza, uye zvisarudzo izvi kazhinji kazhinji zvinova nokupopotedzana kunoparira utsinye mumhuri. Uyezve, zvinosarudzwa zvingava zvakasiyana zvikuru nezvataizodai tashuva.

Kubvuta Zvinhu

Chirikadzi inotambura zvikurusa panofa murume wayo. Kunze kwenhamo yekurasikirwa nemukwanyina wake, kazhinji kazhinji ndinyajambwa wekubvutirwa zvinhu. Izvi zvarondedzerwa pakutanga muchakaitika kuna Annie. Rutivi rwechikonzero chekubvutwa kwezvinhu chine chokuita nokurangarirwa kungaitwa vadzimai. Mudzimwe tsika mudzimai wemurume haarangarirwi serutivi rwemhuri yake. Mupfungwa yakati mweni uyo panguva ipi neipi angadzokera kumhuri yake kana kuti kuroorwazve muimwe mhuri. Mukupesana, mudzimwe tsika vakoma nevanin’ina vomurume, hanzvadzi, uye vabereki havazombomusiyi. Kana akafa, mhuri yake inodavira kuti zvakanga zviri zvake ndezvavo, kwete zvemudzimai nevana.

Varume vasingavimbi nevadzimai vavo vanokurudzira kufunga kwakadaro. Mike aikurukura zvinhu zvake zvebhizimisi nevanin’ina vake bedzi. Vaiziva zvakanga zviri zvinhu zvake, asi mudzimai wake aiziva zvishomanene zvikuru. Paakafa, vanin’ina vake vakauya kwaari ndokurayira kubhadharwa mari yakanga ichikarirwa nemurume wake. Akanga asingatombozivi nezvayo. Tevere, vakatora mafotokopiya netapureta zvaakanga atengerwa nemurume wake. Pakupedzisira, vanin’ina vake vakatora musha wacho nezvose zvakanga zvirimo. Chirikadzi iyi nemwanasikana wayo muduku vakamanikidzwa kuenda, vachitora bedzi zvipfeko zvavo.

“Vaviri Vachava Nyama Imwe”

Varume vechiKristu vanoda vadzimai vavo uye vanovarangarira sevakakodzerwa nokuvimbwa. Varume vakadaro vanorangarira zvakakomba zano reMagwaro rokuti: “Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo.” Varume ava vanobvumiranawo nokutaura kwakafuridzirwa naMwari kwokuti: “Munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe.”—VaEfeso 5:28, 31.

Varume vanoteerera Mwari vanobvumiranawo nemuapostora wechiKristu Pauro, uyo akanyora kuti: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Mutsinhirano nenheyo iyi, kana murume wechiKristu akaronga rwendo rurefu, angava nechokwadi chokuti mhuri yake inotarisirwa zvakanaka paanenge asipo. Nenzira yakafanana, hazvina mufungo here kuti aizorongera zvinhu mudzimai wake nevana paanofa? Hazvisi zvinoshanda bedzi asiwo rudo kugadzirira ngozi isingakarirwi.

Tsika Dzemariro

Kuvarume vechiKristu kune rumwe rutivi rwenhau iyi rwokurangarira. Dzichiwedzera kunhamo yechirikadzi yekurasikirwa nemukwanyina wake, zvinhu, uye sezvingabvira vana vake, dzimwe nzanga dzinomugombedzera kuita miitiro yegamuchidzanwa yokuchema. Pepanhau rinonzi The Guardian rekuNigeria rinotaura kuti mudzimwe nzvimbo, gamuchidzanwa rinorayira chirikadzi kurara mukamuri imwe cheteyo ine rima nechitunha chemurume wayo. Mudzimwe nzvimbo, chirikadzi hadzibvumirwi kubva mumisha yadzo munguva yokuchema kweinoda kusvika mwedzi mitanhatu. Mukati menguva iyoyo, havafaniri kugeza, uye kunyange kugeza maoko avo vasati vadya kana kuti pavanopedza kunorambidzwa.

Tsika dzakadaro dzinoparira zvinetso, zvikurukuru kuchirikadzi dzechiKristu. Chishuvo chadzo chokufadza Mwari chinodzisunda kudzivisa tsika dzisingatsinhirani nedzidziso dzeBhaibheri. (2 VaKorinte 6:14, 17) Nokuda kwekusabvumirana netsika idzodzi, zvisinei, chirikadzi ingatambudzwa. Ingatofanira kutiza kuti ipone.

Kushandisa Matanho Epamutemo

Nokuchenjera Bhaibheri rinoti: “Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji.” (Zvirevo 21:5) Musoro wemhuri unogona kurongei? Munzanga zhinjisa zvinobvira kuita chido kana kuti kugadzira gwaro rinotaura kuti zvinhu zvomunhu zvichaparadzirwa sei paanofa. Ringabatanidza mashoko pamusoro pegadziriro dzemariro. Gwaro racho ringadudzawo zvinofanira kuitwa (kana kuti kusaitwa) nemukwanyina weroorano muzvine chokuita nemariro uye tsika dzokuchema.

Mumwe mukadzi anonzi Leah akarasikirwa nomurume wake murufu muna 1992. Anoti: “Ndine vana vashanu—vasikana vana nemukomana mumwe. Murume wangu akanga achirwara kwenguva yakati asati afa. Asi kunyange asati atanga kurwara, akanyora gwaro raitaura kuti aida kuti zvinhu zvake zvose zviende kwandiri nevana vedu. Izvi zvaibatanidza mari yeinishuwarenzi, purazi, zvipfuyo zvepapurazi, uye imba. Akasaina chido chenhaka ndokuchipa kwandiri. . . . Pashure pokufa kwemurume wangu, hama dzokunyama dzaida kuwana mugove munhaka yake. Ndakavatsanangurira kuti murume wangu akanga atenga purazi nemari yake pachake uye kuti vakanga vasina kodzero yekuda chinhu chipi nechipi. Pavakaona chido chenhaka chakanyorwa, vakachibvuma.”

Kukurukura Zvinhu Nemhuri

Zvinetso zvingamuka kana munhu asingatauri kumhuri yake pamusoro pezvaanodavira nezvaanoshuva. Rangarira chakaitika chemumwe murume uyo ane hama dzokunyama dzaiomerera kuti avigwe mumusha mukutsinhirana netsika dzemunharaunda. Pavakatyisidzirwa norufu, chirikadzi yake nevana vayo vakamanikidzwa kusiya mutumbi wake une hama dzake dzokure. Anoti: “Kudai murume wangu akanga audza kunyange mumwe wevanababamukuru kana kuti wevanababamudiki kuti aizoda kuvigwa sei, mhuri yacho ingadai isina kuomerera pamiitiro yayo yetsika dzemagamuchidzanwa.”

Mudzimwe nzanga chibvumirano chokutaura chakasimba kungofanana norugwaro rwakanyorwa. Izvi ndizvo zvazvakaita mumativi eSwaziland, uko vakawanda vane zvitendero zvinokurudzira mariro egamuchidzanwa nemiitiro yokuchema. Achiziva izvi, mumwe murume wechiKristu anonzi Isaac akakokera hama dzake dzokunyama kumusangano, idzo dzakanga dzisiri Zvapupu zvaJehovha, uye akakurukura nadzo zvaaida kuti zviitwe pashure porufu rwake. Akavaudza aizowana pfuma, uye akatsanangura zvakajeka kuti mariro ake aizoitwa sei. Pashure pokunge afa, zvinhu zvakaitika maererano nezvishuvo zvake. Isaac akavigwa nomutoo wechiKristu, uye mudzimai wake akatarisirwa zvakanaka.

Kudzivirira Mhuri Yako

Zvauchaita kuti udzivirire mhuri yako paunofa inhau yemunhu oga, asi muKristu anonzi Edward anoti: “Ndine inishuwarenzi youpenyu yokubetsera mitezo misere yemhuri yangu. Mudzimai wangu anosaina akaundi yangu yekubhangi. Nokudaro kana ndikafa, anogona kutora mari muakaundi yacho. . . . Ndine chido chenhaka chinobetsera mhuri yangu. Kana ndikafa, chipi kana chipi chandinosiya chichava chemudzimai wangu nevana. Ndakanyora chido changu chenhaka makore mashanu akapfuura. Chakagadzirwa negweta, uye mudzimai wangu nemwana vane kopi. Muchido changu chenhaka, ndakajekesa kuti vemhuri yangu yakatambanudzwa havafaniri kubatanidzwa mukuita zvisarudzo zvine chokuita nemariro angu. Ndiri wesangano raJehovha. Naizvozvo kunyange kana pakava neChapupu chimwe kana kuti zviviri vanoitisa mariro angu, ivavo vachava vakakwana. Ndakakurukura izvi nemitezo yemhuri yakatambanudzwa.”

Mupfungwa yakati, kuita gadziriro dzakadaro chipo kumhuri yako. Chokwadika, kuronga nokuda kwekubvira kwerufu hakuna kufanana nechipo chechokoreti kana kuti maruva. Bva, kunoratidza rudo rwako. Zvinobvumikisa kuti unoda ‘kugovera avo vari vemhuri yako’ kunyange paunenge usisiri navo.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 21]

Jesu Akarongera Amai Vake Zvinhu

“Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire amai vake, nomunun’una wamai vake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magdarene. Zvino Jesu wakati achiona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kuna amai vake: Mai, tarirai, mwanakomana wenyu. Ipapo akati kumudzidzi: Tarira mai vako, Kubva panguva iyoyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba kwake.”—Johane 19:25-27.

[Mufananidzo uri papeji 22]

VaKristu vakawanda nokurangarira vanoita matanho emutemo kuti vadzivirire mhuri dzavo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe