RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 1/15 pp. 13-18
  • Ramba Uchifamba naMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchifamba naMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mararamire Enguva Dzose
  • Ramba Musungo Wokuzvivimba
  • Usarega Kutya Munhu Kuchikudzora
  • Dzivisa Kurerutsa Zano
  • Kubata Nefunganyo Dzoupenyu Nenzira Inobudirira
  • Famba Nokutenda, Kwete Nokuona!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Betsero Dzokutya Mwari Wechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ramba Uchifamba Munzira yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kufamba naMwari—Nhano Dzokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 1/15 pp. 13-18

Ramba Uchifamba naMwari

“Fambai nomweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama.”—VAGARATIA 5:16.

1. (a) Enoki akafamba naMwari pakati pemamiriroi ezvinhu uye kwenguva yakareba zvakadini? (b) Noa akafamba naMwari kwenguva yakareba zvakadini, uye mitoroi inorema yaakanga anayo?

BHAIBHERI rinotiudza kuti Enoki “wakafamba naMwari.” Pasinei zvapo nokutaura kunokatyamadza nomufambiro usiri woumwari wavanhu vakanga vakamupoteredza, akaramba achifamba naMwari kusvikira pakuguma kwoupenyu hwake pamakore 365 ezera. (Genesi 5:23, 24; Judhasi 14, 15) Noawo “wakafamba naMwari.” Akaita kudaro achirera mhuri yake, achibata nenyika yaipesvedzerwa nengirozi dzakapanduka nevana vadzo vaiva namasimba masimba, uye achitarisira udzame hwose hwaibatanidzwa mukuvaka areka huru yakanga yakakura kupfuura ngarava ipi neipi yaifamba mumvura yenguva dzakare. Akaramba achifamba naMwari pashure peBoporodzi, kunyange apo kupandukira Jehovha zvakare kwakaitika paBhabheri. Zvirokwazvo, Noa akaramba achifamba naMwari kusvikira chaizvo parufu rwake pamakore 950 ezera.—Genesi 6:9; 9:29.

2. Chii chinorehwa no‘kufamba naMwari’?

2 Parinotaura kuti ava varume vokutenda v“akafamba” naMwari, Bhaibheri riri kushandisa shoko racho mupfungwa yedimikira. Zvinoreva kuti Enoki naNoa vakazvibata nenzira yaipa ufakazi hwokutenda Mwari kwakasimba. Vakaita zvavakarayirwa naJehovha ndokutungamirira upenyu hwavo mutsinhirano nezvavaiziva pamusoro pake mukubata kwake norudzi rwomunhu. (Enzanisa na2 Makoronike 7:17.) Havana kungobvumirana bedzi mundangariro nezvakataurwa nokuitwa naMwari asi vakaita chinhu chose chaaida—kwete zvimwe zvacho chete asi zvose kusvika kumwero waivabvirira savanhu vasina kukwana. Nokudaro Noa, somuenzaniso, akaita chaizvo “zvaakarayirwa naMwari.” (Genesi 6:22) Noa akanga asingamhanyiri mberi kwenhungamiro dzaaipiwa, uye akanga asingasariri kumashure nenzira yokuregeredza. Somunhu aifarikanya kuva pedyo naJehovha, achinzwa akasununguka kunyengetera kuna Mwari uye achikoshesa nhungamiro yaMwari, akanga ari kufamba naMwari. Uri kuita izvozvo here?

Mararamire Enguva Dzose

3. Chii chinokosha zvikuru nokuda kwavose vari vabatiri vaMwari vakazvitsaurira ndokubhabhatidzwa?

3 Zvinofadza kucherekedza vanhu vachitanga kufamba naMwari. Sezvavanoita nhano dzakananga mutsinhirano nokuda kwaJehovha, vanopa ufakazi hwokutenda, pasina ihwo hapana munhu anogona kufadza Mwari. (VaHebheru 11:6) Tinofara sei kuti gore rimwe nerimwe, paavhareji yamakore mashanu akapfuura, vanhu vanopfuura 320 000 vakazvitsaurira kuna Jehovha ndokuzvipa kuti vabhabhatidzwe mumvura! Asi zvinokoshawo kuti ivo uye kuti isu tose zvedu tirambe tichifamba naMwari.—Mateo 24:13; Zvakazarurwa 2:10.

4. Kunyange zvazvo vakaratidza kutenda kwakati, nei vazhinjisa vevaIsraeri vakabva muEgipita vasina kupinda muNyika Yakapikirwa?

4 Muzuva raMosesi, zvaida kutenda kuti mhuri yechiIsraeri ichengete Paseka muEgipita uye kuti isase ropa pamagwatidziro uye parutivi rwokumusoro rwesuo romusha wavo. (Eksodho 12:1-28) Zvisinei, kutenda kwavakawanda kwakazununguka pavakaona uto raFarao rava pedyo shure kwavo paGungwa Dzvuku. (Eksodho 14:9-12) Pisarema 106:12 rinoratidza kuti pavakanga vayambuka nenzira yakachengeteka nepasi pegungwa pakaoma uye vaona mvura dzinovinduka dzichiparadza uto reEgipita, vaka“tenda mashoko [aJehovha]” zvakare. Nguva pfupi gare gare vari murenje, zvisinei, vaIsraeri vakavamba kunyunyuta pamusoro pemvura yokunwa, zvokudya, uye utarisiri. Mushumo usina kunaka we10 dzetsori 12 dzakadzoka dzichibva kuNyika Yakapikirwa wakavatyisa. Mumamiriro ezvinhu iwayo, sokutaura kunoita Pisarema 106:24, “havana kutenda shoko” raMwari. Vakanga voda kudzokera kuEgipita. (Numeri 14:1-4) Kutenda kupi kana kupi kwavakanga vanako kwakava pachena bedzi pavakaona kuratidzirwa kwakati kunoshamisa kwesimba raMwari. Havana kuramba vachifamba naMwari. Somugumisiro, vaIsraeri ivavo havana kupinda Munyika Yakapikirwa.—Pisarema 95:10, 11.

5. Magwaroa2 VaKorinte 13:5 naZvirevo 3:5, 6 ane chokuita sei nokufamba naMwari?

5 Bhaibheri rinotirayira kuti: “Zviidzei imi mumene, muone kana muri pakutenda; muzvinzverei imi mumene.” (2 VaKorinte 13:5) Kuva “pakutenda” kunoreva kunamatira pazvitendero zvechiKristu. Izvi zvinokosha kana tichizobudirira mukufamba naMwari mazuva ose oupenyu hwedu. Kuti tifambe naMwari, tinofanirawo kushandisa vara rokutenda, tichivimba zvakazara naJehovha. (Zvirevo 3:5, 6) Pane misungo nemhinganidzo zvakawanda zvinogona kubata avo vanokundikana kuita kudaro. Ndedzipi dzimwe dzaidzodzi?

Ramba Musungo Wokuzvivimba

6. VaKristu vose vanozivei pamusoro poufeve noupombwe, uye vanonzwa sei pamusoro pezvivi izvi?

6 Munhu wose akafunda Bhaibheri, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha, uye akabhabhatidzwa anoziva kuti Shoko raMwari rinoshora ufeve noupombwe. (1 VaTesaronika 4:1-3; VaHebheru 13:4) Vanhu vakadaro vanobvuma kuti izvi zvakarurama. Vanoda kurarama mutsinhirano nazvo. Bva, unzenza hunopfuurira kuva mumwe wemisungo mikurusa yaSatani inoshanda. Nei?

7. PaMapani aMoabhi, varume vechiIsraeri vakabatanidzwa sei mumufambiro wavaiziva kuti wakanga wakaipa?

7 Pakutanga, avo vanobatanidzwa mumufambiro wounzenza wakadaro vangasava vachironga kuita kudaro. Zvichida izvozvo zvakanga zviriwo chokwadi nezvavaIsraeri vaiva paMapani aMoabhi. Kuvarume vechiIsraeri vakanga vaneta noupenyu murenje, vakadzi vechiMoabhi nevechiMidhiani vakavanyengedza pakutanga vangava vakaratidzika sevane ushamwari uye vane mutsa. Asi chii chakaitika apo vaIsraeri vakagamuchira kukokwa kunowadzana navanhu vaibatira Bhaari uye kwete Jehovha, vanhu vaibvumira vanasikana vavo (kunyange vaibva mumhuri dzine mukurumbira) kuti vavatane nevarume vavakanga vasina kuroorwa navo? Apo varume vaibva mumusasa waIsraeri vakavamba kurangarira songaniro dzakadaro sedzakanaka, vakanyengedzwa kuti vaite zvinhu zvavaiziva kuti zvakanga zvakaipa, uye izvozvo zvakavaurayisa.—Numeri 22:1; 25:1-15; 31:16; Zvakazarurwa 2:14.

8. Muzuva redu, chii chingatungamirira muKristu muunzenza?

8 Chii chingaparira munhu kuti awire mumusungo wakafanana muzuva redu? Kunyange zvazvo angaziva kukomba kwounzenza, kana asingakoshesiwo ngozi yokuzvivimba, angazvibvumira kupinda mumamiriro ezvinhu umo kunyengedzwa kuita chakaipa kunokurira kurangarira kwake.—Zvirevo 7:6-9, 21, 22; 14:16.

9. Inyevero dzipi dzeMagwaro dzinogona kutidzivirira paunzenza?

9 Nomutauro wakajeka, Shoko raMwari rinotinyevera kuti tisatsauswa kufunga kuti takasimba kwazvo zvokuti songaniro dzakaipa hadzizotishatisi. Izvozvo zvinobatanidza kuona mapurogiramu eterevhizheni anoratidza upenyu hwavanhu vane unzenza uye kutarira magazini anonyandura zvishuvo zvounzenza. (1 VaKorinte 10:11, 12; 15:33) Kunyange kusonganirana navatinotenda navo mumamiriro ezvinhu akaipa kunogona kutitungamirira kuzvinetso zvakakomba. Kukwezva pakati pevanhu vane mitezo yevatano yakasiyana kwakasimba. Naizvozvo nekuitira hanya kworudo sangano raJehovha rakanyevera kusava toga uye tisingaonekwi navanhu tine mumwe munhu ane mitezo yevatano yakasiyana watisina kuroorana naye kana kuti asiri mutezo wemhuri. Kuti tirambe tichifamba naMwari, tinofanira kudzivisa musungo wokuzvivimba ndokuteerera zano renyevero raanotipa.—Pisarema 85:8.

Usarega Kutya Munhu Kuchikudzora

10. “Kutya munhu” kunoteya sei musungo?

10 Imwe ngozi inoziviswa pana Zvirevo 29:25, iyo inoti: “Kutya munhu kunouyisa musungo.” Musungo womuvhimi unowanzobatanidza chishwe chinosunga zvakasimba huro kana kuti tambo dzinosunga makumbo emhuka. (Jobho 18:8-11) Kutya vanhu nenzira yakafanana kunogona kudzipa mano omunhu okutaura akasununguka uye kuzvibata nenzira inofadza Mwari. Chishuvo chokufadza vamwe ndechomuzvarirwo, uye kuzvidza kwokusakendenga zvinofunga vamwe vanhu hakusi kwechiKristu. Asi dzikamo inodikanwa. Apo kuitira hanya zvingangoitwa navamwe vanhu kunoparira munhu kuita zvinorambidzwa naMwari kana kuti kurega kuita zvinorayirwa neShoko raMwari, munhu iyeye aiswa mumusungo.

11. (a) Chii chinodzivirira kubvumira kuti kutya munhu kudzore munhu? (b) Jehovha akabetsera sei vabatiri vake vakanga vachitambura nokutya vanhu?

11 Kudzivirirwa pamusungo wakadaro kuri, kwete muchimiro chendangariro chomuzvarirwo chomunhu, asi muku“vimba naJehovha.” (Zvirevo 29:25b) Achivimba naMwari, kunyange munhu anonyara nenzira yomuzvarirwo anogona kubvumikisa kuva ane ushingi uye akasimba. Chero bedzi takapoteredzwa nedzvinyiriro dzenyika ino yezvinhu yaSatani, tichafanira kungwarira kutya munhu kunobatisa mumusungo. Kunyange zvazvo muporofita Eria akanga ane chinyorwa chakaisvonaka chebasa roushingi, apo Jezebheri akatyisidzira kumuuraya, akatiza achitya. (1 Madzimambo 19:2-18) Adzvinyirirwa, muapostora Petro nenzira yokutya akaramba kuti aiziva Jesu Kristu, uye makore akati gare gare akabvumira kuti kutya kumuparire kuzvibata nomutoo unopesana nokutenda. (Marko 14:66-71; VaGaratia 2:11, 12) Zvisinei, vose vari vaviri Eria naPetro vakagamuchira betsero yomudzimu uye, nechivimbo muna Jehovha, vakapfuurira kubatira Mwari nenzira inogamuchirika.

12. Ndeipi mienzaniso yomuzuva razvino inoratidza nzira iyo vanhu vakabetserwa nayo kudzivisa kurega kutya kuchivaparira kurega kufadza Mwari?

12 Vakawanda vavabatiri vaJehovha muzuva redu vakadzidzawo nzira yokukurira nayo kutya kunobatisa mumusungo. Chimwe Chapupu chechiduku chiri muGuyana chakabvuma kuti: “Kuchikoro kurwisa kudzivisa dzvinyiriro yavaenzani kwakasimba.” Asi akawedzera kuti: “Ndozvakaita kutenda kwangu Jehovha.” Apo mudzidzisi wake akamuseka pamberi pekirasi yose nemhaka yokutenda kwake, akanyengetera kuna Jehovha chinyararire. Gare gare vari voga akapupura nokungwarira pakutaura kumudzidzisi wacho. Mukati mokushanya kutaundi rokumusha kwaro muBenin, rimwe jaya rakanga riri kudzidza zvinodikanwa zvaJehovha rakasarudza kurasa chidhori charakanga ragadzirirwa nababa varo. Jaya racho raiziva kuti mufananidzo wacho wakanga usina upenyu, uye rakanga risingautyi, asi raizivawo kuti vanhu vakashatirwa vomumusha macho vangatsvaka kuti variuraye. Rakanyengetera kuna Jehovha, uye ipapo usiku rakaenda nechidhori chacho musango ndokuchirasa. (Enzanisa naVatongi 6:27-31.) Apo mumwe mukadzi womuDominican Republic akavamba kubatira Jehovha, murume wake akarayira kuti asarudze pakati pake naJehovha. Murume wacho akamutyisidzira nokumuramba. Kutya kwaizomuita kuti arege kutenda kwake here? Akapindura kuti: “Kudai kusavimbika kwanga kuchibatanidzwa, ndaizonyara, asi handinyari kubatira Jehovha Mwari!” Akaramba achifamba naMwari, uye pashure penguva yakati murume wake akamukumbanira mukuita kuda kwaJehovha. Tichivimba zvakakwana naBaba vedu vokudenga, isuwo tinogona kudzivisa kubvumira kutya munhu kuti kutidzivise kuita zvatinoziva kuti zvichafadza Jehovha.

Dzivisa Kurerutsa Zano

13. Tinonyeverwa pamusoro pomusungo upi pana 1 Timotio 6:9?

13 Kunyange zvazvo mimwe misungo inoshandiswa navavhimi yakagadzirirwa kubata mhuka ipi neipi inopfuura napanzvimbo yakati, mimwe misungo inonyengedza mhuka kupfurikidza nohwambo hunofadza zvinonyengera. Kuvanhu vakawanda, upfumi hwakafanana naizvozvo. (Mateo 13:22) Pana 1 Timotio 6:8, 9, Bhaibheri rinotikurudzira kugutsikana nezvokudya nezvokufuka. Ipapo rinonyevera kuti: “Vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa.”

14. (a) Chii chingadzivisa munhu kuteerera zano rokugutsikana nezvokudya nezvokufuka? (b) Kurondedzerwa kusina kururama kweupfumi kungaparira sei munhu kuti arerutse nyevero yakanyorwa pana 1 Timotio 6:9? (c) “Kuchiva kwameso” kungapofumadzira sei vamwe kumusungo wakavamirira?

14 Pasinei zvapo nenyevero iyi, vakawanda vanobatwa mumusungo nemhaka yokuti havazvishandisiri zano racho. Nei? Kungava kuti kudada kunovasunda kuti vapfuurire kuomerera pamararamiro anoda zvinopfuura “zvokudya nezvokufuka” izvo Bhaibheri rinotikurudzira kugutsikana nazvo here? Zvichida vanorerutsa nyevero yeBhaibheri nemhaka yokuti vanorondedzera pfuma maererano neizvo vanhu vakapfuma zvikuru vanazvo here? Bhaibheri rinongosiyanisa zvaro kutsvaka kupfuma nokugutsikana nezvokudya nezvokufuka. (Enzanisa naVaHebheru 13:5.) “Kuchiva kwameso”—chishuvo chokuva nezvinhu zvavanoona, vachirega kunyange zvinorondwa zvomudzimu—kunovaparira kuti vasundire fariro dzokunamata kwechokwadi munzvimbo yechipiri here? (1 Johane 2:15-17; Hagai 1:2-8) Avo vanoteerera zvirokwazvo zano reBhaibheri ndokufamba naMwari kupfurikidza nokuita kuti basa raJehovha rive chinhu chavanoitira hanya zvikuru choupenyu hwavo vanofara zvikuru sei!

Kubata Nefunganyo Dzoupenyu Nenzira Inobudirira

15. Mamiriroi ezvinhu anoparira kufunganya nenzira inonzwisisika kuvakawanda vevanhu vaJehovha, uye tinofanira kusvinurira musungoi patinenge takadzvinyirirwa zvakadaro?

15 Zvakarovedzeka zvikuru kupfuura kutsvaka kupfuma kuitira hanya kwokufunganya kuwana zvinodikanwa zvoupenyu. Vakawanda vevabatiri vaJehovha vanongorarama nezvinhu zvishoma bedzi. Vanoshanda zvakaoma kwamaawa akawanda kuti vave nezvokupfeka zvishomanene chete, nzvimbo yokuti mhuri yavo irare usiku, uye zvokudya zvakati kuti zvezuva racho. Vamwe vanotambura nezvinetso nemhaka yechirwere kana kuti kukwegura kwavo pachavo kana kuti kwemitezo yemhuri. Zvingava nyore sei kurega mamiriro ezvinhu akadaro achibvisa fariro dzomudzimu muupenyu hwavo!—Mateo 13:22.

16. Jehovha anotibetsera sei kubata nedzvinyiriro dzoupenyu?

16 Nenzira yorudo, Jehovha anotiudza pamusoro pezororo richawanikwa muUmambo hwaMesiya. (Pisarema 72:1-4, 16; Isaya 25:7, 8) Anotibetserawo kubata nedzvinyiriro dzoupenyu zvino kupfurikidza nokutipa zano pamusoro penzira yokuchengeta nayo zvokutanga zvedu zvakarurama. (Mateo 4:4; 6:25-34) Kupfurikidza nechinyorwa chenzira yaakabetsera nayo vabatiri vake munguva dzakapfuura, Jehovha anotikurudzira. (Jeremia 37:21; Jakobho 5:11) Anotisimbisa nokuziva kuti, pasinei zvapo nenhamo ipi neipi inotiwira, kuda kwake vabatiri vake vakavimbika kunoramba kuchipfuurira. (VaRoma 8:35-39) Kune avo vanoisa chivimbo chavo muna Jehovha, anozivisa kuti: “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.”—VaHebheru 13:5.

17. Ipa mienzaniso yenzira iyo vanhu vane nhamo huru vakakwanisa nayo kuramba vachifamba naMwari.

17 Vasimbiswa nokuziva uku, vaKristu vechokwadi vanoramba vachifamba naMwari panzvimbo pokutsaukira kunzira dzenyika. Murangariro wekunyika unozivikanwa navose pakati pevarombo munyika dzakawanda ndewokuti kutorera mumwe munhu ane zvakawanda kuitira kuti upe mhuri yako zvokudya hakusi kuba. Asi avo vanofamba nokutenda vanoramba murangariro iwoyo. Vanokoshesa kutendera kwaMwari kupfuura zvimwe zvinhu zvose uye vanotarira kwaari kuti avape mubayiro womufambiro wavo wokutendeseka. (Zvirevo 30:8, 9; 1 VaKorinte 10:13; VaHebheru 13:18) Imwe chirikadzi yomuIndia yakawana kuti kudisa kushanda pamwe chete nokufunga zvokuzvibatsira nazvo zvakaibetsera kurarama. Panzvimbo pokuita pfundepfunde pamusoro pemamiriro ayo ezvinhu, yaiziva kuti kana ikaisa Umambo hwaMwari nokururama kwake pakutanga muupenyu hwayo, Jehovha aizokomborera nhamburiko dzayo dzokuzviwanira zvinodikanwa zvayo nomwanakomana wayo. (Mateo 6:33, 34) Zviuru zvakawanda munyika yose zvinoratidzira kuti, pasinei zvapo nenhamo dzazvingawana, Jehovha ndiye utiziro hwavo nenhare yavo. (Pisarema 91:2) Izvozvo ndezvechokwadi nezvako here?

18. Chii chinokosha kukudzivisa misungo yenyika yaSatani?

18 Chero bedzi tichirarama mutsika ino yezvinhu, pachava nemisungo yatinofanira kudzivisa. (1 Johane 5:19) Bhaibheri rinozivisa iyoyi uye rinotiratidza nzira yokuidzivisa nayo. Avo vanoda Jehovha zvechokwadi uye vane rutyo rwakanaka rwokusamufadza vanogona kubata nemisungo yakadaro nenzira inobudirira. Kana vaka“[ramba vachi]famba noMweya,” havazoteri kunzira dzenyika. (VaGaratia 5:16-25) Nokuda kwavose avo zvirokwazvo vanovakira upenyu hwavo paukama hwavo naJehovha, pane kariro yakaisvonaka yokufamba naMwari, vachifarikanya kuva pedyo naye nokusingaperi.—Pisarema 25:14.

Ndeipi Iri Tsinhiro Yako?

◻ Kuzvivimba kunogona sei kuva musungo?

◻ Chii chinogona kutidzivirira pakudzorwa nokutya munhu?

◻ Chii chingatiparira kukundikana kushandisa zano pamusoro pengozi yokuronda pfuma?

◻ Chii chingatigonesa kudzivisa kubatwa mumusungo nefunganyo dzoupenyu?

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Vakawanda vanoramba vachifamba naMwari muupenyu hwose

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe