RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 10/1 pp. 8-13
  • Mwari Anouya Pakutanga Mumhuri Yenyu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anouya Pakutanga Mumhuri Yenyu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Musungo Wokushora Kwemhuri
  • Kurwisana Nedenho Yacho
  • Tuso Huru Inobvira
  • Kudzidza Kuna Jesu
  • Varume, Vakadzi—Tevedzerai Kristu!
  • Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Varume—Zivai Kuti Kristu Ndiye Musoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mirayiridzo Yokuchenjera Kune Vakaroorana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Madzimai—Remekedzai Varume Venyu Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 10/1 pp. 8-13

Mwari Anouya Pakutanga Mumhuri Yenyu Here?

“Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose.”—MARKO 12:29, 30.

1. Kunokosha sei kuti tide Jehovha?

“MURAYIRO wokutanga payose ndoupiko?” mumwe munyori akanga abvunza Jesu kudaro. Panzvimbo pokupa mufungo wake amene, Jesu akapindura mubvunzo wake kupfurikidza nokunokora mashoko muShoko raMwari pana Dheuteronomio 6:4, 5. Akapindura, kuti: “Inzwai vaIsraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete! Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.”—Marko 12:28-30.

2. (a) Chishoroi icho Jesu aifanira kutarisana nacho? (b) Chii chingakuita kuti padzimwe nguva kuve kwakaoma kufadza Jehovha?

2 Kuti titeerere icho Jesu akati murayiro wokutanga—unokosha zvikurusa—kunoda kuti tiite zvinofadza Jehovha nguva dzose. Jesu akaita kudaro, kunyange zvazvo pane imwe nhambo muapostora Petro akaramba nzira yaJesu, uye pane imwe hama dzake amene dzokunyama dzapedyo dzakadaro. (Mateo 16:21-23; Marko 3:21; Johane 8:29) Zvakadini kana ukazviwana umene uri mumamiriro ezvinhu akafanana? Ngatitii mitezo yemhuri inoda kuti urege kufunda kwako Bhaibheri uye kusonganira kwako neZvapupu zvaJehovha. Uchaisa Mwari pakutanga kupfurikidza nokuita zvinomufadza here? Mwari anouya pakutanga, kunyange apo mitezo yemhuri ingashora nhamburiko dzako dzokumubatira here?

Musungo Wokushora Kwemhuri

3. (a) Ndeipi ingava migumisiro yedzidziso dzaJesu kumhuri? (b) Mitezo yemhuri inogona sei kuratidza waine chidakadaka chikuru zvikuru nokuda kwake?

3 Jesu haana kudukupisa chinetso chingavapo apo vamwe vari mumhuri vanoshora mutezo unogamuchira dzidziso dzake. “Navavengi vomunhu vachava veimba yake,” akadaro Jesu. Bva, pasinei zvapo nomugumisiro unosuruvarisa iwoyo, Jesu akaratidza kuti ndiani anofanira kuuya pakutanga kupfurikidza nokuti: “Unoda baba kana mai kupfuureni, haana kufanireni; nounoda mwanakomana nomwanasikana kupfuureni, haana kufanireni.” (Mateo 10:34-37) Tinoisa Jehovha Mwari pakutanga kupfurikidza nokutevera dzidziso dzeMwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo ari “mufananidzo wa[Mwari]”.—VaHebheru 1:3; Johane 14:9.

4. (a) Chii icho Jesu akataura kuti chaibatanidzwa mukuva muteveri wake? (b) VaKristu vanofanira kuvenga mitezo yemhuri mupfungwai?

4 Pane imwe nhambo apo Jesu akanga achikurukura chinobatanidzwa chaizvoizvo mukuva muteveri wake wechokwadi, akati: “Kana munhu achiuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun’una, nehanzvadzi, kunyange noupenyu hwakewo, haangavi mudzidzi wangu.” (Ruka 14:26) Jesu sezvinooneka aisareva kuti vateveri vake vanofanira kuvenga chaizvoizvo mitezo yemhuri yavo, sezvo akarayira vanhu kuda kunyange vavengi vavo. (Mateo 5:44) Panzvimbo pezvo, Jesu pano aireva kuti vateveri vake vanofanira kuda mitezo yemhuri zvishoma kupfuura kuda kwavanoita Mwari. (Enzanisa naMateo 6:24.) Mukuwirirana nokunzwisisa ikoko, Bhaibheri rinotaura kuti Jakobho “akavenga” Rea ndokuda Rakeri, uko kwakareva kuti haana kuda Rea sokuda kwaaiita munun’una wake, Rakeri. (Genesi 29:30-32, NW) Kunyange “mweya” wedu umene, kana kuti upenyu, Jesu akadaro, hunofanira kuvengwa, kana kuti kudiwa zvishoma, kupfuura Jehovha!

5. Satani anoshandisa sei nenzira yemanomano gadziriro yemhuri?

5 SoMusiki uye Mupi Woupenyu, Jehovha anofanirwa nokuzvipira kwakakwana kubva kuvabatiri vake vose. (Zvakazarurwa 4:11) “Ndinopfugama namabvi angu kuna Baba, avo, rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo.” (VaEfeso 3:14, 15) Jehovha akasika gadziriro yemhuri munzira yakaisvonaka zvakadaro zvokuti mitezo yemhuri ine chidakadaka chomusikirwo nokuda kwomumwe nomumwe. (1 Madzimambo 3:25, 26; 1 VaTesaronika 2:7) Satani Dhiyabhorosi, zvisinei, anoshandisa nenzira yamanomano ichi chidakadaka chemhuri chomusikirwo, icho chinobatanidza chishuvo chokufadza vadiwa. Anowedzera kushora kwemhuri, uye vakawanda vanokuwana iri denho kutsigira zvakasimba zvokwadi yeBhaibheri mukutarisana nakwo.—Zvakazarurwa 12:9, 12.

Kurwisana Nedenho Yacho

6, 7. (a) Mitezo yemhuri inogona sei kubetserwa kunzwisisa ukoshi hwokufunda Bhaibheri uye songaniro yechiKristu? (b) Tinogona sei kuratidzira kuti tinoda zvechokwadi mitezo yemhuri yedu?

6 Waizoitei kana ukamanikidzwa kuita chisarudzo pakati pokufadza Mwari kana kuti kufadza mutezo wemhuri? Uchapa zvikonzero zvenhema kuti Mwari haasati achitikarira kufunda Shoko rake ndokushandisa nheyo dzake kana kuita kudaro kuchiparira gakava remhuri here? Asi funga nezvakwo. Kana ukatera ndokurega fundo yako yeBhaibheri kana kuti kusonganira neZvapupu zvaJehovha, vadiwa vako vachazotongonzwisisa sei kuti zivo yakarurama yeBhaibheri inhau youpenyu norufu?—Johane 17:3; 2 VaTesaronika 1:6-8.

7 Tinogona kuenzanisira mamiriro ezvinhu acho neiyi nzira: Zvichida mutezo wemhuri une chishuvo chakanyanyisa chedoro. Kufuratira kana kuti kupembedza chinetso chake chokunwa kwaizomubetsera chaizvoizvo here? Kwaizova kuri nani kuchengeta rugare kupfurikidza nokutera ndokurega kuita chinhu chipi nechipi pamusoro pechinetso chake here? Aiwa, zvimwe unobvuma kuti kwaizova kwakanakisisa kuedza kumubetsera kukurira chinetso chake chokunwa, kunyange kuchireva kutarisana noushingi nehasha dzake netyisidziro. (Zvirevo 29:25). Nenzira yakafanana, kana uchida zvechokwadi mitezo yemhuri yako, hausati uchizotera kunhamburiko dzayo dzokukudzivisa kufunda Bhaibheri. (Mabasa 5:29) Kupfurikidza bedzi nokuva nechimiro chakasimba ungaibetsera kunzwisisa kuti kurarama maererano nedzidziso dzaKristu kunoreva upenyu hwedu humene.

8. Tinobetserwa sei neidi rokuti Jesu akaita kuda kwaMwari nokutendeka?

8 Kuisa Mwari pakutanga kungava kwakaoma zvikuru padzimwe nguva. Asi yeuka, Satani akakuitawo kuti kuve kwakaomera Jesu kuita kuda kwaMwari. Bva Jesu haana kutongorega; akatsungirira kunyange marwadzo edanda rokutambudzika nokuda kwedu. “Jesu Kristu Muponesi wedu,” Bhaibheri rinodaro. “Wakatifira isu.” (Tito 3:6; 1 VaTesaronika 5:10) Hationgi here kuti Jesu haana kutera kuchishoro? Nokuti akatsungirira rufu rwechibayiro, tine kariro youpenyu husingaperi munyika itsva ine rugare yokururama kupfurikidza nokutenda ropa rake rakadeurwa.—Johane 3:16, 36; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Tuso Huru Inobvira

9. (a) VaKristu vanogona sei kugoverana mukuponesa vamwe? (b) Ndaapi akanga ari mamiriro ezvinhu emhuri yaTimotio?

9 Waiziva here kuti iwewo unogona kuva norutivi mukuponesa vamwe, kubatanidza hama dzako dzokunyama dzinodiwa? Muapostora Pauro akakurudzira Timotio, kuti: “Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.” (1 Timotio 4:16) Timotio aigara mumhuri yakanga yakakamukana, baba vake vechiGiriki vachiva vasingatendi. (Mabasa 16:1; 2 Timotio 1:5; 3:14) Kunyange zvazvo tisingazivi kana baba vaTimotio vakazombova mutendi, bviro yokuti vangava vakazova yakawedzerwa zvikuru nomufambiro wakatendeka womudzimai wake, Juniki, uye waTimotio.

10. Chii icho vaKristu vanogona kuita nokuda kwavakwanyina vavo vasingatendi?

10 Magwaro anoratidza kuti varume navadzimai avo vanotsigira zvakatsiga zvokwadi yeBhaibheri vanogona kuparira kuponeswa kwavakwanyina vavo vasiri vaKristu kupfurikidza nokuvabetsera kuva vatendi. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Kana hama ine mukadzi usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasha. Nomukadzi une murume usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kurasha murume wake. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko kuti uchaponesa murume wako? Kana iwe murume, unoziva seiko kuti uchaponesa mukadzi wako?” (1 VaKorinte 7:12, 13, 16) Muapostora Petro akarondedzera nzira iyo vadzimai, chaizvoizvo, vangagona kuponesa nayo varume vavo, achikurudzira, kuti: “Imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasina shoko rinorehwa.”—1 Petro 3:1.

11, 12. (a) Itusoi iyo zviuru zvavaKristu zvakagamuchira, uye chii chazvakaita kuti zviigamuchire? (b) Rondedzera chakaitika chomutezo wemhuri uri kutuswa nokuda kwokutsungirira kwokutendeka.

11 Mumakore achangobva kupfuura zviuru zvakawanda zvakava Zvapupu zvaJehovha mushure memwedzi uye kunyange makore okushora mubato wechiKristu wehama dzazvo dzokunyama dziri Zvapupu. Iyoyi ituso yakadini nokuda kwavaKristu avo vakaramba vakatsiga, uye chikomborero chakadini kuavo vaichimbova vashori! Nemirangariro muinzwi rake, mumwe mukuru wechiKristu ane makore 74 okukura akati: “Ndinowanzotenda mudzimai wangu navana nokuda kwokunamatirana nezvokwadi mukati memakore ayo ndaivashora.” Akataura kuti kwamakore matatu akaramba nechisimbwa kunyange kubvumira mudzimai wake kutaura kwaari pamusoro peBhaibheri. “Asi akasarudza nguva apo zvinhu zvakanga zvakadzikama,” akataura kudaro, “uye akavamba kundipupurira sezvaaipukuta makumbo angu. Ndinoonga sei kuti haana kutera kukushora kwangu!”

12 Mumwe murume uyo aishora mhuri yake akanyora, kuti: ‘Ndakanga ndiri muvengi mukurusa womudzimai wangu nemhaka yokuti mushure mokunge awana zvokwadi, ndakamutyisidzira, uye taipopotedzana zuva riri rose; ndiko kuti, ndaigarotanga bopoto racho. Asi zvose hazvina kushanda; mudzimai wangu akanamatira kuBhaibheri. Makore gumi namaviri nokudaro akapfuura mukurwisa kwangu kwakakasharara zvokwadi uye kurwisa mudzimai wangu nemwana. Nokuda kwavose vari vaviri, ndakanga ndiri mufananidzo waDhiyabhorosi.’ Pakupedzisira murume wacho akavamba kunzvera upenyu hwake. ‘Ndakaona kuti ndakanga ndave ari anokakavara sei,’ akatsanangura kudaro. ‘Ndakarava Bhaibheri, uye nemhaka yemurayiridzo waro, zvino ndava Chapupu chakabhapatidzwa.’ Funga nezvetuso huru yomudzimai wacho, hungu, ‘kubetsera kuponesa murume wake’ kupfurikidza nokutsungirira nokutendeka kushora kwake kwamakore 12!

Kudzidza Kuna Jesu

13. (a) Muenzanisoi mukuru unoshanda uyo varume navadzimai vanofanira kudzidza kubva munzira youpenyu yaJesu? (b) Vanhu vanokuwana kwakaoma kuzviisa pasi pokuda kwaMwari vanogona sei kubetserwa nomuenzaniso waJesu?

13 Chidzidzo chikuru varume navakadzi vanofanira kudzidza muupenyu hwaJesu ndeicho chokuteerera Mwari. “Ndinoita nguva dzose zvinomufadza,” akadaro Jesu. “Handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” (Johane 5:30; 8:29) Kunyange apo Jesu akambowana rutivi rwakati rwokuda kwaMwari rusingafadzi, akanga achiteerera. “Kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri!” akanyengetera kudaro. Asi akakurumidza kuwedzera, kuti: “Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.” (Ruka 22:42) Jesu haana kukumbira Mwari kuti achinje kuda Kwake; akaratidza kuti aida Mwari zvechokwadi kupfurikidza nokuzviisa pasi pechipi kana chipi chakanga chiri kuda kwaMwari nokuda kwake. (1 Johane 5:3) Kuisa kuda kwaMwari pakutanga nguva dzose, sezvakaita Jesu, kunokosha zvikuru kurubudiriro kwete bedzi muupenyu hwokusava akaroora asiwo muupenyu hweroorano nohwemhuri. Rangarira chikonzero nei ikoku kwakadaro.

14. Vamwe vaKristu vanorangarira sei nenzira isina kufanira?

14 Sezvacherekedzwa kare, apo vatendi vanoisa Mwari pakutanga, vanotsvaka kuramba vaine vakwanyina vavo vasingatendi uye vanowanzokwanisa kuvabetsera kuti vave mumutsara nokuda kworuponeso. Kunyange kana vakwanyina vose vari vaviri vari vatendi, roorano yavo ingasatongova yakakwana. Nemhaka yezvimiro zvendangariro zvokusakwana, varume navakadzi havagarova nemirangariro yorudo nokuda kwomumwe nomumwe. (VaRoma 7:19, 20; 1 VaKorinte 7:28) Vamwe vanotosvika padanho rokuronda kuwana mukwanyina akasiyana, kunyange zvazvo vasina zvikonzero zvapaMagwaro zvokurambana. (Mateo 19:9; VaHebheru 13:4) Vanorangarira kuti kwavari ikoku ndiko kwakanakisisa, kuti kuda kwaMwari nokuda kwavarume navadzimai kuti vagare pamwe chete kwakanyanyooma. (Maraki 2:16; Mateo 19:5, 6) Iyoyi pasina panikiro ndiimwe nhau yokufunga mirangariro yavanhu panzvimbo peiyo yaMwari.

15. Neiko kuisa Mwari pakutanga kuri taviridzo?

15 Idziviriro yakadini yakuri kuisa Mwari pakutanga! Varoorani vanoita kudaro vachaedza kunamatira pamwe chete ndokupedza zvinetso zvavo kupfurikidza nokushandisa zano reShoko raMwari. Nokudaro vanodzivisa rudzi rwuri rwose rwokurwadziwa rwunovapo apo kuda kwake kunofuratirwa. (Pisarema 19:7-11) Ikoku kunoenzanisirwa navamwe varoorani vechiduku avo, apo vakanga vava pedyo nokurambana, vakasarudza kutevera zano reBhaibheri. Makore akati gare gare apo mudzimai akarangarira mufaro waakanga ava nawo muroorano yake, akati: “Ndinofanira kugara pasi ndokuchema apo ndinorangarira bviro yokuti ndingadai ndakararama ndakaparadzana nomurume wangu makore ose aya. Ipapo ndinonyengetera kuna Jehovha Mwari ndokumutenda nokuda kwezano rake nenhungamiro izvo zvakatiunza pamwe chete muukama hunofadza zvakadaro.”

Varume, Vakadzi—Tevedzerai Kristu!

16. Muenzanisoi uyo Jesu akagadza nokuda kwavose vari vaviri varume navadzimai?

16 Jesu, uyo anoisa Mwari pakutanga nguva dzose, akagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavose vari vaviri varume navadzimai, uye vanoita zvakanaka kusanopa ngwariro kwauri. Varume vanokurudzirwa kutevedzera nzira iyo Jesu anoshandisa nayo umusoro hunyoro pamitezo yeungano yechiKristu. (VaEfeso 5:23) Uye vadzimai vechiKristu vanogona kudzidza mumuenzaniso waJesu wakakwana wokuzviisa pasi paMwari.—1 VaKorinte 11:3.

17, 18. Munzirai umo Jesu akagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavarume?

17 Bhaibheri rinorayira, kuti: “Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:25) Nzira inokosha iyo Jesu akaratidza nayo kuda kwake ungano yavateveri vake yakanga iri kupfurikidza nokuva shamwari yavo yapedyo. “Ndakuidzai shamwari,” Jesu akadaro, “nemhaka yokuti zvinhu zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu ndakakuzivisai.” (Johane 15:15, NW) Funga nezvenguva yose iyo Jesu akapedza achitaura navadzidzi vake—kurukurirano dzakawanda zvikuru dzaakava nadzo navo—uye nezvechivimbo chaakaisa mavari! Iwoyo hausati uri muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavarume here?

18 Jesu akava nefariro chaiyo muvadzidzi vake uye aivada zvechokwadi. (Johane 13:1) Apo dzidziso dzake dzakanga dzisina kujeka kwavari, akawana nguva nokushivira vari voga kujekesa zvinhu. (Mateo 13:36-43) Varume, garikano yomudzimu yomudzimai wenyu ndeyeukoshi humwe chetehwo here kwamuri? Munopedza nguva naye, muchiva nechokwadi chokuti mose muri vaviri munojekerwa nezvokwadi dzeBhaibheri mundangariro nomwoyo here? Jesu akaperekedza vaapostora vake muushumiri, zvichida achirovedza mumwe nomumwe wavo somunhu oga. Unoperekedza mudzimai wako muushumiri, uchigoverana mushanyo dzapaimba neimba uye mukuitisa fundo dzeBhaibheri here?

19. Nzira iyo Jesu akabata nayo noutera hunodzokororwa hwavaapostora vake inogadza sei muenzaniso nokuda kwavarume?

19 Zvikurukuru mukubata nokusakwana kwavaapostora vake Jesu akagovera muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavarume. Mukati mechidyo chake chokupedzisira navaapostora vake, aigona kucherekedza kudzokororwa kwomudzimu wamakwikwi. Akavatsoropodza nehasha here? Aiwa, asi akashambidza nenzira yokuzvininipisa tsoka dzomumwe nomumwe. (Marko 9:33-37; 10:35-45; Johane 13:2-17) Unoratidza shiviro yakadaro kumudzimai wako here? Panzvimbo pokunyunyuta pamusoro poutera hunodzokororwa, unoedza nokushivira kumubetsera ndokusvika mwoyo wake kupfurikidza nomuenzaniso wako here? Vadzimai sezvinobvira vachadavidza kutsitsi dzakadaro, seizvo vaapostora vakaita pakupedzisira.

20. Chii icho vadzimai vechiKristu vasingatongofaniri kukanganwa, uye ndiani anogoverwa somuenzaniso nokuda kwavo?

20 Vadzimaiwo vanofanira kurangarira Jesu, uyo asina kutongokanganwa kuti “musoro waKristu ndiye Mwari.” Aizviisa pasi paBaba vake vokudenga nguva dzose. Nenzira yakafanana, vadzimai havafaniri kukanganwa kuti “musoro womukadzi ndiye murume,” hungu, kuti murume wavo ndiye musoro wavo. (1 VaKorinte 11:3; VaEfeso 5:23) Muapostora Petro akakurudzira vadzimai vechiKristu kurangarira muenzaniso wa“vakadzi vatsvene” venguva dzapakuvamba, zvikurukuru uyo waSara, uyo “aiteerera Abrahama, achimuidza ishe.”—1 Petro 3:5, 6.

21. Neiko roorano yaAbrahama naSara yakabudirira uye yaRoti nomudzimai wake yakakundikana?

21 Sara sezvinooneka akasiya musha wakanaka muguta rakabudirira kuti ararame mumatende munyika yokumwe. Neiko? Nemhaka yokuti akada mararamire iwayo here? Kwete sezvinobvira. Nemhaka yokuti murume wake akamukumbira kuenda here? Pasina panikiro ikoku kwakanga kuri chinoparira, sezvo Sara aida nokuremekedza Abrahama nemhaka yamavara ake oumwari. (Genesi 18:12) Asi chikonzero chikuru chokuti aende pamwe chete nomurume wake chakanga chiri chokuda kwake Jehovha uye chishuvo chake chomwoyo wose chokutevera nhungamiro yaMwari. (Genesi 12:1) Akawana mufaro mukuteerera Mwari. Mudzimai waRoti, kune rumwe rutivi, akazengurira kuita kuda kwaMwari uye nokudaro akatarira shure nenzira yokushuva zvinhu zvakanga zvasara mutaundi remusha wake reSodhoma. (Genesi 19:15, 25, 26; Ruka 17:32) Mugumo une ngwavaira wakadini kuroorano iyoyo—nemhaka bedzi yokusateerera kwake Mwari!

22. (a) Kuzvinzverai uko mitezo yemhuri ichaita nokuchenjera? (b) Chii chaticharangarira mufundo yedu inotevera?

22 Naizvozvo somurume kana kuti mudzimai, kunokosha kuti uzvibvunze umene kuti, ‘Mwari anouya pakutanga mumhuri yedu here? Ndinovavarira zvechokwadi kuita basa remhuri iro Mwari akandipa here? Ndinoita nhamburiko dzechokwadi kuti ndide mukwanyina wangu uye kubetsera iyeyo kuti awane kana kuti achengete ukama hwakanaka naJehovha here?’ Mumhuri dzakawanda zvikurusa munewo vana. Ticharangarira munguva inotevera basa ravabereki uye kudikanwa kwokuti vose vari vaviri navana vavo kuti vaise Mwari pakutanga.

Unoyeuka Here?

◻ Chii chingava mugumisiro wedzidziso dzaJesu kumhuri dzakawanda?

◻ Itusoi iyo zviuru zvavaKristu vakatsiga zvakagamuchira?

◻ Chii chichabetsera vakwanyina kudzivisa unzenza nokurambana?

◻ Varume vanogona kudzidzei kubva mumuenzaniso waJesu?

◻ Vadzimai vanogona sei kuva norutivi muroorano inofadza?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Sara akava sei norutivi mubudiriro yeroorano yake?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe